< Amosi 8 >

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva.
Ово ми показа Господ: Гле, котарица летњег воћа.
2 Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.
И рече: Шта видиш, Амосе? А ја рекох: Котарицу летњег воћа. А Господ ми рече: Дође крај народу мом Израиљу, нећу га више пролазити.
3 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”
И песме ће црквене бити ридање у онај дан, говори Господ; биће мноштво мртвих телеса, која ће се свуда побацати ћутећи.
4 Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa uye muchiparadza varombo venyika,
Чујте ово, који прождирете убоге и сатирете сиромахе у земљи,
5 muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,
Говорећи: Кад ће проћи младина да продајемо жито? И субота да отворимо пшеницу? Умањујући ефу и повећавајући сикал и варајући лажним мерилима;
6 muchitenga varombo nesirivha uye vanoshayiwa neshangu, muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.
Да купујемо сиромахе за новце и убогог за једне опанке, и да продајемо очинке од пшенице.
7 Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.
Закле се Господ славом Јаковљевом: Нећу никада заборавити ниједно дело њихово.
8 “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here uye vose vanogara mairi havangachemi? Nyika yose ichadira seNairi, ichabvongodzwa uye igoderera sorwizi rweIjipiti.
Неће ли се земља потрести од тога, и протужити сваки који живи на њој? И неће ли се сва разлити као река? И неће ли се однети и потопити као од реке мисирске?
9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.
И у онај дан, говори Господ Господ, учинићу да сунце зађе у подне, и помрачићу земљу за белог дана.
10 Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema, nokuimba kwose kuti kuve mhere. Ndichaita kuti mose mupfeke masaga uye mugoveura misoro yenyu. Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.
И претворићу празнике ваше у жалост и све песме ваше у плач, и метнућу кострет око свих бедара, и учинићу да свака глава оћелави и да буде жалост као за јединцем, и крај ће јој бити као горак дан.
11 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “andichatumira nzara panyika yose, kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura, asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.
Гле, иду дани, говори Господ Господ, кад ћу пустити глад на земљу, не глад хлеба ни жеђ воде, него слушања речи Господњих.
12 Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa vachienda kune rimwe gungwa, uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva, vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.
И потуцаће се од мора до мора, и од севера до истока трчаће тражећи реч Господњу, и неће је наћи.
13 “Pazuva iro, “mhandara dzakaisvonaka namajaya akasimba vachaziya nenyota.
У то ће време обамирати лепе девојке и младићи од жеђи,
14 Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti, ‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti, ‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’ vachawa, vasingazomukazve.”
Који се куну кривицом самаријском и говоре: Тако да је жив Бог твој, Дане, и тако да је жив пут у Вирсавеју. И пашће, и неће више устати.

< Amosi 8 >