< Mabasa 3 >
1 Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwidza kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati.
One day Peter and John were going up together for the hour of prayer, at three in the afternoon,
2 Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi.
when a man lame from his birth was carried along, who was wont to be laid each day near the gate of the Temple called the Beautiful Gate, to ask alms of those who were going into the Temple.
3 Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari.
When he saw Peter and John about to go into the Temple, he kept asking them for alms;
4 Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!”
Peter fixed his eyes upon him, as did John, and said, "Look at us."
5 Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo.
So he waited, expecting to get something from them. Then Peter said.
6 Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.”
"I have neither silver nor gold, but what I do have, this I am going to give to you; in the name of Jesus Christ, the Nazarene, walk!"
7 Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba.
Then taking his right hand he lifted him up. Instantly his feet and ankle-bones were strengthened;
8 Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari.
and leaping forth he stood on his feet, and began to walk, and went with them into the Temple, walking, and leaping, and praising God.
9 Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari,
When all the people saw him walking and praising God,
10 vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari.
and recognized that this was the man who used to sit and beg at the Beautiful Gate of the Temple, they were filled with awe and amazement at what had happened to him.
11 Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni.
While he was clinging to Peter and John, all the people crowded awe- struck around them, in what was known as Solomon’s Portico.
12 Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu?
When he saw this, Peter said to the people. "Men of Israel, why are you wondering at this? Why do you stare at us, as if by our own power or piety we had made this man to walk?
13 Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho, Mwari wamadzibaba edu, akudza muranda wake Jesu. Makamuendesa kundourayiwa, uye imi makamuramba pamberi paPirato, kunyange akanga afunga kumuregedza hake.
"The God of Abram, Isaac, and Jacob, the God of our fathers, has glorified his Servant Jesus, whom you betrayed and disowned before Pilate, when he had decided to let him go;
14 Makaramba iye Mutsvene naiye Akarurama Oga uye mukakumbira kuti mhondi isunungurwe.
"but you disowned the holy and righteous One, and asked as a favor the release of a murderer.
15 Makauraya muvambi woupenyu, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi.
"The Pioneer of Life you put to death. But God has raised him from the dead, and we are witnesses of that fact.
16 Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose.
"And his name, on the ground of faith in his name, has made strong this man, whom you now see and know; yes, the faith that is through him has made this man sound and strong again, in the presence of you all.
17 “Zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makaita nokusaziva sezvakangoitawo vatungamiri venyu.
"And now, brothers, I know that you did it in ignorance, as did also your rulers.
18 Asi ndiwo mazadzisiro akaita Mwari zvaakataura kare kubudikidza navaprofita vose, achitaura kuti Kristu wake aizotambudzika.
"But God has thus fulfilled what he foretold by the mouth of all the prophets, that his Christ should suffer.
19 Naizvozvo, tendeukai zvino, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike
"Repent then! and reform, from the blotting out of your sins, so that there may come times of refreshing from the presence of the Lord;
20 uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu, iye Jesu.
"and that he may send Jesus, your appointed Messiah,
21 Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene. (aiōn )
"whom the heavens must receive until the time of restoration of all things. "God spoke of this ages ago, through the mouth of his holy prophets. (aiōn )
22 Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai.
"Moses, for example, said. "The Lord your God will raise up a Prophet for you from among your brothers, as he raised up me; you must listen to whatever he may tell you;
23 Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’
"and it shall be that every soul who will not listen to that Prophet shall be utterly destroyed from among the people.
24 “Zvirokwazvo, vaprofita vose kubva kuna Samueri zvichienda mberi, vazhinji vavo vakataura, vakaprofita nezvamazuva ano.
"Yes, and all the prophets from Samuel and his successors, all that have spoken, have also told of those days.
25 Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, ‘Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.’
"You are the sons of the prophets, and of the covenant which God made with your fathers, saying to Abraham, "And in thy seed shall all the families of the earth be blessed.
26 Mwari akati amutsa muranda wake, akatanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei nokukutendeutsai mumwe nomumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzakaipa.”
"It was for you first that God raised up his Servant, and sent him to bless you in turning every one of you away from your wicked ways."