< Mabasa 5 >

1 Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake.
Now a man named Ananias, together with his wife Sapphira, also sold a piece of property.
2 Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori.
With his wife’s full knowledge, he kept back some of the proceeds for himself, but brought a portion and laid it at the apostles’ feet.
3 Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda?
Then Peter said, “Ananias, how is it that Satan has filled your heart to lie to the Holy Spirit and withhold some of the proceeds from the land?
4 Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.”
Did it not belong to you before it was sold? And after it was sold, was it not at your disposal? How could you conceive such a deed in your heart? You have not lied to men, but to God!”
5 Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika.
On hearing these words, Ananias fell down and died. And great fear came over all who heard what had happened.
6 Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga.
Then the young men stepped forward, wrapped up his body, and carried him out and buried him.
7 Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika.
About three hours later his wife also came in, unaware of what had happened.
8 Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?” Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.”
“Tell me,” said Peter, “is this the price you and your husband got for the land?” “Yes,” she answered, “that is the price.”
9 Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.”
“How could you agree to test the Spirit of the Lord?” Peter replied. “Look, the feet of the men who buried your husband are at the door, and they will carry you out also.”
10 Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi pomurume wake.
At that instant she fell down at his feet and died. Then the young men came in and, finding her dead, carried her out and buried her beside her husband.
11 Kutya kukuru kwakabata kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi.
And great fear came over the whole church and all who heard about these events.
12 Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni.
The apostles performed many signs and wonders among the people, and with one accord the believers gathered together in Solomon’s Colonnade.
13 Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu.
Although the people regarded them highly, no one else dared to join them.
14 Zvisinei zvazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye vakawedzera uwandu.
Yet more and more believers were brought to the Lord—large numbers of both men and women.
15 Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro uwire pane vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari.
As a result, people brought the sick into the streets and laid them on cots and mats, so that at least Peter’s shadow might fall on some of them as he passed by.
16 Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.
Crowds also gathered from the towns around Jerusalem, bringing the sick and those tormented by unclean spirits, and all of them were healed.
17 Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo.
Then the high priest and all his associates, who belonged to the party of the Sadducees, were filled with jealousy. They went out
18 Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri.
and arrested the apostles and put them in the public jail.
19 Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa,
But during the night an angel of the Lord opened the doors of the jail and brought them out, saying,
20 akati, “Endai, mundomira muzvivanze zvetemberi, mugoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.”
“Go, stand in the temple courts and tell the people the full message of this new life.”
21 Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu. Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri.
At daybreak the apostles entered the temple courts as they had been told and began to teach the people. When the high priest and his associates arrived, they convened the Sanhedrin—the full assembly of the elders of Israel—and sent to the jail for the apostles.
22 Asi vabati vakati vasvika pajeri, vakawana vasimo. Saka vakadzokera vakasvikoti,
But on arriving at the jail, the officers did not find them there. So they returned with the report:
23 “Tawana jeri rakanyatsozarirwa, navarindi vamire pamikova; asi patazarura, hatina kuwana munhu mukati.”
“We found the jail securely locked, with the guards posted at the doors; but when we opened them, we found no one inside.”
24 Vakati vanzwa chiziviso ichi, mukuru wavarindi vetemberi navaprista vakuru vakakanganisika, vachishaya kuti chii chaizoitika.
When the captain of the temple guard and the chief priests heard this account, they were perplexed as to what was happening.
25 Ipapo mumwe akasvika akati, “Tarirai! Varume vamakaisa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu.”
Then someone came in and announced, “Look, the men you put in jail are standing in the temple courts teaching the people!”
26 Paakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe.
At that point, the captain went with the officers and brought the apostles—but not by force, for fear the people would stone them.
27 Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru.
They brought them in and made them stand before the Sanhedrin, where the high priest interrogated them.
28 Akati, “Takakurayirai zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu.”
“We gave you strict orders not to teach in this name,” he said. “Yet you have filled Jerusalem with your teaching and are determined to make us responsible for this man’s blood.”
29 Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu!
But Peter and the other apostles replied, “We must obey God rather than men.
30 Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu kubva kuvakafa uyo wamakaita kuti aurayiwe nokumuturika pamuti.
The God of our fathers raised up Jesus, whom you had killed by hanging Him on a tree.
31 Mwari akamusimudzira kuruoko rwake rworudyi soMuchinda noMuponesi kuti ape kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuvaIsraeri.
God exalted Him to His right hand as Prince and Savior, in order to grant repentance and forgiveness of sins to Israel.
32 Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi, uyewo noMweya Mutsvene wakapiwa naMwari kuna avo vanomuteerera.”
We are witnesses of these things, and so is the Holy Spirit, whom God has given to those who obey Him.”
33 Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa uye vakada kuvauraya.
When the Council members heard this, they were enraged, and they resolved to put the apostles to death.
34 Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, uyo aikudzwa navanhu vose, akasimuka pakati pedare akarayira kuti vanhu vambobudiswa panze kwechinguvana.
But a Pharisee named Gamaliel, a teacher of the law who was honored by all the people, stood up in the Sanhedrin and ordered that the men be put outside for a short time.
35 Ipapo akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, nyatsofungai pamusoro pezvamuri kuda kuita kuvanhu ava.
“Men of Israel,” he said, “consider carefully what you are about to do to these men.
36 Munguva yakapfuura, kwakambova naTudhasi aizviti iye munhu mukuru, uye varume vanenge mazana mana vakamutevera. Akaurayiwa, vose vaimutevera vakaparadzirwa, uye zvikaguma zvava pasina.
Some time ago Theudas rose up, claiming to be somebody, and about four hundred men joined him. He was killed, all his followers were dispersed, and it all came to nothing.
37 Shure kwake, Judhasi weGarirea akambovapowo pamazuva okuverengwa kwavanhu akatungamirira boka ravanhu mune zvokupanduka. Naiyewo akaurayiwa, uye vose vaimutevera vakaparadzirwa.
After him, Judas the Galilean appeared in the days of the census and drew away people after him. He too perished, and all his followers were scattered.
38 Naizvozvo, panyaya iyi ndinokurayirai kuti: Regai vanhu ava vakadaro! Regai vaende! Nokuti kana kufunga kwavo kuri kwomunhu, kuchaguma.
So in the present case I advise you: Leave these men alone. Let them go! For if their purpose or endeavor is of human origin, it will fail.
39 Asi kana kuchibva kuna Mwari, hamungagoni kukonesa vanhu ava; muchazoona kuti muri kurwa naMwari.”
But if it is from God, you will not be able to stop them. You may even find yourselves fighting against God.”
40 Kutaura kwake kwakavadzikamisa. Vakadana vapostori kuti vapinde vakaita kuti varohwe. Ipapo vakavarayira kuti varege kutaura muzita raJesu, uye vakavaregedza.
At this, they yielded to Gamaliel. They called the apostles in and had them flogged. Then they ordered them not to speak in the name of Jesus, and released them.
41 Vapostori vakabva paDare Guru, vachifara nokuda kwokuti vakanga vanzi vakafanira kutambudzwa nokunyadziswa nokuda kweZita iri.
The apostles left the Sanhedrin, rejoicing that they had been counted worthy of suffering disgrace for the Name.
42 Zuva rimwe nerimwe havana kumborega kudzidzisa nokuparidza shoko rakanaka vari mutemberi nomudzimba nedzimba kuti Jesu ndiye Kristu.
Every day, in the temple courts and from house to house, they did not stop teaching and proclaiming the good news that Jesus is the Christ.

< Mabasa 5 >