< Mabasa 20 >
1 Bope rakati rapera, Pauro akadana vadzidzi, uye shure kwokuvakurudzira, akaonekana navo akasimuka akaenda kuMasedhonia.
動平息後,保祿便派人去叫門徒們來,勸勉一番,就辭別他們,出發往馬其頓去。
2 Akafamba nomumatunhu ayo, achitaura mashoko mazhinji okukurudzira vanhu, uye pakupedzisira akazosvika kuGirisi,
他走遍了那一帶地方,多方勸勉信徒後,就到了希臘,
3 uko kwaakandogara kwemwedzi mitatu. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vaita rangano yakaipa pamusoro pake paakanga oda kukwira chikepe kuti aende kuSiria, akafunga kudzokerazve nokuMasedhonia.
在那裏住了三個月。當他正要乘船去敘利亞時,猶太人卻設計陷害他,他遂決意經馬其頓回去。
4 Akaperekedzwa naSopata mwanakomana waPirasi wokuBheria, navanaAristakusi naSekundo, vaibva kuTesaronika, naGayo wokuDhebhe, naTimotiwo uye Tikikasi naTirofimasi vaibva mudunhu reEzhia.
伴隨他【到亞細亞】的,有貝洛雅人丕洛的兒子索帕特爾,得撒洛尼人阿黎斯塔苛和色貢多,德爾貝人加約和弟茂德,還有亞細亞人提希苛和特洛斐摩。
5 Varume ava vakatungamira vakandotimirira paTroasi.
這些人先去了,在特洛阿等候我們;
6 Asi takazokwira chikepe kubva kuFiripi shure kwoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, uye shure kwamazuva mashanu takazobatana navamwe paTroasi, apo patakazogara kwamazuva manomwe.
至於我們,無酵節後,纔從斐理伯啟航,直到第五天纔抵達特洛阿,到了他們那裏,在那裏住了七天。
7 Nomusi wokutanga wevhiki takaungana pamwe chete kuti timedure chingwa. Pauro akataura kuvanhu uye, nokuda kwokuti akanga achida kuenda pazuva raitevera, akaramba achingotaura kusvikira pakati pousiku.
一週的第一天,我們相聚擘餅時,保祿便向民眾講道,因為他第二天要走,遂把話拖長,直到半夜。
8 Makanga mune mwenje mizhinji muimba yapamusoro matakanga tichisangana.
在我們聚會的那座樓上,有許多燈。
9 Pawindo pakanga pagere jaya rainzi Yutiko, uyo akanga abatwa nehope chaizvo sezvo Pauro akanga achingoramba achitaura. Paakanga anyatsobatwa nehope akawira pasi achibva paimba yechitatu yapamusoro akazonongwa afa.
有個青年名叫厄烏提曷,坐在窗台上,因保祿講道稍長,就沉沉欲睡;及至熟睡後,就從三樓墜下;扶起來時,已經死了。
10 Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!”
保祿下來,伏在他身上,抱住他說:「你們不要慌亂,因為他的靈魂還在他身上呢。」
11 Ipapo akakwirazve paimba yapamusoro akamedura chingwa akadya. Shure kwokutaura navo kusvikira kwaedza, akazoenda hake.
遂上去,擘開餅,吃了。又談了很久,直到天亮,這纔出發。
12 Vanhu vakatora mujaya uya vakaenda naye kumusha ari mupenyu uye vakanyaradzwa zvikuru.
他們把活了的孩子領去,都非常快慰。
13 Isu takatungamira nechikepe tikaenda kuAsosi, uko Pauro aizokwirawo chikepe. Akanga aronga izvi nokuti akanga achizoenda ikoko netsoka.
我們上船先行,直向阿索航去,要從那裏接保祿上船;因為他這樣規定,自己要走陸路。
14 Paakasangana nesu paAsosi, takamukwidza tikapfuurira kuMitirene.
當他在阿索與我們會合時,我們便接他上船,來到米提肋乃。
15 Fume mangwana takamukapo nechikepe tikandosvika pakatarisana neKiyosi. Zuva rakatevera iroro takayambuka tikasvika kuSamosi, uye zuva rakatevera takasvika paMiretasi.
