< Mabasa 26 >

1 Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Saka Pauro akaninira noruoko rwake akatanga kuzvidavirira achiti,
Then Agrippa said to Paul: You are permitted to speak for yourself. Then Paul stretched forth his hand, and answered for himself.
2 “Mambo Agiripa, ndinoona kuti ndine rombo rakanaka kuti ndimire pamberi penyu nhasi ndichizvidavirira pamusoro pezvose zvandinopomerwa navaJudha,
I think myself happy, King Agrippa, because I shall this day make my defense before you, concerning all things of which I am accused by the Jews;
3 uye zvikuru nokuti imi munonyatsoziva tsika dzavaJudha uye namakakatanwa avo. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti munditeerere nomwoyo murefu chaizvo.
especially, since you are acquainted with all the customs and questions that are among the Jews. For this reason, I beseech you to hear me patiently.
4 “VaJudha vose zvavo vanoziva nzira yandakararama nayo kubvira pandakanga ndiri mwana, kubva pakutanga kwoupenyu hwangu munyika yokwangu, nomuJerusaremawo.
My course of life from my youth, which, from the beginning, was among my own nation in Jerusalem, know all the Jews;
5 Vakandiziva kwenguva refu uye vanogona kupupura, kana vachida zvavo, kuti maererano nedzidziso yakasimba yechitendero chedu, ndakagara ini ndiri muFarisi.
who, knowing me from the first, could testify, if they would, that, according to the strictest sect of our religion, I lived a Pharisee.
6 Uye zvino ndiri kutongwa pano nhasi nokuda kwetariro yangu mune zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari.
And now I stand and am judged for the hope of the promise made by God to our fathers;
7 Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi.
to which promise our twelve tribes, zealously serving night and day, hope to come: on account of which hope, King Agrippa, I am accused by the Jews.
8 Seiko zvisingagoni kutendwa pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa?
What? Is it thought a thing incredible among you, that God raises the dead?
9 “Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta.
I verily thought with myself, that I ought to do many things against the name of Jesus the Nazarene.
10 Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo.
And this I did in Jerusalem; and many of the saints did I shut up in prison, having received authority from the chief priests: and when they were put to death, I gave my vote against them.
11 Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza.
And I punished them often in every synagogue, and compelled them to speak impiously; and, being exceedingly mad against them, I persecuted them even to foreign cities.
12 “Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru.
While I was engaged in these things, and was going to Damascus with authority and commission from the chief priests,
13 Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo.
at midday, while I was on the road, I saw, O King, a light from heaven, above the brightness of the sun, shining round about me and those who journeyed with me.
14 Tose takawira pasi, uye ndakanzwa inzwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvakakuomera iwe kuti ukave zvibayiso.’
And when we had all fallen to the earth, I heard a voice speaking to me, and saying, in the Hebrew language, Saul, Saul, why do you persecute me? It is hard for you to kick against the goads.
15 “Ipapo ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Ishe akapindura akati, ‘Ndini Jesu waunotambudza.
And I said, Who art thou, Lord? He replied, I am Jesus, whom you persecute.
16 Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza.
But arise, and stand upon your feet; for I have appeared to you for this purpose, to make you a minister and a witness of the things which you have seen, and of those in which I will appear to you,
17 Ndichakununura kubva kuvanhu vokwako uye kubva kune veDzimwe Ndudzi. Ndiri kukutuma kwavari
delivering you from the people, and from the Gentiles, to whom now I send you,
18 kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’
in order to open their eyes, and to turn them from darkness to light, and from the authority of Satan to God, that they may receive remission of sins, and an inheritance among the sanctified, by faith in me.
19 “Saka ipapo, Mambo Agiripa, handina kuramba kuteerera kuchiratidzo chakabva kudenga.
Wherefore, King Agrippa, I was not disobedient to the heavenly vision;
20 Ndakatanga kuparidza kuna avo vaiva muDhamasiko, nokuna avo vaiva muJerusarema nomuJudhea yose, uye nokune veDzimwe Ndudziwo kuti vatendeuke vadzokere kuna Mwari vagoratidza kutendeuka kwavo namabasa avo.
but announced first to those in Damascus and Jerusalem, and throughout all the region of Judea, and then to the Gentiles, that they should repent and turn to God, and do works worthy of repentance.
21 Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya.
For these reasons the Jews seized me in the temple, and endeavored to kill me.
22 Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika,
Having, therefore, obtained help from God, I have stood till this day, testifying both to small and to great, saying nothing else than the things which the prophets and Moses did say should come to pass:
23 kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kubva kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokune veDzimwe Ndudzi.”
that Christ should suffer, and that he first, by his resurrection from the dead, should show light to the people, and to the Gentiles.
24 Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.”
And as he spoke these things in his defense, Festus said, with a loud voice; Paul, you are mad; much learning drives you to madness.
25 Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka.
But he replied: I am not mad, most excellent Festus, but speak forth the words of truth and soberness.
26 Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda.
For the king has knowledge of these things, before whom, also, I speak with boldness; for I am persuaded that none of these things have escaped his notice; for this was not done in a corner.
27 Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.”
King Agrippa, do you believe the prophets? I know that you believe.
28 Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”
Then Agrippa said to Paul: You almost persuade me to be a Christian.
29 Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.”
And Paul replied: I could pray to God, that not only you, but also all that hear me to-day, were both almost and altogether such as I am, except these bonds.
30 Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo.
And the king arose, and the governor, and Bernice, and those who sat with them.
31 Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.”
And when they had withdrawn, they conversed with one another, saying: This man does nothing worthy of death or of bonds.
32 Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.”
And Agrippa said to Festus: This man could have been set at liberty, if he had not appealed to Cæsar

< Mabasa 26 >