< Mabasa 4 >

1 Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu.
正當他們向百姓講話的時候,司祭、聖殿警官和撒杜塞人來到他們那裏,
2 Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu.
大為惱怒,因為他們教訓百姓,並宣講耶穌從死者中復活,
3 Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera.
遂下手拿住他們,押在拘留所裏,直到第二天,因為天已晚了。
4 Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu.
但聽道的人中,有許多人信從了,男人的數目,大約有五千。
5 Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema.
到了第二天,猶太人的首領、長老和經師都聚集在耶路撒冷,
6 Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo.
還有大司祭亞納斯和蓋法、若望、亞歷山大以及大司祭家族的人。
7 Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?”
他們就令宗徒們站在中間,仔細考問說:「你們憑什麼能力,或以誰的名義行這事﹖」
8 Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu,
那時,伯多祿充滿聖神,向他們說:「各位百姓首領和長老!
9 kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei,
如果你們今天詢問我們有關向一個病人行善的事,並且他怎樣痊癒了,
10 zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai.
我很高興告訴你們和全以色列百姓:是憑納匝肋人耶穌基督的名字即是你們所釘死,天主從死者中所復活的;就是憑著這人,這個站在你們面前的人好了。
11 Ndiye “‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’
這耶穌就是為你們『匠人所棄而不用的石頭,反而成了屋角基石。』
12 Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”
除他以外,無論憑誰,決無救援,因為在天下人間,沒有賜下別的名字,使我們賴以得救的。」
13 Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu.
他們看到伯多祿和若望的膽量,並曉得他們是沒有讀過書的平常人,就十分驚訝;他們既認出他們是同耶穌在一起的,
14 Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura.
又看見那治好了的人,同他們一起站著,都無言可對。
15 Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ivo vakasara vachitaurirana.
遂命他們暫且離開公議會,彼此商議,
16 Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba.
說:「對這些人我們可以作什麼呢﹖因為他們確實顯了一個明顯的奇蹟,凡耶路撒冷的居民都知道了,我們也不能否認。
17 Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.”
但是,為叫這事不再在民間傳播,我們當恐嚇他們,叫他們不可再因這名字向任何人發言。」
18 Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu.
遂叫了他們來,嚴令他們絕對不可再因耶穌的名發言施教。
19 Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari.
伯多祿和若望卻回答說:「聽從你們而不聽從天主,在天主前是否合理,你們評斷罷!
20 Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.”
因為我們不得不說我們所見所聞的事。」
21 Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavaranga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika.
議員們為了百姓的原故,找不到藉口來處罰他們,就把他們恐嚇一番,予以釋放了,因為眾人都為所發生的事光榮天主。
22 Nokuti murume akanga aporeswa nechishamiso akanga ana makore anodarika makumi mana.
原來那因奇蹟治好了的人,已有四十多歲了。
23 Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru.
他們被釋放之後,來到自己的人那裏,報告了大司祭和長老向他們所說的一切;
24 Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo.
大家一聽,都同心合意地高聲向天主說:「上主!『是你創造了天地海洋,和其中的一切。』
25 Makataura noMweya Mutsvene kubudikidza nomuromo womuranda wenyu, baba vedu Dhavhidhi, muchiti: “‘Ndudzi dzinoitireko hasha uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?
你曾以聖神藉我們的祖先,你的僕人達味的口說過:『異民為何叛亂﹖萬民為何策劃妄事﹖
26 Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuzorwa naIshe uye noMuzodziwa Wake.’
世上的君王起來,首領聚集在一起,反對上主和他的受傅者。』
27 Zvirokwazvo Herodhi naPondiasi Pirato vakaungana pamwe chete neveDzimwe Ndudzi uye navanhu veIsraeri muguta rino kuzorangana kurwisa Jesu muranda wenyu mutsvene, iye wamakazodza.
實在,黑落德和般雀比拉多與異民和以色列人聚集在這座城內,反對你的聖僕人耶穌,反對你的受傅者,
28 Vakaita zvakanga zvatongwa nesimba renyu uye nokuda kwenyu kuti zvichaitika.
實行了你的手和計劃所預定要成就的事。
29 Zvino, Ishe, tarirai kutyisidzira kwavo mugobatsira varanda venyu kuti vataure shoko renyu nokushinga kukuru.
現今,上主 !請注意他們的恐嚇,賜你的僕人以絕大的膽量,宣講你的真道,
30 Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.”
同時伸出你的手,藉你的聖僕人耶穌的名字治病,顯徵兆,行奇蹟。」
31 Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.
他們祈禱後,他們聚集的地方震動起來,眾人都充滿了聖神,大膽地宣講天主的真道。
32 Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo.
眾信徒都是一心一意,凡各人所有的,沒有人說是自己的,都歸公用。
33 Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo.
宗徒們以大德能,作證主耶穌的復活,在眾人前大受愛戴。
34 Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa
在他們中,沒有一個貧乏的人,因為凡有田地和房屋的,賣了以後,都把賣得的價錢帶來,
35 vakazviisa patsoka dzavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake.
放在宗徒們腳前,照每人所需要的分配。
36 Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira),
有位若瑟,宗徒稱之為巴爾納伯,解說「安慰之子,」是肋未人,生於塞浦路斯島,
37 akatengesa munda wake akauya nemari akaiisa pamberi pavapostori.
他有田地,賣了以後,也把銀錢帶來,放在宗徒腳前。

< Mabasa 4 >