< Mabasa 23 >

1 Pauro akatarisisa kuDare Guru ravaJudha akati kwavari, “Hama dzangu, ini ndakaita basa rangu kuna Mwari nehana yakanaka kusvikira zuva ranhasi.”
ܘܟܕ ܚܪ ܦܘܠܘܤ ܒܟܢܫܗܘܢ ܐܡܪ ܓܒܪܐ ܐܚܝ ܐܢܐ ܒܟܠ ܬܐܪܬܐ ܛܒܬܐ ܐܬܕܒܪܬ ܩܕܡ ܐܠܗܐ ܥܕܡܐ ܠܝܘܡܢܐ
2 Ipapo muprista mukuru ainzi Ananiasi akarayira vaya vakanga vamire pedyo naye kuti vamurove pamuromo.
ܘܚܢܢܝܐ ܟܗܢܐ ܦܩܕ ܠܗܢܘܢ ܕܩܝܡܝܢ ܥܠ ܓܒܗ ܕܢܡܚܘܢܗ ܠܦܘܠܘܤ ܥܠ ܦܘܡܗ
3 Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro chakacheneswa nependi! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako unodarika murayiro nokurayira kuti ndirohwe!”
ܘܦܘܠܘܤ ܐܡܪ ܠܗ ܥܬܝܕ ܗܘ ܐܠܗܐ ܕܢܡܚܝܟ ܐܤܬܐ ܡܚܘܪܬܐ ܘܐܢܬ ܝܬܒ ܐܢܬ ܕܐܢ ܐܢܬ ܠܝ ܐܝܟ ܕܒܢܡܘܤܐ ܟܕ ܥܒܪ ܐܢܬ ܥܠ ܢܡܘܤܐ ܘܦܩܕ ܐܢܬ ܕܢܡܚܘܢܢܝ
4 Vaya vakanga vamire pedyo naPauro vakati, “Iwe uri kutotuka muprista mukuru waMwari nhai?”
ܘܐܝܠܝܢ ܕܩܝܡܝܢ ܗܘܘ ܬܡܢ ܐܡܪܝܢ ܠܗ ܠܟܗܢܐ ܕܐܠܗܐ ܡܨܚܐ ܐܢܬ
5 Pauro akapindura akati, “Hama dzangu, ndanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’”
ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܦܘܠܘܤ ܠܐ ܝܕܥ ܗܘܝܬ ܐܚܝ ܕܟܗܢܐ ܗܘ ܟܬܝܒ ܗܘ ܓܝܪ ܕܠܪܫܐ ܕܥܡܟ ܠܐ ܬܠܘܛ
6 Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.”
ܘܟܕ ܝܕܥ ܦܘܠܘܤ ܕܡܢܗ ܕܥܡܐ ܐܝܬܘܗܝ ܕܙܕܘܩܝܐ ܘܡܢܗ ܕܦܪܝܫܐ ܩܥܐ ܗܘܐ ܒܟܢܫܐ ܓܒܪܐ ܐܚܝ ܐܢܐ ܦܪܝܫܐ ܐܢܐ ܒܪ ܦܪܝܫܐ ܘܥܠ ܤܒܪܐ ܕܩܝܡܬܐ ܕܡܝܬܐ ܡܬܕܝܢ ܐܢܐ
