< Mabasa 27 >

1 Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito.
第九項 パウロロマへ出立して難船に遇ふ 斯てパウロイタリアへ航海し、且他の囚人等と共に、オグスト隊のユリオと云へる百夫長に付さるべしと決せられしかば、
2 Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Aristakusi, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu.
我等は[小]アジアの處々に廻航すべきアドラミットの船に乗りて出帆せしが、テサロニケのマケドニア人アリスタルコも、亦我等と共に在りき。
3 Zuva rakatevera takasvika paSidhoni; uye Juriasi akanzwira Pauro tsitsi akamutendera kuti aende kushamwari dzake kuti zvimwe vangamupa zvaaishayiwa.
翌日シドンに至りしに[百夫長]ユリオは懇切にパウロを遇ひ、友人の家に至りて歓待を受くる事を許せり。
4 Tichibva ipapo takaendazve kugungwa tikapfuura nezasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakanga ichitidzivisa.
然て此處を出帆して、逆風の為にクプロ[島]の風下を通り、
5 Takati tayambuka gungwa reSirisia nePamufiria, takandomira paMira muRisia.
シリシアとパンフィリアとの灘を航して、リシア[州]のミラ[港]に至り、
6 Mukuru wezana akawana chikepe cheArekizandiria ipapo chaienda kuItari akatikwidzamo.
此處にてイタリアへ出帆するアレキサンドリアの船を見付けしかば、百夫長我等を之に乗替へさせたり。
7 Takafamba zvishoma zvishoma mazuva mazhinji uye zvakanga zvakatiomera kusvikira paNidhasi. Sezvo mhepo yakanga ichitidzivisa kuti tifambe mugwara redu, takabva taenda nezasi kweKirete, kwakatarisana neSarimone.
數日の間、船の進行遅く、辛うじてグニド[半島]の沖合に至りしも、尚逆風の為にサルモネ[岬]に近づき、クレタ[島]の風下を通りて、
8 Takafamba nokumahombekombe tichitambudzika tikasvika panzvimbo yainzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
漸く陸に沿ひて、タラサの町に程近き、良港と云へる處に至れり。
9 Takarasikirwa nenguva yakawanda kwazvo, uye kufambisa chikepe kwakanga kwava nenjodzi nokuti zvino Nguva Yokutsanya yakanga yatopfuura. Saka Pauro akavayambira akati,
時を経る事既に久しく、断食節も過ぎし頃とて、航海安全ならざれば、パウロ彼等を警戒して、
10 “Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nenjodzi uye ruchauyisa kurasikirwa kukuru kuchikepe nokunhumbi, uyewo nokuupenyu hwedu chaihwo.”
云ひけるは、男子等よ、我は航海の漸く困難と成り、啻に積荷と船と耳ならず、我等の身にも損害多かるべきことを認む、と。
11 Asi mukuru wezana, pachinzvimbo chokuti ateerere kune zvakanga zvataurwa naPauro, akatevera zano romuchairi wechikepe uye neromuridzi wechikepe.
然れど百夫長は、パウロの云ふ所よりも船長と船主とを信用し、
12 Sezvo panomira chikepe pakanga pasina kunaka kuti vanhu vagarepo munguva yechando, voruzhinji vakasarudza kuti tirambe tichifamba, vachitarisira kusvika kuFonisia tigogarako panguva yechando. Iyi ndiyo yaiva nzvimbo yomuKirete yaimirira chikepe, yakatarisa kwose zasi kwakadziva kumavirira nokumusoro kwakadziva kumavirira.
此港は冬を過すに不便なればとて、多數の決議によりて此處を發し、成るべくクレタ[島]の一港にして、西南と北西との風下に向へるフェニスに至りて、冬を過ごさん事となれり。
13 Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakakanga chimiso mumvura tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete.