從那裏航行,次日到了希約對面,次日再向撒摩駛去,次日就到了米肋托。
16 Pauro akanga afunga zvokupfuura napaEfeso nechikepe achiitira kuti vasapedza nguva vari munyika yeEzhia nokuti akanga achimhanyira kusvika kuJerusarema, kana zvaibvira, nezuva rePendekosti.
因為保祿已決定駛過厄弗所,免得在亞細亞耽擱時間;原來他想趕程前行,假如可能,願在耶路撒冷過五旬節。
17 Pauro ari paMiretasi, akatumira shoko kuEfeso kundodana vakuru vekereke.
保祿從米肋托打發人到厄弗所,請教會的長老來。
18 Vakati vasvika, akati kwavari, “Imi munoziva kuti ndakagara sei nemi panguva yose yandaiva nemi, kubvira pazuva rokutanga randakasvika munyika yeEzhia.
他們到了他那裏,他便向他們說:「你們知道:自從我來到亞細亞的第一天起,與你們在一起,始終怎樣為人,
19 Ndakashumira Ishe nokuzvininipisa zvikuru uye nemisodzi, kunyange ndakaedzwa zvikuru nerangano dzavaJudha.
怎樣以極度的謙遜,含著眼淚,歷經猶太人為我所設的陰謀,而忠信事奉主。
20 Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.
你們也知道:凡有益於你們的事,我沒有一樣隱諱而不傳給你們的,我常在公眾前,或挨家教訓你們,
21 Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari vagotendeuka uye vagotenda kuna Ishe Jesu.
不論向猶太人或希臘人,我常苦勸你們悔改,歸向天主,並信從吾主耶穌。
22 “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri.
看,現在,我為聖神所束縛,必須往耶路撒冷去,在那裏要遇到什麼事,我不知道;
23 Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira.
我只知道聖神在各城中向我指明說:有鎖鏈和患難在等待我。
24 Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.
可是,只要我完成了我的行程,完成了受自主耶穌叫我給天主恩寵的福音作證的任務,我沒有任何理由,珍惜我的性命。
25 “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve.
我曾在你們中往來,宣講了天主的國,但現在,我知道你們眾人以後不得再見我的面了。
26 Naizvozvo ndinotaura kwamuri nhasi kuti handina mhosva yeropa ravanhu vose.
因此,我今天向你們作證:對於眾人的血,我是無罪的,
27 Nokuti handina kuzeza kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.
因為天主的一切計劃,我都傳告給你們了,毫無隱諱。
28 Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake.
聖神既在全群中立你們為監督,牧養天主用自己的血所取得的教會,所以你們要對你們自己和整個羊群留心。
29 Ndinoziva kuti kana ndabva, mapere achapinda pakati penyu asingaregi boka.
我知道在我離開之後,將有兇暴的豺狼進到你們中間,不顧惜羊群,
30 Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere.
就是在你們中間,也要有人起來講說謬論,勾引門徒跟隨他們。
31 Saka rindai! Rangarirai kuti makore matatu handina kumborega kukuyambirai mumwe nomumwe wenyu, usiku namasikati nemisodzi.
因此,你們要警醒,記住我三年之久,日夜不斷地含淚勸勉了你們每一個人。
32 “Zvino ndinokuisai kuna Mwari nokushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai uye richikupai nhaka pakati paavo vakaitwa vatsvene.
現在,我把你們托付給天主和他恩寵之道,他能建立你們,並在一切聖徒中,賜給你們嗣業。
33 Handina kumbochiva sirivha yomunhu kana goridhe kana nguo yomunhu.
我沒有貪圖過任何人的金銀或衣服。
34 Imi munoziva pachenyu kuti maoko angu aya akabatira kushayiwa kwangu nokushayiwa kwavandaiva navo.
你們自己知道:這雙手供應了我,和同我一起的人的需要。
35 Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’”
在各方面我都給你們立了榜樣,『施予比領受更為有福。』」
36 Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera.
說完這些話,便跪下同眾人祈禱。
37 Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda.
眾人都大哭起來,並伏在保祿的頸項上,口親他。
38 Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
他們最傷心的,是為了保祿說的這句話:以後他們不得再見他的面了。他們便送他上了船。