< Mabasa 28 >
1 Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita.
Once we were safely ashore, we learned that the island was called Malta.
2 Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora.
The islanders showed us extraordinary kindness. They kindled a fire and welcomed all of us because it was raining and cold.
3 Pauro akaunganidza svinga retutsotso. Paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake.
Paul gathered a bundle of sticks, and as he laid them on the fire, a viper, driven out by the heat, fastened itself to his hand.
4 Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pakati pavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.”
When the islanders saw the creature hanging from his hand, they said to one another, “Surely this man is a murderer. Although he was saved from the sea, Justice has not allowed him to live.”
5 Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara.
But Paul shook the creature off into the fire and suffered no ill effects.
6 Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari.
The islanders were expecting him to swell up or suddenly drop dead. But after waiting a long time and seeing nothing unusual happen to him, they changed their minds and said he was a god.
7 Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu.
Nearby stood an estate belonging to Publius, the chief official of the island. He welcomed us and entertained us hospitably for three days.
8 Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa.
The father of Publius was sick in bed, suffering from fever and dysentery. Paul went in to see him, and after praying and placing his hands on him, he healed the man.
9 Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya vakaporeswa.
After this had happened, the rest of the sick on the island came and were cured as well.
10 Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida.
The islanders honored us in many ways and supplied our needs when we were ready to sail.
11 Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi.
After three months we set sail in an Alexandrian ship that had wintered in the island. It had the Twin Brothers as a figurehead.
12 Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu.
Putting in at Syracuse, we stayed there three days.
13 Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakatanga kuvhuvhuta, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori.
From there we weighed anchor and came to Rhegium. After one day, a south wind came up, and on the second day we arrived at Puteoli.
14 Ipapo takawana hama uye dzakatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Tichibva ipapo takaenda kuRoma.
There we found some brothers who invited us to spend the week with them. And so we came to Rome.
15 Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa.
The brothers there had heard about us and traveled as far as the Forum of Appius and the Three Taverns to meet us. When Paul saw them, he was encouraged and gave thanks to God.
16 Takati tasvika kuRoma, Pauro akatenderwa kuti agare oga, ane murwi aimuchengeta.
When we arrived in Rome, Paul was permitted to stay by himself, with a soldier to guard him.
17 Mazuva matatu akati apfuura, akakoka vatungamiri vavaJudha. Vakati vaungana, Pauro akati kwavari, “Hama dzangu, kunyange ndisina kuita chinhu chakaipa kuvanhu vokwedu kana pamusoro petsika dzamadzitateguru edu, ndakasungwa muJerusarema ndikaiswa mumaoko avaRoma.
After three days, he called together the leaders of the Jews. When they had gathered, he said to them, “Brothers, although I have done nothing against our people or the customs of our fathers, I was taken prisoner in Jerusalem and handed over to the Romans.
18 Vakandibvunzisisa uye vakada kundisunungura, nokuti ndakanga ndisina mhosva ipi zvayo yaikodzera rufu.
They examined me and wanted to release me, because there was no basis for a death sentence against me.
19 Asi vaJudha vakati varamba ndakazvipira kuti ndizviise kuna Kesari, kwete kuti ndakanga ndine mhosva ipi zvayo nehama dzangu.
But when the Jews objected, I was compelled to appeal to Caesar, even though I have no charge to bring against my nation.
20 Nokudaro ndakumbira hangu kuti ndikuonei uye nditaure nemi. Nokuda kwetariro yaIsraeri ndakasungwa nengetani iyi.”
So for this reason I have called to see you and speak with you. It is because of the hope of Israel that I am bound with this chain.”
21 Ivo vakati, “Hatina kumbogamuchira kana tsamba zvadzo dzichibva kuJudhea maererano newe, uye hakuna mumwe wehama dzakabvako akatizivisa kana kutaura chinhu chipi zvacho chakaipa pamusoro pako.
The leaders replied, “We have not received any letters about you from Judea, nor have any of the brothers from there reported or even mentioned anything bad about you.
22 Asi tinoda kunzwa kuti pfungwa dzako ndedzei, nokuti tinoziva kuti kwose kwose vanhu vanotaura zvakaipa pamusoro peboka iri.”
But we consider your views worth hearing, because we know that people everywhere are speaking against this sect.”
23 Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira zvoumambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita.
So they set a day to meet with Paul, and many people came to the place he was staying. He expounded to them from morning to evening, testifying about the kingdom of God and persuading them about Jesus from the Law of Moses and the Prophets.
24 Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda.
Some of them were convinced by what he said, but others refused to believe.
25 Havana kutenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti:
They disagreed among themselves and began to leave after Paul had made this final statement: “The Holy Spirit was right when He spoke to your fathers through Isaiah the prophet:
26 “‘Enda kuvanhu ava uti, “Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi; mucharamba muchiona asi musingaonesesi.”
‘Go to this people and say, “You will be ever hearing but never understanding; you will be ever seeing but never perceiving.”
27 Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu; havanzwisisi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvimwe vangaona nameso avo, vanganzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vagotendeuka, ndigovaporesa.’
For this people’s heart has grown callous; they hardly hear with their ears, and they have closed their eyes. Otherwise they might see with their eyes, hear with their ears, understand with their hearts, and turn, and I would heal them.’
28 “Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kune veDzimwe Ndudzi, uye vachanzwa!”
Be advised, therefore, that God’s salvation has been sent to the Gentiles, and they will listen!”
29 Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo.
30 Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona.
Paul stayed there two full years in his own rented house, welcoming all who came to visit him.
31 Akaparidza zvoumambo hwaMwari asingatyi, asingadziviswi uye akadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu.
Boldly and freely he proclaimed the kingdom of God and taught about the Lord Jesus Christ.