< Amosi 5 >
1 Inzwai shoko iri, imi imba yaIsraeri, kuchema uku kwandinoita pamusoro penyu:
Give ear to this word, my song of sorrow over you, O children of Israel.
2 “Yawira pasi Mhandara Israeri, haingazosimukizve, akasiyiwa ari oga munyika yake, pasina angamusimudza.”
The virgin of Israel has been made low, never again to be lifted up: she is stretched out by herself on her land; there is no one to put her on her feet again.
3 Zvanzi naIshe Jehovha: “Guta richaendesa varwi chiuru vakasimba pakati peIsraeri richasarirwa nezana chete; guta richaendesa varwi zana vakasimba richasarirwa negumi chete.”
For these are the words of the Lord God: The town which was able to send out a thousand, will have only a hundred; and that which sent out a hundred, will have only ten, in Israel.
4 Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri: “Nditsvakei murarame;
For these are the words of the Lord to the children of Israel: Let your hearts be turned to me, so that you may have life:
5 musatsvaka Bheteri, musaenda kuGirigari, musaita rwendo rwokuenda kuBheerishebha. Nokuti zvirokwazvo Girigari ichaendeswa kuutapwa, uye Bheteri richava sapasina chinhu.”
Do not be looking for help to Beth-el, and do not go to Gilgal, or make your way to Beer-sheba: for Gilgal will certainly be taken prisoner, and Beth-el will come to nothing.
6 Tsvakai Jehovha mugorarama, mukasadaro achatsvaira imba yaJosefa sezvinoita moto; uchaparadza, uye Bheteri richashaya anoudzima.
Go to the Lord for help so that you may have life; for fear that he may come like fire bursting out in the family of Joseph, causing destruction, and there will be no one to put it out in Beth-el.
7 Imi vanoshandura kururamisira muchikuita gavakava uye muchikandira kururama pasi
You who make the work of judging a bitter thing, crushing down righteousness to the earth;
8 (Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni, anoshandura rima richiva mambakwedza, uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku, anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika, Jehovha ndiro zita rake,
Go for help to him who makes Orion and the Pleiades, by whom the deep dark is turned into morning, who makes the day black with night; whose voice goes out to the waters of the sea, sending them out over the face of the earth: the Lord is his name;
9 anoparadza nhare pakarepo uye anoita kuti guta rina masvingo rive dongo),
Who sends sudden destruction on the strong, so that destruction comes on the walled town.
10 munovenga anorayira padare uye munozvidza anotaura chokwadi.
They have hate for him who makes protest against evil in the public place, and he whose words are upright is disgusting to them.
11 Munotsika pamusoro pomurombo muchimumanikidza kuti akupei zviyo. Naizvozvo, kunyange makavaka dzimba huru dzamabwe, hamungagari madziri; kunyange makasima minda yakasvibira yemizambiringa, hamunganwi waini yayo.
So because the poor man is crushed under your feet, and you take taxes from him of grain: you have made for yourselves houses of cut stone, but you will not take your rest in them; the fair vine-gardens planted by your hands will not give you wine.
12 Nokuti ndinoziva kuwanda kwemhosva dzenyu nokukura kwakaita zvivi zvenyu. Munodzvinyirira vakarurama uye munotora fufuro, uye munoshayisa varombo kururamisirwa pamatare.
For I have seen how your evil-doing is increased and how strong are your sins, you troublers of the upright, who take rewards and do wrong to the cause of the poor in the public place.
13 Naizvozvo munhu akangwara anonyarara panguva dzakadai, nokuti inguva dzakaipa.
So the wise will say nothing in that time; for it is an evil time.
14 Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa, kuti murarame. Ipapo Jehovha Mwari Wamasimba Ose achava nemi, sezvamunoti ndizvo zvaari.
Go after good and not evil, so that life may be yours: and so the Lord, the God of armies, will be with you, as you say.
15 Vengai zvakaipa, mude zvakanaka; chengetedzai kururamisira mumatare. Zvichida Jehovha Mwari Wamasimba Ose achanzwira tsitsi vakasara vaJosefa.
Be haters of evil and lovers of good, and let right be done in the public place: it may be that the Lord, the God of armies, will have mercy on the rest of Joseph.
16 Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Mwari Wamasimba Ose, “Muchava nokuchema mumigwagwa yose nemhere yokurwadziwa pazvivara zvose. Varimi vachadanwa kuti vazochema uye vanochema vazoungudza.
So these are the words of the Lord, the God of armies, the Lord: There will be weeping in all the open spaces; and in all the streets they will say, Sorrow! sorrow! and they will get in the farmer to the weeping, and the makers of sad songs to give cries of grief.
17 Kuchava nokuungudza muminda yose yemizambiringa, nokuti ndichapfuura napakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
In all the vine-gardens there will be cries of grief: for I will go through among you, says the Lord.
18 Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Sei muchishuva zuva raJehovha? Zuva iro richava rima kwete chiedza.
Sorrow to you who are looking for the day of the Lord! what is the day of the Lord to you? it is dark and not light.
19 Zvichaita somunhu akatiza shumba achibva asangana nebere, sokunge akapinda mumba make ndokubata madziro noruoko rwake achibva arumwa nenyoka.
As if a man, running away from a lion, came face to face with a bear; or went into the house and put his hand on the wall and got a bite from a snake.
20 Ko, zuva raJehovha haringavi rima here, kwete chiedza, rima guru, risina kana bwerazuva?
Will not the day of the Lord be dark and not light? even very dark, with no light shining in it?
21 “Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu yechinamato; handifadzwi neungano dzenyu.
Your feasts are disgusting to me, I will have nothing to do with them; I will take no delight in your holy meetings.
22 Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana, handingavi nehanya nazvo.
Even if you give me your burned offerings and your meal offerings, I will not take pleasure in them: I will have nothing to do with the peace-offerings of your fat beasts.
23 Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu! Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
Take away from me the noise of your songs; my ears are shut to the melody of your instruments.
24 Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi, kururama sorukova rusingapwi!
But let the right go rolling on like waters, and righteousness like an ever-flowing stream.
25 “Makandivigira zvibayiro nezvipiriso makore makumi mana muri murenje here, nhai imba yaIsraeri?
Did you come to me with offerings of beasts and meal offerings in the waste land for forty years, O Israel?
26 Makasimudzira temberi yamambo wenyu, chitsiko chezvifananidzo zvenyu, nyeredzi yamwari wenyu, wamakazvigadzirira.
Truly, you will take up Saccuth your king and Kaiwan your images, the star of your god, which you made for yourselves.
27 Naizvozvo ndichakutamisai muende mberi kweDhamasiko,” ndizvo zvinotaura Jehovha ane zita rinonzi Mwari Wamasimba Ose.
And I will send you away as prisoners farther than Damascus, says the Lord, whose name is the God of armies.