< Amosi 3 >
1 Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti:
Hear this word that the LORD hath spoken against you, O children of Israel, against the whole family which I brought up out of the land of Egypt, saying:
2 “Ndimi moga vandakasarudza pamhuri dzose dzapanyika; naizvozvo ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu zvose.”
You only have I known of all the families of the earth; therefore I will visit upon you all your iniquities.
3 Ko, vaviri vangafamba pamwe chete vasina kunge vatenderana here?
Will two walk together, except they have agreed?
4 Ko, shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here?
Will a lion roar in the forest, when he hath no prey? Will a young lion give forth his voice out of his den, if he have taken nothing?
5 Ko, shiri ingawira pasi mumusungo pasina kuteyiwa rugombe here? Ko, musungo ungaurukira kumusoro pasina chawabata here?
Will a bird fall in a snare upon the earth, where there is no lure for it? Will a snare spring up from the ground, and have taken nothing at all?
6 Hwamanda ingarira muguta, vanhu vakasatya here? Njodzi painowira guta, ko, haazi Jehovha anenge azviita here?
Shall the horn be blown in a city, and the people not tremble? Shall evil befall a city, and the LORD hath not done it?
7 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu asina kuzivisa varanda vake, vaprofita, zvakavanzika zvake.
For the Lord GOD will do nothing, but He revealeth His counsel unto His servants the prophets.
8 Shumba yaomba, ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha ataura, ndiani angarega kuprofita?
The lion hath roared, who will not fear? The Lord GOD hath spoken, who can but prophesy?
9 Paridzirai nhare dzeAshidhodhi nenhare dzeIjipiti muchiti: “Unganai pamakomo eSamaria; onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro, noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.”
Proclaim it upon the palaces at Ashdod, and upon the palaces in the land of Egypt, and say: 'Assemble yourselves upon the mountains of Samaria, and behold the great confusions therein, and the oppressions in the midst thereof.'
10 “Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.”
For they know not to do right, saith the LORD, who store up violence and robbery in their palaces.
11 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzako uye achapamba nhare dzako.”
Therefore thus saith the Lord GOD: An adversary, even round about the land! And he shall bring down thy strength from thee, and thy palaces shall be spoiled.
12 Zvanzi naJehovha: “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve, vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo, avo vanogara muSamaria pamicheto yemibhedha yavo, nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.”
Thus saith the LORD: As the shepherd rescueth out of the mouth of the lion two legs, or a piece of an ear, so shall the children of Israel that dwell in Samaria escape with the corner of a couch, and the leg of a bed.
13 “Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.
Hear ye, and testify against the house of Jacob, saith the Lord GOD, the God of hosts.
14 “Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo, ndichaparadza aritari dzeBheteri; nyanga dzearitari dzichaparadzwa uye dzichawira pasi.
For in the day that I shall visit the transgressions of Israel upon him, I will also punish the altars of Beth-el, and the horns of the altar shall be cut off, and fall to the ground.
15 Ndichaparadza imba yenguva yechando, pamwe chete neimba yenguva yechirimo; dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa uye dzimba huru dzichaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
And I will smite the winter-house with the summer-house; and the houses of ivory shall perish, and the great houses shall have an end, saith the LORD.