< Mabasa 25 >
1 Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema,
Three days after Festus had entered upon his province, he left Caesarea and went up to Jerusalem.
2 vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari.
There the Chief Priests and the leading men among the Jews laid an information before him against Paul,
3 Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo.
and asked a favour of him, to Paul’s injury — to have Paul brought to Jerusalem. All the while they were plotting to make away with him on the road.
4 Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza.
But Festus answered that Paul was in prison at Caesarea, and that he himself would be leaving for that place shortly.
5 Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.”
“So let the influential men among you,” he said, “go down with me, and if there is anything amiss in the man, charge him formally with it.”
6 Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake.
After staying among them some eight or ten days, Festus went down to Caesarea. The next day he took his seat on the Bench, and ordered Paul to be brought before him.
7 Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa.
On Paul’s appearance, the Jews who had come down from Jerusalem surrounded him, and made many serious charges, which they failed to establish.
8 Ipapo Pauro akazvidavirira achiti, “Ini handina kuita chinhu chakaipa pamusoro pomurayiro wavaJudha kana temberi kana Kesari.”
Paul’s answer to the charge was — ‘I have not committed any offence against the Jewish Law, or the Temple, or the Emperor.’
9 Fesitasi achida kufadza vaJudha, akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusarema kuti undomira pamberi pangu uchitongwa neni ikoko pamusoro pemhosva dzaunopomerwa idzi?”
But, as Festus wished to gain popularity with the Jews, he interrupted Paul with the question: “Are you willing to go up to Jerusalem and be tried on these charges before me there?”
10 Pauro akapindura akati, “Iye zvino ndimire pamberi pedare raKesari, munova ndimo mandinofanira kutongwa. Handina kuita chinhu chakaipa kuvaJudha, sezvamunonyatsoziva imi pachenyu.
“No,” replied Paul, “I am standing at the Emperor’s Bar, where I ought to be tried. I have not wronged the Jews, as you yourself are well aware.
11 Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!”
If, however, I am breaking the law and have committed any offence deserving death, I do not ask to escape the penalty; but, if there is nothing in the accusations of these people, no one has the power to give me up to them. I appeal to the Emperor.”
12 Shure kwokunge Fesitasi ataurirana namakurukota ake, akati, “Wazviisa kuna Kesari. Kuna Kesari uchaenda!”
Upon that, Festus, after conferring with his Council, answered: “You have appealed to the Emperor; to the Emperor you shall go.”
13 Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi.
Some days later King Agrippa and Bernice came down to Caesarea, and paid a visit of congratulation to Festus;
14 Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi.
and, as they were staying there for several days, Festus laid Paul’s case before the King. “There is a man here,” he said, “left a prisoner by Felix,
15 Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe.
about whom, when I came to Jerusalem, the Jewish Chief Priest and the Councillors laid an information, demanding judgment against him.
16 “Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake kuti andofa asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera.
My answer to them was, that it was not the practice of Romans to give up any man to his accusers till the accused had met them face to face, and had also had an opportunity of answering the charges brought against him.
17 Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare.
So they met here, and without loss of time I took my seat on the Bench the very next day, and ordered the man to be brought before me.
18 Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira.
But, when his accusers came forward, they brought no charge of wrong-doing such as I had expected;
19 Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu.
but I found that there were certain questions in dispute between them about their own religion, and about some dead man called Jesus, whom Paul declared to be alive.
20 Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi.
And, as I was at a loss how to enquire into questions of this kind, I asked Paul if he were willing to go up to Jerusalem, and there be put upon his trial.
21 Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.”
Paul, however, appealed to have his case reserved for the consideration of his August Majesty, so I ordered him to be detained in custody, until I could send him to the Emperor.”
22 Ipapo Agiripa akati kuna Fesitasi, “Ndingada kunzwa munhu uyu pachangu.” Akapindura akati, “Muchamunzwa mangwana.”
“I should like to hear this man myself,” Agrippa said to Festus. “You shall hear him to-morrow,” Festus answered.
23 Zuva rakatevera, Agiripa naBhenisi vakauya nokukudzwa kukuru vakapinda mumba maitambirwa mhaka vane machinda ezvigaro zvapamusoro uye navarume vaitungamirira guta. Varayirwa naFesitasi, Pauro akapinzwa mukati.
So the next day, when Agrippa and Bernice had come in full state and had entered the Audience Chamber, with the superior officers and the principal people of the city, by the order of Festus Paul was brought before them.
24 Fesitasi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano nesu, muri kuona murume uyu! Ungano yose yavaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nomuno muKesaria, vachidanidzira vachiti haafaniri kutongoramba ari mupenyu.
Then Festus said: “King Agrippa, and all here present, you see before you the man about whom the whole Jewish people have applied to me, both at Jerusalem and here, loudly asserting that he ought not to be allowed to live.
25 Ini ndakawana asina kuita chinhu chingafanira rufu, asi nokuda kwokuti akazviisa kuna Kesari, ndakafunga kumutumira kuRoma.
I found, however, that he had not done anything deserving death; so, as he had himself appealed to his August Majesty, I decided to send him.
26 Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora.
But I have nothing definite to write about him to my Imperial Master; and for that reason I have brought him before you all, and especially before you, King Agrippa, that, after examining him, I may have something to write.
27 Nokuti ndinofunga kuti hazvina ungwaru kutumira musungwa pasina rondedzero chaiyo yemhosva yake.”
For it seems to me absurd to send a prisoner, without at the same time stating the charges made against him.”