< VaKorose 1 >
1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu,
神の御旨によるキリスト・イエスの使徒パウロと兄弟テモテから、
2 kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi.
コロサイにいる、キリストにある聖徒たち、忠実な兄弟たちへ。わたしたちの父なる神から、恵みと平安とが、あなたがたにあるように。
3 Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai,
わたしたちは、いつもあなたがたのために祈り、わたしたちの主イエス・キリストの父なる神に感謝している。
4 nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose,
これは、キリスト・イエスに対するあなたがたの信仰と、すべての聖徒に対していだいているあなたがたの愛とを、耳にしたからである。
5 kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri
この愛は、あなたがたのために天にたくわえられている望みに基くものであり、その望みについては、あなたがたはすでに、あなたがたのところまで伝えられた福音の真理の言葉によって聞いている。
6 rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose.
そして、この福音は、世界中いたる所でそうであるように、あなたがたのところでも、これを聞いて神の恵みを知ったとき以来、実を結んで成長しているのである。
7 Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhitasi, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu,
あなたがたはこの福音を、わたしたちと同じ僕である、愛するエペフラスから学んだのであった。彼はあなたがたのためのキリストの忠実な奉仕者であって、
8 uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya.
あなたがたが御霊によっていだいている愛を、わたしたちに知らせてくれたのである。
9 Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa.
そういうわけで、これらの事を耳にして以来、わたしたちも絶えずあなたがたのために祈り求めているのは、あなたがたがあらゆる霊的な知恵と理解力とをもって、神の御旨を深く知り、
10 Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari,
主のみこころにかなった生活をして真に主を喜ばせ、あらゆる良いわざを行って実を結び、神を知る知識をいよいよ増し加えるに至ることである。
11 muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo
更にまた祈るのは、あなたがたが、神の栄光の勢いにしたがって賜わるすべての力によって強くされ、何事も喜んで耐えかつ忍び、
12 muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza.
光のうちにある聖徒たちの特権にあずかるに足る者とならせて下さった父なる神に、感謝することである。
13 Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda,
神は、わたしたちをやみの力から救い出して、その愛する御子の支配下に移して下さった。
14 watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.
わたしたちは、この御子によってあがない、すなわち、罪のゆるしを受けているのである。
15 Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose.
御子は、見えない神のかたちであって、すべての造られたものに先だって生れたかたである。
16 Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye.
万物は、天にあるものも地にあるものも、見えるものも見えないものも、位も主権も、支配も権威も、みな御子にあって造られたからである。これらいっさいのものは、御子によって造られ、御子のために造られたのである。
17 Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.
彼は万物よりも先にあり、万物は彼にあって成り立っている。
18 Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru.
そして自らは、そのからだなる教会のかしらである。彼は初めの者であり、死人の中から最初に生れたかたである。それは、ご自身がすべてのことにおいて第一の者となるためである。
19 Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti kuzara kwake kwose kugare maari,
神は、御旨によって、御子のうちにすべての満ちみちた徳を宿らせ、
20 uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateurwa pamuchinjikwa.
そして、その十字架の血によって平和をつくり、万物、すなわち、地にあるもの、天にあるものを、ことごとく、彼によってご自分と和解させて下さったのである。
21 Kare makanga muri vatorwa kuna Mwari uye maiva vavengi mupfungwa dzenyu nokuda kwetsika dzenyu dzakaipa.
あなたがたも、かつては悪い行いをして神から離れ、心の中で神に敵対していた。
22 Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa
しかし今では、御子はその肉のからだにより、その死をとおして、あなたがたを神と和解させ、あなたがたを聖なる、傷のない、責められるところのない者として、みまえに立たせて下さったのである。
23 kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro.
ただし、あなたがたは、ゆるぐことがなく、しっかりと信仰にふみとどまり、すでに聞いている福音の望みから移り行くことのないようにすべきである。この福音は、天の下にあるすべての造られたものに対して宣べ伝えられたものであって、それにこのパウロが奉仕しているのである。
24 Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke.
今わたしは、あなたがたのための苦難を喜んで受けており、キリストのからだなる教会のために、キリストの苦しみのなお足りないところを、わたしの肉体をもって補っている。
25 Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro,
わたしは、神の言を告げひろめる務を、あなたがたのために神から与えられているが、そのために教会に奉仕する者になっているのである。
26 chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. (aiōn )
その言の奥義は、代々にわたってこの世から隠されていたが、今や神の聖徒たちに明らかにされたのである。 (aiōn )
27 Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya.
神は彼らに、異邦人の受くべきこの奥義が、いかに栄光に富んだものであるかを、知らせようとされたのである。この奥義は、あなたがたのうちにいますキリストであり、栄光の望みである。
28 Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu.
わたしたちはこのキリストを宣べ伝え、知恵をつくしてすべての人を訓戒し、また、すべての人を教えている。それは、彼らがキリストにあって全き者として立つようになるためである。
29 Nokuda kwaizvozvi, ndinoshanda nesimba, ndichirwisa nesimba rake rose, rinoshanda zvikuru mandiri.
わたしはこのために、わたしのうちに力強く働いておられるかたの力により、苦闘しながら努力しているのである。