折しも南風静に吹きければ、彼等は其目的に叶へりと思ひて碇を上げ、近くクレタ[島]に沿ひて航行しけるに、
14 Kusati kwambopera nguva huru, mhepo huru ine simba, yainzi “Yurakuro,” yakavhuvhuta ichibva nokuchitsuwa.
幾程もなくユロアクィロと名くる大風吹荒みしかば、
15 Chikepe chakabatwa nedutu chikatadza kupinda nomumhepo; saka takarega zvakadaro uye tikaramba tichingosairirwa.
船は吹流されて風上に進み得べくもあらず、風に任せて漂ひつつ、
16 Takati tapfuura nezasi kwechitsuwa chiduku chainzi Kaudha, takanga tisisagoni kuchengetedza igwa rokununura upenyu.
コウダと云へる[小]島の下に至り、辛うじて小艇を止むるを得たり。
17 Varume vakati varikwidza pamusoro pechikepe, vakapinza tambo napasi pechikepe kuti zvibate zvakasimba. Vachitya kuti vangasairirwa kujecha rokuSiritisi, vakaderedza zvimiso zvomugungwa ndokubva varega chikepe chichisairirwa.
然て之を引上げしに船員は、シルト[湾]へ吹遣られん事を懼れて、備縄を以て船體を巻縛り、帆を下して其儘に流れけるに、
18 Takanga tava kuvhungwa-vhungwa nedutu raiva nesimba zvokuti mangwana acho vakatanga kubudisa nhumbi muchikepe vachidzikanda mugungwa.
烈しき風浪に漂はされて、翌日は積荷を擲ね、
19 Pazuva retatu, vakakanda mimwe midziyo yaishandiswa muchikepe mugungwa namaoko avo.
三日目には手づから船具をも投げたり。
20 Zuva kana nyeredzi pazvisina kuonekwa kwamazuva mazhinji, uye dutu parakaramba richipenga, takagumisira tarasikirwa netariro yose yokuponeswa kwedu.
斯て數日の間日も星も見えず、甚しき風浪に罹りて、我等の助かるべき見込は全く絶果てたり。
21 Shure kwokunge vanhu vagara nguva refu vasina zvokudya, Pauro akamira pamberi pavo akati, “Varume, maifanira kunge makateerera zano rangu rokuti murege kubva paKirete; ipapo mungadai makazviponesa pakuparadza nokurasikirwa uku.
人々飲食せざる事既に久しければ、パウロ彼等の中に立ちて云ひけるは、男子等よ、前に我が言ふ事を聴きて、クレタ[島]を出帆せざりしならば、斯る損害と危険とを免れたりしものを。
22 Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa.
然て我、今は安心せん事を汝等に勧む、其は汝等の中一人も生命を失はずして、船のみ棄るべければなり。
23 Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni
蓋我が属する所、事へ奉る所の神の使、昨夜我傍に立ちて、
24 akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye nenyasha Mwari akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’
云ひけるは、パウロよ恐るること勿れ、汝はセザルの前に出廷せざるべからず、且神は汝と同船せるものを悉く汝に賜ひたるなり、と。
25 Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza.
然れば男子等、心を安んぜよ、其は我に謂はれし如く、然あるべし、と神に由りて信ずればなり。
26 Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”
我等は必ず或島に至るべし、と。
27 Nousiku hwegumi nechina, takanga tichiri kungosundwa nemhepo tichiyambuka Gungwa reAdhiria, panenge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakaona kuti vakanga voswedera kunyika.
斯て第十四夜に至りて、我等アドリア海を航しつつありしに、夜半頃に水夫等何處やらん土地の見ゆる様に覚えしかば、
28 Vakashandisa zvokuyera kudzika kwemvura vakaona kuti pakanga pakadzika mamita makumi mana. Shure kwenguva pfupi, vakayerazve vakawana kuti pakanga padzika namamita makumi matatu.
測鉛を投じたるに、廿尋なる事を認め、少しく進みて十五尋なる事を認めたり。
29 Vachitya kuti vangabondera pamatombo, vakadzikisa zvimiso zvina shure, ndokunyengetera kuti dai kwaedza.
瀬に觸らん事の恐しければ、艫よりの碇を下して夜の明くるを待ちたりしが、
30 Vachida kuedza kutiza kubva muchikepe, vafambisi vechikepe vakaburutsa igwa rokununura upenyu ndokurikanda mugungwa, vachiita sokunge vaizodzikisa zvimiso mberi kwechikepe.
