< Mabasa 9 >

1 Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru
Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuuraya akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,
2 akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema.
akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyo vese varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.
3 Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose.
Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;
4 Akawira pasi akanzwa inzwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?”
zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?
5 Sauro akabvunza akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Iye akapindura akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza.
Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha iwe; zvinokuremera kukavana nezvibayo.
6 Zvino simuka uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.”
Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.
7 Varume vaifamba naSauro vakamira vakashaya chokutaura; vakanzwa inzwi asi havana kuona kana munhu.
Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.
8 Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko.
Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa kuDhamasiko.
9 Akava bofu kwamazuva matatu, uye akanga asingadyi kana kunwa kana chinhu.
Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.
10 MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, “Ananiasi!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano Ishe.”
Zvino pakange pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.
11 Ishe akati kwaari, “Enda kumba kwaJudhasi panzira inonzi Nzira Yakarurama undobvunza murume anonzi Sauro anobva kuTasasi, nokuti ari kunyengetera.
Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu anonzi Sauro, weTaso; nokuti tarira anonyengetera,
12 Akaona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achiuya kwaari akaisa maoko ake pamusoro pake kuti aonezve.”
uye waona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.
13 Ananiasi akapindura akati, “Ishe, ndakanzwa mashoko akawanda pamusoro pomurume uyu, uye nezvakaipa zvose zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema.
Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;
14 Uye akauya kuno nemvumo yakabva kuvaprista vakuru yokuti asunge vose vanodana kuzita renyu.”
uye pano ane simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vese vanodana zita renyu.
15 Asi Ishe akati kuna Ananiasi, “Enda! Murume uyu mudziyo wangu wandakasanangura kuti aende nezita rangu pamberi pevedzimwe ndudzi napamberi pamadzimambo avo uye napamberi paIsraeri.
Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo, nevana vaIsraeri;
16 Ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika sei nokuda kwezita rangu.”
nokuti ini ndichamuratidza kuti anofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.
17 Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.”
Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.
18 Pakarepo, zvinhu zvakaita samakwati zvakabva pameso aSauro, akagona kuonazve. Akasimuka akabhabhatidzwa,
Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.
19 uye shure kwokunge adya zvokudya, akavazve nesimba. Sauro akagara navadzidzi paDhamasiko kwamazuva mazhinji.
Zvino wakati agamuchira kudya akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.
20 Pakarepo akatanga kuparidza musinagoge kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.
Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.
21 Vose vakamunzwa vakakatyamara vakati, “Ko, haazi iye here akamutsa bongozozo muJerusarema pakati paavo vanodana kuzita iri? Uye haana kuuya kuno kuzovabata savasungwa kuti avaendese kuvaprista vakuru here?”
Asi vese vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?
22 Asi Sauro akanyanya kuva nesimba akakunda vaJudha vaigara muDhamasiko achivaratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza VaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.
23 Mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kumuuraya,
Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, VaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye;
24 asi Sauro akanzwa nezverangano yavo. Vakarinda masuo eguta masikati nousiku vachiitira kuti vagomuuraya.
asi zano ravo rakazikanwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;
25 Asi vateveri vake vakamutora usiku vakamuburutsa ari mudengu napakanga pakashama murusvingo.
asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.
26 Akati asvika kuJerusarema akaedza kuti abatane navadzidzi, asi vose vakanga vachimutya, vasingatendi kuti akanga ava mudzidzi wechokwadi.
Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vese vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.
27 Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi.
Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti wakange ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.
28 Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi.
Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,
29 Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya.
ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataura achipikisa VaHerenisiti; asi vakaidza kumuuraya.
30 Zvino hama dzakati dzazvinzwa izvi, dzakamutora dzikaburuka naye kuKesaria ndokumuendesa kuTasasi.
Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.
31 Ipapo kereke yakava norugare muJudhea mose, nomuGarirea neSamaria. Kereke yakasimbiswa; uye yakakurudzirwa naMweya Mutsvene, ikakura pauwandu, ichirarama mukutya Ishe.
Naizvozvo kereke paJudhiya yese neGarirea neSamaria dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.
32 Petro paakanga achifamba achipota nenyika, akashanyira vatsvene muRidha.
Zvino zvakaitika Petro achigura nzvimbo dzese, akaburukirawo kuvatsvene vakange vagere paRidha.
33 Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere.
Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, wakange arere panhovo makore masere, akafa mitezo.
34 Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzvitakurire nhoo yako.” Pakarepo Eniasi akasimuka.
Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwaridzire. Zvino akasimuka pakarepo.
35 Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She.
Zvino vese vakange vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
36 MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo.
Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo wakange azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.
37 Panguva inenge iyoyo akatanga kurwara ndokubva afa, mutumbi wake ukashambidzwa uye ukaiswa muimba yapamusoro.
Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika mukamuri yekumusoro.
38 Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!”
Zvino Ridha zvarakange riri pedo neJopa, vadzidzi vakange vanzwa kuti Petro wakange aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.
39 Petro akaenda navo, uye akati asvika, vakamutora vakaenda naye muimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira dzakamupoteredza, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe nguo dzakanga dzaitwa naDhokasi panguva yaakanga achinavo.
Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzese dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo refu nezvipfeko Dhokasi zvaakange aita achiri navo.
40 Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara.
Asi Petro wakavabudisira panze vese akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.
41 Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu.
Zvino wakamupa ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.
42 Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She.
Zvino zvikazikanwa paJopa yese; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.
43 Petro akambogara muJopa kwechinguva nomusuki wamatehwe ainzi Simoni.
Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.

< Mabasa 9 >