< Mabasa 8 >

1 Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yepaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria, kukasara vapostori chete.
Սօղոս ալ կամակից էր անոր սպաննուելուն: Այդ օրը մեծ հալածանք եղաւ Երուսաղէմի մէջ եղող եկեղեցիին դէմ: Առաքեալներէն զատ՝ բոլորն ալ ցրուեցան Հրէաստանի ու Սամարիայի երկրամասերուն մէջ:
2 Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru.
Բարեպաշտ մարդիկ վերցուցին Ստեփանոսը, եւ մեծապէս հեծեծեցին անոր վրայ:
3 Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo.
Իսկ Սօղոս կ՚աւերէր եկեղեցին. կը մտնէր տուները, կը քաշկռտէր այր մարդիկ ու կիներ, եւ կը մատնէր զանոնք՝ բանտ նետուելու:
4 Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda.
Ուրեմն անոնք որ ցրուած էին՝ կը շրջէին խօսքը աւետելով:
5 Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko.
Փիլիպպոս ալ Սամարիայի մէկ քաղաքը իջնելով՝ Քրիստոսը կը քարոզէր անոնց:
6 Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura.
Եւ բազմութիւնը՝ միաբան՝ ուշադիր էր Փիլիպպոսի ըսածներուն, լսելով ու տեսնելով անոր ըրած նշանները:
7 Nokuti mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa.
Որովհետեւ անմաքուր ոգիները բարձրաձայն գոռալով դուրս կ՚ելլէին բազմաթիւ դիւահարներէ,
8 Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.
եւ շատ անդամալոյծներ ու կաղեր կը բուժուէին:
9 Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita unʼanga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru,
Ուստի մեծ ուրախութիւն եղաւ այդ քաղաքին մէջ: Բայց մարդ մը կար՝ Սիմոն անունով, որ նախապէս մոգութիւն կ՚ընէր այդ քաղաքին մէջ եւ կը շշմեցնէր Սամարիայի ազգը, իր մասին ըսելով թէ մեծ մէկն է:
10 uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba guru raMwari.”
Բոլորն ալ, պզտիկէն մինչեւ մեծը, ուշադիր էին անոր ու կ՚ըսէին. «Ասիկա Աստուծոյ մեծ (կոչուած) զօրութիւնն է»:
11 Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake.
Ուշադրութիւն կը դարձնէին իրեն, որովհետեւ կը շշմեցնէր զիրենք մոգութիւններով՝ երկար ժամանակէ ի վեր:
12 Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi.
Բայց երբ հաւատացին Փիլիպպոսի՝ որ կ՚աւետէր Աստուծոյ թագաւորութեան ու Յիսուս Քրիստոսի անունին մասին, մկրտուեցան թէ՛ այր մարդիկ եւ թէ կիներ:
13 Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.
Սիմոն ինք ալ հաւատաց, ու մկրտուելով՝ չէր թողուր Փիլիպպոսը՝՝, եւ կը զմայլէր՝ տեսնելով կատարուած հրաշքներն ու մեծ նշանները:
14 Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari.
Երբ Երուսաղէմի մէջ եղող առաքեալները լսեցին թէ Սամարացիները ընդունած են Աստուծոյ խօսքը, ղրկեցին անոնց Պետրոսն ու Յովհաննէսը,
15 Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene,
որոնք հոն հասնելով՝ աղօթեցին անոնց համար, որպէսզի ստանան Սուրբ Հոգին:
16 nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
(Որովհետեւ դեռ անոնցմէ ոեւէ մէկուն վրայ իջած չէր, հապա միայն մկրտուած էին Տէր Յիսուսի անունով: )
17 Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.
Այն ատեն իրենց ձեռքերը դրին անոնց վրայ, ու կը ստանային Սուրբ Հոգին:
18 Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari
Սիմոն, տեսնելով թէ Սուրբ Հոգին կը տրուի՝ առաքեալներուն ձեռնադրութեամբ, դրամ մատուցանեց անոնց եւ ըսաւ.
19 akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.”
«Ինծի՛ ալ տուէք այս իշխանութիւնը, որպէսզի որո՛ւ վրայ որ ձեռք դնեմ՝ ստանայ Սուրբ Հոգին»:
20 Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari!
Պետրոս ըսաւ անոր. «Քու արծաթդ թող կորսուի քեզի հետ, որովհետեւ կարծեցիր թէ Աստուծոյ պարգեւը կը ստացուի դրամով:
21 Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari.