7 Akati ataura izvozvo, nharo dzakamuka pakati pavaFarisi navaSadhusi, nokudaro ungano yakapesana.
ܘܟܕ ܗܕܐ ܐܡܪ ܢܦܠܘ ܚܕ ܒܚܕ ܦܪܝܫܐ ܘܙܕܘܩܝܐ ܘܐܬܦܠܓ ܥܡܐ
8 VaSadhusi vanoti hakuna kumuka kwavakafa, uye kuti hakuna mutumwa kana mweya, asi vaFarisi vanotenda izvozvo zvose.
ܙܕܘܩܝܐ ܓܝܪ ܐܡܪܝܢ ܕܠܝܬ ܩܝܡܬܐ ܘܠܐ ܡܠܐܟܐ ܘܠܐ ܪܘܚܐ ܦܪܝܫܐ ܕܝܢ ܡܘܕܝܢ ܒܟܠܗܝܢ
9 Pakava nebope guru, uye vamwe vadzidzisi vomurayiro vainge vari vaFarisi vakasimuka vakaita nharo zvikuru. Vakati, “Hatina chakaipa chatinoona pamunhu uyu. Ko, kana ari mweya kana mutumwa akataura kwaari?”
ܘܗܘܐ ܩܠܐ ܪܒܐ ܘܩܡܘ ܐܢܫܐ ܤܦܪܐ ܡܢ ܓܒܐ ܕܦܪܝܫܐ ܘܢܨܝܢ ܗܘܘ ܥܡܗܘܢ ܘܐܡܪܝܢ ܠܐ ܡܫܟܚܝܢܢ ܡܕܡ ܕܒܝܫ ܒܗܢܐ ܓܒܪܐ ܐܢ ܕܝܢ ܪܘܚܐ ܐܘ ܡܠܐܟܐ ܡܠܠ ܥܡܗ ܡܢܐ ܐܝܬ ܒܗ ܒܗܕܐ
10 Kupesana kwakava nemhirizhonga zvokuti mukuru wamauto akatya kuti Pauro angangobvamburwa-bvamburwa navo. Akarayira varwi kuti vaburuke vandomutora vamubvise kwavari nechisimba vagomuendesa kudzimba dzavarwi.
ܘܟܕ ܗܘܐ ܫܓܘܫܝܐ ܪܒܐ ܒܝܢܬܗܘܢ ܕܚܠ ܗܘܐ ܟܠܝܪܟܐ ܕܠܡܐ ܢܦܫܚܘܢܗ ܠܦܘܠܘܤ ܘܫܠܚ ܠܪܗܘܡܝܐ ܕܢܐܬܘܢ ܢܚܛܦܘܢܗ ܡܢ ܡܨܥܬܗܘܢ ܘܢܥܠܘܢܗ ܠܡܫܪܝܬܐ
11 Usiku hwakatevera, Ishe akamira pedyo naPauro akati kwaari, “Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma.”
ܘܟܕ ܗܘܐ ܠܠܝܐ ܐܬܚܙܝ ܠܗ ܡܪܢ ܠܦܘܠܘܤ ܘܐܡܪ ܠܗ ܐܬܚܝܠ ܡܛܠ ܕܐܝܟ ܕܐܤܗܕܬ ܥܠܝ ܒܐܘܪܫܠܡ ܗܟܢܐ ܥܬܝܕ ܐܢܬ ܕܐܦ ܒܪܗܘܡܐ ܬܤܗܕ
12 Fume mangwana, vaJudha vakaita rangano vakazvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.
ܘܟܕ ܗܘܐ ܨܦܪܐ ܐܬܟܢܫܘ ܗܘܘ ܐܢܫܝܢ ܡܢ ܝܗܘܕܝܐ ܘܐܚܪܡܘ ܥܠܝܗܘܢ ܕܠܐ ܢܐܟܠܘܢ ܘܠܐ ܢܫܬܘܢ ܥܕܡܐ ܕܢܩܛܠܘܢܗ ܠܦܘܠܘܤ
13 Varume vaipfuura makumi mana ndivo vakaita rangano iyi.
ܗܘܝܢ ܗܘܘ ܕܝܢ ܗܢܘܢ ܕܐܩܝܡܘ ܒܡܘܡܬܐ ܗܢܐ ܩܝܡܐ ܝܬܝܪ ܡܢ ܐܪܒܥܝܢ ܓܒܪܝܢ
14 Vakaenda kuvaprista vakuru navakuru vakati, “Isu tazvisunga nemhiko kuti tirege kudya kana chinhu kusvikira tauraya Pauro.
