< Amosi 1 >

1 Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri.
The words of Amos, who was among the herdsmen of Tekoa; what he saw about Israel in the days of Uzziah, king of Judah, and in the days of Jeroboam, the son of Joash, king of Israel, two years before the earth-shock.
2 Akati: “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.”
And he said, The Lord will give a lion's cry from Zion, his voice will be sounding from Jerusalem; and the fields of the keepers of sheep will become dry, and the top of Carmel will be wasted away.
3 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakapura Gireadhi nemipuro ina meno amatare,
These are the words of the Lord: For three crimes of Damascus, and for four, I will not let its fate be changed; because they have been crushing Gilead with iron grain-crushing instruments.
4 ndichatumira moto paimba yaHazaeri uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi.
And I will send a fire into the house of Hazael, burning up the great houses of Ben-hadad.
5 Ndichavhuna suo reDhamasiko; ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
And I will have the locks of the door of Damascus broken, and him who is seated in power cut off from the valley of Aven, and him in whose hand is the rod from the house of Eden; and the people of Aram will go away as prisoners into Kir, says the Lord.
6 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakatapa rudzi rwose uye vakavatengesa kuEdhomu,
These are the words of the Lord: For three crimes of Gaza, and for four, I will not let its fate be changed; because they took all the people away prisoners, to give them up to Edom.
7 ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza uchaparadza nhare dzake.
And I will send a fire on the wall of Gaza, burning up its great houses:
8 Ndichaparadza mambo weAshidhodhi uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Him who is seated in power I will have cut off from Ashdod, and him in whose hand is the rod from Ashkelon; and my hand will be turned against Ekron, and the rest of the Philistines will come to destruction, says the Lord God.
9 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire, kunyange zvina handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa, akasacherechedza sungano youkama,
These are the words of the Lord: For three crimes of Tyre, and for four, I will not let its fate be changed; because they gave up all the people prisoners to Edom, without giving a thought to the brothers' agreement between them.
10 ndichatuma moto pamasvingo eTire, uchaparadza nhare dzake.”
And I will send a fire on the wall of Tyre, burning up its great houses.
11 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akadzinganisa mununʼuna wake nomunondo, akaramba kumunzwira tsitsi, nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimisa,
These are the words of the Lord: For three crimes of Edom, and for four, I will not let its fate be changed; because his sword was turned against his brother, without pity, and his wrath was burning at all times, and he was angry for ever.
12 ndichatuma moto pamusoro peTemani uchaparadza nhare dzeBhozira.”
And I will send a fire on Teman, burning up the great houses of Bozrah.
13 Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, kuti awedzere miganhu yake,
These are the words of the Lord: For three crimes of the children of Ammon, and for four, I will not let its fate be changed; because in Gilead they had women with child cut open, so that they might make wider the limits of their land.
14 ndichatungidza moto pamasvingo eRabha uchaparadza nhare dzaro, pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa, pakati pemhepo huru nezuva redutu.
And I will make a fire in the wall of Rabbah, burning up its great houses, with loud cries in the days of war, with a storm in the day of the great wind:
15 Mambo wake achaenda kuutapwa, iye namakurukota ake pamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
And their king will be made prisoner, he and his captains together, says the Lord.

< Amosi 1 >