水夫は船より迯れま欲しさに、船の舳より碇を下さんとするを口實にて既に小艇を海に浮べたれば、
31 Ipapo Pauro akati kumukuru wezana nokuvarwi, “Kana vanhu ava vakasagara muchikepe, hamungararami.”
パウロ百夫長と兵卒等とに向ひ、此人々船に止らずば、汝等助る事能はじ、と云ひしに、
32 Saka varwi vakadambura tambo dzakanga dzakabata igwa rokununura upenyu vakarirega richiwira mumvura.
兵卒等小艇の縄を断切りて流るるに任せたり。
33 Kwava kuda kuedza, Pauro akavakurudzira kuti vadye achiti, “Mazuva gumi namana apfuura, manga makangogara musingadyi, hamuna kutongodya kana chinhu.
夜明けんとする時、パウロ一同に食せん事を勧めて云ひけるは、汝等何をも飲食せずして空腹に待てる事既に十四日なり、
34 Zvino ndinokukurudzirai kuti mudye. Munofanira kudya kuti murarame. Hakuna mumwe pakati penyu acharasikirwa nebvudzi romusoro wake.”
故に我、汝等の健康の為に食せん事を勧む、蓋汝等の一人の髪毛一筋だに失せざるべし、と。
35 Shure kwokutaura kwake izvozvo, akatora chingwa akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose. Ipapo akachimedura akatanga kudya.
斯く言終りて麪を取り、一同の前にて神に感謝し、擘きて食し始めしかば、
36 Vose vakakurudzirwa uye vakadya zvokudya.
皆一層心落付きて、人々も食事したり。
37 Tose takanga tiri mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.
我等船に居る者総て二百七十六人なりしが、
38 Vakati vadya pavaida napo, vakarerutsa chikepe nokukanda gorosi mugungwa.
人々飽足りて後、麦を海に擲ねて船を軽くせり。
39 Kunze kwakati kwaedza, havana kuziva nyika iyo, asi vakaona nzvimbo yaiva nejecha, apo pavakasarudza kuti vamise chikepe kana zvaigona.
夜明けて後、其土地をば見知らねども、或砂浜の入江を見付けて、叶ふべくは其處に船を寄せんと思ひ、
40 Vakadambura zvimiso, vakazvisiya mugungwa uye nenguva yakare iyoyo vakadamburawo tambo dzakanga dzakasunga zvokudzoresa chikepe. Ipapo vakasimudza sairi rechikepe kumhepo kuti risairirwe panodira makungwa maviri.
縄を切りて碇を海に棄て、舵綱をも弛めて舳の帆を揚げ、風に順ひつつ陸を指して進みけるが、
41 Asi chikepe chakarovera pajecha. Muromo wacho wakabatirira kwazvo uye ukasagona kubvapo, nokudaro shure kwacho kwakapwanyika kukaita zvimedu zvimedu nokuda kwokurova kwamasaisai.
兩方海に挟まりたる處に至りて船を乗上げ、舳は填りて動かざれど、艫は浪の力の為に外れ居たりき。
42 Varwi vakaronga kuuraya vasungwa kuti vatadzise kana mumwe chete wavo kushambira kuti apunyuke.
此時兵卒等、囚徒の泳ぎて逃げん事を虞れて、之を殺さんと志したれど、
43 Asi mukuru wezana akanga achida kuponesa Pauro, akavadzivisa kuita zvavakanga varonga. Akarayira vaya vaigona kushambira kuti vashambire havo vatange kubuda muchikepe vaende kumahombekombe.
百夫長パウロを救はんと欲して之を禁じ、命じて、泳ぎ得る人々をして先跳入りて陸に迯れしめ、
44 Vakasara vavo vainge vachizoyambutswa vari pamapuranga kana pazvidimbu zvechikepe. Nenzira iyi, mumwe nomumwe akasvika pavhu rakaoma zvakanaka.
然て殘れる人々を或は板、或は船具に乗せたれば、皆恙なく上陸する事を得たり。

< Mabasa 27 >