< Amosi 2 >

1 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu.
主はこう言われる、「モアブの三つのとが、四つのとがのために、わたしはこれを罰してゆるさない。これは彼がエドムの王の骨を焼いて灰にしたからである。
2 Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu uchaparadza nhare dzeKerioti. Moabhu achawira pasi mubope guru pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda.
それゆえ、わたしはモアブに火を送り、ケリオテのもろもろの宮殿を焼き滅ぼす。モアブは騒ぎと、ときの声と、ラッパの音の中に死ぬ。
3 Ndichaparadza mutongi wake uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
わたしはそのうちから、支配者を断ち、そのすべてのつかさを彼と共に殺す」と主は言われる。
4 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,
主はこう言われる、「ユダの三つのとが、四つのとがのために、わたしはこれを罰してゆるさない。これは彼らが主の律法を捨て、その定めを守らず、その先祖たちが従い歩いた偽りの物に惑わされたからである。
5 ndichatuma moto pamusoro peJudha, uchaparadza nhare dzeJerusarema.”
それゆえ、わたしはユダに火を送り、エルサレムのもろもろの宮殿を焼き滅ぼす」。
6 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha, navanoshayiwa kuti vawane shangu.
主はこう言われる、「イスラエルの三つのとが、四つのとがのために、わたしはこれを罰してゆるさない。これは彼らが正しい者を金のために売り、貧しい者をくつ一足のために売るからである。
7 Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo savanotsika paguruva, uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa. Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete, nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene.
彼らは弱い者の頭を地のちりに踏みつけ、苦しむ者の道をまげ、また父子ともにひとりの女のところへ行って、わが聖なる名を汚す。
8 Vanovata pasi parutivi pearitari imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso. Mumba yamwari wavo vanonwa waini yakatorwa somuripo.
彼らはすべての祭壇のかたわらに質に取った衣服を敷いて、その上に伏し、罰金をもって得た酒を、その神の家で飲む。
9 “Ndakaparadza Amori pamberi pavo, kunyange akanga akareba somusidhari uye akasimba somuouki. Ndakaparadza zvibereko zvake kumusoro nemidzi yake pasi.
さきにわたしはアモリびとを彼らの前から滅ぼした。これはその高きこと、香柏のごとく、その強きこと、かしの木のようであったが、わたしはその上の実と、下の根とを滅ぼした。
10 “Ndakakubudisa kubva muIjipiti, ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje, kuti ndikupe nyika yavaAmori.
わたしはまた、あなたがたをエジプトの地から連れ上り、四十年のあいだ荒野で、あなたがたを導き、アモリびとの地を獲させた。
11 Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu, navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu. Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
わたしはあなたがたの子らのうちから預言者を起し、あなたがたの若者のうちからナジルびとを起した。イスラエルの人々よ、そうではないか」と主は言われる。
12 “Asi makaita kuti vaNaziri vanwe waini uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita.
「ところがあなたがたはナジルびとに酒を飲ませ、預言者に命じて『預言するな』と言う。
13 “Zvino ipapo ndichakupwanyai sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo.
見よ、わたしは麦束をいっぱい積んだ車が物を圧するように、あなたがたをその所で圧する。
14 Vanomhanya kwazvo havangapunyuki, vakasimba havangazovi nesimba ravo, uye murwi haangazoponesi upenyu hwake.
速く走る者も逃げ場を失い、強い者もその力をふるうことができず、勇士もその命を救うことができない。
15 Anopfura nemiseve haangazoramba amire, murwi anogona kumhanya haangapunyuki, uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.
弓をとる者も立つことができず、足早の者も自分を救うことができず、馬に乗る者もその命を救うことができない。
16 Kunyange mhare dzakashinga dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
勇士のうちの雄々しい心の者もその日には裸で逃げる」と主は言われる。

< Amosi 2 >