< Amosi 2 >

1 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu.
Itsho njalo iNkosi: Ngenxa yeziphambeko ezintathu zikaMowabi, langenxa yezine, kangiyikuphambula isijeziso sabo, ngoba watshisa amathambo enkosi yeEdoma aba yikalaga.
2 Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu uchaparadza nhare dzeKerioti. Moabhu achawira pasi mubope guru pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda.
Ngakho ngizathumela umlilo koMowabi, ozaqeda izigodlo zeKeriyothi, uMowabi afele phakathi kokuxokozela, ngokumemeza, ngokukhala kophondo.
3 Ndichaparadza mutongi wake uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ngiqume umahluleli asuke phakathi kwakhe, ngibulale zonke iziphathamandla zakhe kanye laye, itsho iNkosi.
4 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,
Itsho njalo iNkosi: Ngenxa yeziphambeko ezintathu zakoJuda, langenxa yezine, kangiyikuphambula isijeziso sabo, ngoba bawalile umlayo weNkosi, kabagcinanga izimiso zayo, lamanga abo abaduhisile, oyise abawalandelayo.
5 ndichatuma moto pamusoro peJudha, uchaparadza nhare dzeJerusarema.”
Ngakho ngizathumela umlilo koJuda, futhi uzaqeda izigodlo zeJerusalema.
6 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha, navanoshayiwa kuti vawane shangu.
Itsho njalo iNkosi: Ngenxa yeziphambeko ezintathu zakoIsrayeli, langenxa yezine, kangiyikuphambula isijeziso sabo, ngoba bathengisa olungileyo ngesiliva, loswelayo ngamanyathela amabili,
7 Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo savanotsika paguruva, uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa. Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete, nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene.
abaphefuzelela uthuli lomhlaba oluphezu kwekhanda labayanga, baphambukisa indlela yabamnene; njalo umuntu loyise baya entombini, ukuze bangcolise ibizo lami elingcwele.
8 Vanovata pasi parutivi pearitari imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso. Mumba yamwari wavo vanonwa waini yakatorwa somuripo.
Bacambalale ezembathweni zesibambiso eceleni kwalelo lalelo ilathi, banathe iwayini labalahliweyo endlini yabonkulunkulu babo.
9 “Ndakaparadza Amori pamberi pavo, kunyange akanga akareba somusidhari uye akasimba somuouki. Ndakaparadza zvibereko zvake kumusoro nemidzi yake pasi.
Kanti mina ngachitha umAmori phambi kwabo, obude bakhe babunjengobude bamasedari, eqine njengama-okhi; kodwa ngachitha isithelo sakhe ngaphezulu, lempande zakhe ngaphansi.
10 “Ndakakubudisa kubva muIjipiti, ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje, kuti ndikupe nyika yavaAmori.
Futhi mina ngalenyusa elizweni leGibhithe, ngalikhokhela enkangala iminyaka engamatshumi amane, ukuze lidle ilifa lelizwe lomAmori.
11 Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu, navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu. Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ngavusa abanye emadodaneni enu babe ngabaprofethi, labanye emajaheni enu babe ngamaNaziri. Kakunjalo yini, lina bantwana bakoIsrayeli? itsho iNkosi.
12 “Asi makaita kuti vaNaziri vanwe waini uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita.
Kodwa lawanathisa amaNaziri iwayini, lalaya abaprofethi lisithi: Lingaprofethi.
13 “Zvino ipapo ndichakupwanyai sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo.
Khangelani, ngizalicindezela phansi, njengenqola igcwele izithungo icindezela.
14 Vanomhanya kwazvo havangapunyuki, vakasimba havangazovi nesimba ravo, uye murwi haangazoponesi upenyu hwake.
Ngakho isiphephelo sizabhubha kolejubane, lolamandla kayikuqinisa amandla akhe, leqhawe kaliyikukhulula impilo yalo.
15 Anopfura nemiseve haangazoramba amire, murwi anogona kumhanya haangapunyuki, uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.
Lophethe idandili kayikuma, lolenyawo ezilula kayikuzikhulula, logade ibhiza kayikukhulula impilo yakhe.
16 Kunyange mhare dzakashinga dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Lolenhliziyo eqinileyo phakathi kwamaqhawe uzabaleka eze ngalolosuku, itsho iNkosi.

< Amosi 2 >