Դուն մաս ու բաժին չունիս այդ բանին մէջ, որովհետեւ սիրտդ ուղիղ չէ Աստուծոյ առջեւ:
22 Tendeuka ubve pakuipa uku uye unyengetere kuna She. Zvimwe achakukanganwira pakuva nepfungwa yakadai mumwoyo mako.
Ուրեմն զղջա՛ այդ չարամտութենէդ եւ աղերսէ՛ Աստուծոյ. թերեւս ներուի քեզի սիրտիդ չար մտածումը:
23 Nokuti ndinoona kuti iwe uzere nduru inovava uye wakasungwa nechivi.”
Որովհետեւ կը տեսնեմ քեզ մաղձի դառնութեան եւ անիրաւութեան կապին մէջ»:
24 Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”
Սիմոն պատասխանեց. «Դո՛ւք աղերսեցէք Տէրոջ ինծի համար, որպէսզի այդ ձեր ըսածներէն ոչինչ պատահի ինծի՝՝»:
25 Vakati vapupura uye vakaparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.
Անոնք ալ՝ վկայելէ ու Տէրոջ խօսքը քարոզելէ ետք՝ վերադարձան Երուսաղէմ, աւետարանելով Սամարացիներու բազմաթիւ գիւղերուն մէջ:
26 Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.”
Տէրոջ հրեշտակը խօսեցաւ Փիլիպպոսի՝ ըսելով. «Կանգնէ՛ ու գնա՛ հարաւային կողմը, այն ճամբան՝ որ կ՚իջնէ Երուսաղէմէն դէպի Գազա եւ ամայի է»:
27 Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema,
Ան ալ կանգնեցաւ ու գնաց: Եւ ահա՛ եթովպիացի ներքինի մը, Եթովպիացիներու Կանդակա թագուհիին մէկ պալատականը, - որ անոր բոլոր գանձերուն վերակացուն էր ու Երուսաղէմ եկած էր երկրպագելու, -
28 uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita.
կը վերադառնար եւ իր կառքը նստած՝ կը կարդար Եսայի մարգարէին գիրքը:
29 Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”
Հոգին ըսաւ Փիլիպպոսի. «Մօտեցի՛ր ու գնա՛ այդ կառքին քով»:
30 Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murume uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”
Փիլիպպոս ալ վազելով գնաց մօտը, լսեց թէ կը կարդար Եսայի մարգարէին գիրքը,
31 Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro agare nayemo.
եւ ըսաւ. «Արդեօք կը հասկնա՞ս կարդացածդ»: Ան ալ ըսաւ. «Ի՞նչպէս կրնամ հասկնալ, եթէ մէկը չառաջնորդէ զիս». եւ աղաչեց Փիլիպպոսի՝ որ ելլէ իր քով նստի:
32 Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake.
Գիրքին մէջ կարդացած հատուածը սա՛ էր. «Ոչխարի պէս սպանդանոց տարուեցաւ, ու զինք խուզողին առջեւ մունջ կեցող գառի պէս՝ իր բերանը չբացաւ:
33 Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa. Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake? Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”
Իր նուաստացումին մէջ՝ իր իրաւունքը առնուեցաւ, եւ ո՞վ պիտի պատմէ անոր սերունդին մասին. որովհետեւ անոր կեանքը երկրէն վերցուած է»:
34 Muyunaki uyu akabvunza Firipi akati, “Ndapota, ndiudze, muprofita ari kutaura pamusoro paaniko, anozvireva iye kana mumwe munhuwo?”
Ներքինին հարցուց Փիլիպպոսի. «Կ՚աղերսե՛մ քեզի, մարգարէն որո՞ւ համար կ՚ըսէ ասիկա. ինքնիրե՞ն համար՝ թէ ուրիշի մը համար»:
35 Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu.
Ուստի Փիլիպպոս բացաւ իր բերանը, եւ սկսելով Գիրքին այդ խօսքէն՝ Յիսուսը աւետեց անոր:
36 Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?”
Մինչ կ՚երթային իրենց ճամբան, եկան ջուրի մը քով: Ներքինին ըսաւ. «Ահա՛ ջուր, ա՛լ ի՞նչ կ՚արգիլէ զիս մկրտուելէ»:
37 Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”
(Փիլիպպոս ըսաւ անոր. «Եթէ կը հաւատաս ամբողջ սիրտովդ՝ արտօնուած է»: Ան ալ պատասխանեց. «Կը հաւատամ թէ Յիսուս Քրիստոս՝ Աստուծոյ Որդին է»: )
38 Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza.
Ու հրամայեց որ կայնեցնեն կառքը: Երկուքն ալ իջան ջուրը, թէ՛ Փիլիպպոս, թէ՛ ներքինին. ու մկրտեց զայն:
39 Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo.
Երբ դուրս ելան ջուրէն, Տէրոջ Հոգին յափշտակեց Փիլիպպոսը. ներքինին ա՛լ չտեսաւ զայն, եւ գնաց իր ճամբան ուրախութեամբ:
40 Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.
Իսկ Փիլիպպոս գտնուեցաւ Ազովտոսի մէջ, ու շրջելով աւետարանեց բոլոր քաղաքներուն մէջ՝ մինչեւ որ հասաւ Կեսարիա:

< Mabasa 8 >