< Amosi 9 >
1 Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati, “Rova misoro yembiru kuti zvikumbaridzo zvizunguzike. Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose; avo vachasara ndichavauraya nomunondo. Hapana kana mumwe chete achatiza, hapana achapunyuka.
Ine ndinaona Ambuye atayima pambali pa guwa lansembe, ndipo anati: “Kantha mitu ya nsanamira kuti ziwundo za nyumba zigwedezeke. Muzigwetsere pa mitu ya anthu onse, onse amene atsalira ndidzawapha ndi lupanga. Palibe ndi mmodzi yemwe amene adzathawe, palibe amene adzapulumuke.
2 Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva, kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora. Kunyange vakakwira kumatenga, kubva ikoko ndichavadzikisa pasi. (Sheol )
Ngakhale atakumba pansi mpaka ku malo a anthu akufa, dzanja langa lidzawatulutsa kumeneko. Ngakhale atakwera kumwamba Ine ndidzawatsakamutsa kumeneko. (Sheol )
3 Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri, ipapo ndichavavhima ndigovabata. Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa, ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.
Ngakhale atakabisala pamwamba pa phiri la Karimeli, Ine ndidzawasaka kumeneko ndi kuwagwira. Ngakhale atakabisala pansi pa nyanja yayikulu, ndidzalamula njoka kuti iwalume kumeneko.
4 Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo, ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze. Ndichananʼanidza meso angu pavari kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”
Ngakhale adani awo awakusire ku ukapolo, ndidzalamula lupanga kuti liwaphe kumeneko. Ndidzawayangʼanitsitsa kuti zoyipa ziwagwere; osati zabwino.”
5 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, iye anobata nyika igonyungudika, navose vagere mairi vagochema, nyika yose inozara seNairi, uye igoderera serwizi rweIjipiti,
Ambuye Yehova Wamphamvuzonse amene amakhudza dziko lapansi ndipo dzikolo limasungunuka, onse amene amakhala mʼmenemo amalira. Dziko lonse lidzadzaza ngati mtsinje wa Nailo, kenaka nʼkuphwera ngati mtsinje wa ku Igupto.
6 iye anovaka muzinda wake kumatenga agomisa hwaro hwawo panyika, anodana mvura dzegungwa agodzidururira pamusoro penyika, Jehovha ndiro zita rake.
Iye amene amamanga malo ake okhalamo kumwamba, ndi kuyika maziko ake pa dziko lapansi, Iye amene amayitana madzi a ku nyanja ndikuwakhuthulira pa dziko lapansi, dzina lake ndiye Yehova.
7 “Nhai imi vaIsraeri, ko, hamusi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here, vaFiristia kubva kuKafitori navaAramu kubva kuKiri?
“Kodi kwa Ine, inu Aisraeli, simuli chimodzimodzi ndi Akusi?” Akutero Yehova. “Kodi sindine amene ndinatulutsa Israeli ku Igupto, Afilisti ku Kafitori ndi Aaramu ku Kiri?
8 “Zvirokwazvo meso aIshe Jehovha ari paumambo hunotadza. Ndichahuparadza kubva pamusoro penyika, asi handingaparadzi zvachose imba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Taonani, maso a Ambuye Yehova ali pa ufumu wochimwawu. Ndidzawufafaniza pa dziko lapansi. Komabe sindidzawononga kotheratu nyumba ya Yakobo,” akutero Yehova.
9 “Nokuti ndicharayira, uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose, sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero, uye hapana kana tsanga imwe chete ichawira pasi.
“Pakuti ndidzalamula, ndipo ndidzagwedeza nyumba ya Israeli pakati pa mitundu yonse ya anthu monga momwe amasefera ufa mʼsefa, koma palibe nʼkamwala kamodzi komwe kamene kadzagwe pansi.
10 Vatadzi vose pakati pavanhu vangu vachafa nomunondo, vose vanoti, ‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’
Anthu onse ochimwa pakati pa anthu anga adzaphedwa ndi lupanga, onse amene amanena kuti, ‘Tsoka silidzatigwera ife kapena kutiwononga.’
11 “Pazuva iro ndichamisazve tende raDhavhidhi rakawa. Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika, ndigovakazve matongo aro, uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita,
“Tsiku limenelo ndidzabwezeretsa nyumba ya Davide imene inagwa. Ndidzakonzanso malo amene anagumuka, ndi kuyimanganso monga inalili poyamba,
12 kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu nendudzi dzose dzine zita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.
kuti adzatengenso otsala a Edomu ndi mitundu yonse imene imatchedwa ndi dzina langa,” akutero Yehova amene adzachita zinthu izi.
13 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mucheki paachapfuurwa nomurimi, uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa. Waini itsva ichadonha kubva kumakomo, uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.
Yehova akunena kuti “Nthawi ikubwera pamene mlimi wotipula adzapyola wokolola ndipo woponda mphesa adzapyola wodzala mbewu. Mapiri adzachucha vinyo watsopano ndi kuyenderera pa zitunda zonse.
14 Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri; vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari. Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo. Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.
Ndidzawabwezeranso pabwino anthu anga Aisraeli; mizinda imene inali mabwinja idzamangidwanso ndipo azidzakhalamo. Adzalima minda ya mpesa ndipo adzamwa vinyo wake; adzalima minda ndipo adzadya zipatso zake.
15 Ndichasima Israeri munyika yavo voga, havangazodzurwizve kubva panyika yandakavapa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako.
Ndidzakhazika Aisraeli mʼdziko mwawo, ndipo sadzachotsedwamonso mʼdziko limene Ine ndawapatsa,” akutero Yehova Mulungu wako.