ܘܐܬܩܪܒܘ ܠܘܬ ܟܗܢܐ ܘܠܘܬ ܩܫܝܫܐ ܘܐܡܪܝܢ ܗܘܘ ܕܚܪܡܐ ܐܚܪܡܢ ܥܠܝܢ ܕܡܕܡ ܠܐ ܢܛܥܡ ܥܕܡܐ ܕܢܩܛܘܠ ܠܦܘܠܘܤ
15 Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.”
ܘܗܫܐ ܒܥܘ ܐܢܬܘܢ ܘܪܫܐ ܕܟܢܘܫܬܐ ܡܢ ܟܠܝܪܟܐ ܕܢܝܬܝܘܗܝ ܠܘܬܟܘܢ ܐܝܟ ܒܥܝܢ ܐܢܬܘܢ ܕܬܒܨܘܢ ܫܪܝܪܐܝܬ ܤܘܥܪܢܗ ܘܚܢܢ ܡܛܝܒܝܢܢ ܕܢܩܛܠܝܘܗܝ ܥܕܠܐ ܢܡܛܐ ܠܘܬܟܘܢ
16 Asi, mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro.
ܘܫܡܥ ܗܘܐ ܒܪ ܚܬܗ ܕܦܘܠܘܤ ܐܦܪܤܢܐ ܗܢܐ ܘܥܠ ܠܡܫܪܝܬܐ ܘܒܕܩ ܠܦܘܠܘܤ
17 Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.”
ܘܫܕܪ ܦܘܠܘܤ ܩܪܐ ܠܚܕ ܡܢ ܩܢܛܪܘܢܐ ܘܐܡܪ ܠܗ ܐܘܒܠ ܠܥܠܝܡܐ ܗܢܐ ܠܘܬ ܟܠܝܪܟܐ ܐܝܬ ܠܗ ܓܝܪ ܡܕܡ ܕܢܐܡܪ ܠܗ
18 Saka akaenda naye kumukuru wavarwi. Mukuru wezana akati, “Pauro, musungwa uya, andidaidza akandikumbira kuti ndiuye nejaya iri, kwamuri nokuti rine zvarinoda kukuudzai.”
ܘܕܒܪܗ ܩܢܛܪܘܢܐ ܠܥܠܝܡܐ ܘܐܥܠܗ ܠܘܬ ܟܠܝܪܟܐ ܘܐܡܪ ܦܘܠܘܤ ܐܤܝܪܐ ܩܪܢܝ ܘܒܥܐ ܡܢܝ ܕܐܝܬܐ ܗܢܐ ܥܠܝܡܐ ܠܘܬܟ ܕܐܝܬ ܠܗ ܡܕܡ ܕܢܐܡܪ ܠܟ
19 Mukuru wavarwi akabata ruoko rwejaya, akaenda naye padivi akamubvunza akati, “Chii chauri kuda kundiudza?”
ܘܐܚܕܗ ܒܐܝܕܗ ܟܠܝܪܟܐ ܠܥܠܝܡܐ ܘܢܓܕܗ ܠܚܕ ܓܒܐ ܘܡܫܐܠ ܗܘܐ ܠܗ ܕܡܢܐ ܐܝܬ ܠܟ ܕܬܐܡܪ ܠܝ
20 Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukukumbirai kuti muuyise Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha mangwana vachiita sevanoda kunyatsobvunzisisa pamusoro pake.
ܘܐܡܪ ܠܗ ܥܠܝܡܐ ܝܗܘܕܝܐ ܐܬܚܫܒܘ ܕܢܒܥܘܢ ܡܢܟ ܕܬܚܬ ܠܦܘܠܘܤ ܡܚܪ ܠܟܢܫܗܘܢ ܐܝܟ ܨܒܝܢ ܡܕܡ ܝܬܝܪ ܕܢܐܠܦܘܢ ܡܢܗ
21 Musavanzwa, nokuti pane vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.”
ܐܢܬ ܗܟܝܠ ܠܐ ܬܬܛܦܝܤ ܠܗܘܢ ܗܐ ܓܝܪ ܝܬܝܪ ܡܢ ܐܪܒܥܝܢ ܓܒܪܝܢ ܡܢܗܘܢ ܢܛܪܝܢ ܠܗ ܒܟܡܐܢܐ ܘܐܚܪܡܘ ܥܠ ܢܦܫܗܘܢ ܕܠܐ ܢܐܟܠܘܢ ܘܠܐ ܢܫܬܘܢ ܥܕܡܐ ܕܢܩܛܠܘܢܗ ܘܗܐ ܡܛܝܒܝܢ ܘܡܩܘܝܢ ܠܫܘܘܕܝܟ
22 Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.”
ܘܫܪܝܗܝ ܟܠܝܪܟܐ ܠܥܠܝܡܐ ܟܕ ܦܩܕܗ ܕܐܢܫ ܠܐ ܢܕܥ ܕܗܠܝܢ ܒܕܩܬ ܠܝ
23 Ipapo akadana vakuru vezana vaviri akavarayira achiti, “Gadzirirai mazana maviri avarwi, navanotasva mabhiza makumi manomwe uye mazana maviri avarume vane mapfumo kuti vaende kuKesaria nenguva dzepfumbamwe manheru.
ܘܩܪܐ ܠܬܪܝܢ ܩܢܛܪܘܢܝܢ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܙܠܘ ܥܬܕܘ ܪܗܘܡܝܐ ܡܐܬܝܢ ܕܢܐܙܠܘܢ ܠܩܤܪܝܐ ܘܦܪܫܐ ܫܒܥܝܢ ܘܫܕܝܝ ܒܝܡܝܢܐ ܡܐܬܝܢ ܕܢܦܩܘܢ ܡܢ ܬܠܬ ܫܥܝܢ ܒܠܠܝܐ
24 Mutsvakirewo Pauro bhiza rokutasva kuitira kuti andosvika zvakanaka kuMubati Ferikisi.”
ܛܝܒܘ ܕܝܢ ܐܦ ܒܥܝܪܐ ܐܝܟ ܕܢܪܟܒܘܢ ܠܦܘܠܘܤ ܘܢܦܠܛܘܢܗ ܠܘܬ ܦܝܠܟܤ ܗܓܡܘܢܐ
25 Akanyora tsamba yaiti:
ܘܟܬܒ ܐܓܪܬܐ ܝܗܒ ܠܗܘܢ ܕܐܝܬ ܒܗ ܗܟܢܐ
26 Kiraudhiyo Risiasi, kuna Changamire, Mubati Ferikisi: Kwaziwai.
ܠܘܤܝܘܤ ܠܦܝܠܟܤ ܗܓܡܘܢܐ ܢܨܝܚܐ ܫܠܡ
27 Murume uyu akabatwa navaJudha uye vakanga voda kumuuraya, asi ini ndakabva ndasvika navarwi vangu ndikamununura, nokuti ndakanga ndanzwa kuti muRoma.
ܠܓܒܪܐ ܗܢܐ ܐܚܕܘ ܝܗܘܕܝܐ ܐܝܟ ܕܢܩܛܠܘܢܗ ܘܩܡܬ ܐܢܐ ܥܡ ܪܗܘܡܝܐ ܘܦܪܩܬܗ ܟܕ ܝܠܦܬ ܕܪܗܘܡܝܐ ܗܘ
28 Ndakada kuziva kuti sei vakanga vachimupomera mhosva, saka ndikamuendesa kuDare ravo Guru.
ܘܟܕ ܒܥܐ ܗܘܝܬ ܠܡܕܥ ܥܠܬܐ ܕܡܛܠܬܗ ܪܫܝܢ ܗܘܘ ܠܗ ܐܚܬܬܗ ܠܟܢܫܗܘܢ
29 Ndakaona kuti aipomerwa mhosva pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi pakanga pasina mhosva ingafanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.
ܘܐܫܟܚܬ ܕܥܠ ܙܛܡܐ ܕܢܡܘܤܗܘܢ ܪܫܝܢ ܗܘܘ ܠܗ ܘܥܠܬܐ ܕܫܘܝܐ ܠܐܤܘܪܐ ܐܘ ܠܡܘܬܐ ܠܝܬ ܗܘܐ ܠܘܬܗ
30 Pandakanyeverwa pamusoro perangano yaakanga arongerwa, ndakabva ndamutumira kwamuri pakarepo. Ndakazivisawo vapomeri vake kuti vazosvitsa kwamuri mhosva yavanomupomera.
ܘܟܕ ܐܬܒܕܩ ܠܝ ܢܟܠܐ ܒܟܡܐܢܐ ܕܥܒܕܘ ܥܠܘܗܝ ܝܗܘܕܝܐ ܡܚܕܐ ܫܕܪܬܗ ܠܘܬܟ ܘܦܩܕܬ ܠܩܛܓܪܢܘܗܝ ܕܢܐܬܘܢ ܘܢܐܡܪܘܢ ܥܡܗ ܩܕܡܝܟ ܗܘܝ ܚܠܝܡ
31 Saka varwi vakaita sezvavakanga varayirwa, vakatora Pauro vakaenda naye usiku vakandosvika naye kuAndipatirisi.
ܗܝܕܝܢ ܪܗܘܡܝܐ ܐܝܟ ܕܐܬܦܩܕܘ ܕܒܪܘܗܝ ܠܦܘܠܘܤ ܒܠܠܝܐ ܘܐܝܬܝܘܗܝ ܠܐܢܛܝܦܛܪܤ ܡܕܝܢܬܐ
32 Zuva rakatevera, vakarega vamabhiza vachienda naye, ivo vachibva vadzokera kudzimba dzavarwi.
ܘܠܝܘܡܐ ܐܚܪܢܐ ܫܪܘ ܦܪܫܐ ܠܪܓܠܐ ܚܒܪܝܗܘܢ ܕܢܗܦܟܘܢ ܠܡܫܪܝܬܐ
33 Vatasvi vamabhiza vakati vasvika kuKesaria, vakapa tsamba kumubati ndokubva vaisa Pauro mumaoko ake.
ܘܐܝܬܝܘܗܝ ܠܩܤܪܝܐ ܘܝܗܒܘ ܐܓܪܬܐ ܠܗܓܡܘܢܐ ܘܐܩܝܡܘܗܝ ܩܕܡܘܗܝ ܠܦܘܠܘܤ
34 Mubati akaverenga tsamba akamubvunza kuti akanga achibva kudunhu ripi. Akati aziva kuti akanga achibva kuSirisia,
ܘܟܕ ܩܪܐ ܐܓܪܬܐ ܡܫܐܠ ܗܘܐ ܠܗ ܕܡܢ ܐܝܕܐ ܗܘܦܪܟܝܐ ܐܝܬܘܗܝ ܘܟܕ ܝܠܦ ܕܡܢ ܩܝܠܝܩܝܐ
35 akati kwaari, “Ndichazonzwa nyaya yako kana vanokupomera vasvika.” Ipapo akarayira kuti Pauro achengetwe navarindi vomumuzinda waHerodhi.
ܐܡܪ ܠܗ ܫܡܥ ܐܢܐ ܠܟ ܡܐ ܕܐܬܘ ܩܛܓܪܢܝܟ ܘܦܩܕ ܕܢܛܪܘܢܗ ܒܦܪܛܘܪܝܢ ܕܗܪܘܕܤ

< Mabasa 23 >