< Mabasa 2 >

1 Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete.
Ilipofika siku ya Pentekoste, wote walikuwa pamoja sehemu moja.
2 Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere.
Ghafla ikatokea muungurumo kutoka mbinguni kama upepo mkali. ukaijaza nyumba yote walimokuwa wameketi.
3 Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo.
Hapo zikawatokea ndimi, kama ndimi za moto zimegawanyika, zikawa juu yao kila mmoja wao.
4 Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
Wao wote wakajazwa na Roho Mtakatifu na wakaanza kusema kwa lugha zingine, kama vile Roho alivyowajalia kusema.
5 Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.
Sasa walikuwapo wayahudi waliokuwa wanaishi Yerusalemu, wacha Mungu, kutoka kila taifa chini ya mbingu.
6 Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo.
Ngurumo hizi ziliposikiwa, kundi la watu likaja pamoja na wakiwa na wasiwasi kwa sababu kila mtu aliwasikia wakiongea kwa lugha yake mwenyewe.
7 Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?
waliduwaa na kushangazwa, wao walisema, “Kweli, hawa wote wanaoongea siyo Wagalilaya?
8 Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?
Kwa nini sisi tunawasikia, kila mmoja katika lugha tulizozaliwa nazo?
9 VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,
Waparthia na Wamedi na Waelamu, na hao waishio Mesopotamia, Uyahudi, na Kapadokia, na katika Ponto na Asia,
10 Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma
katika Frigia, Pamfilia, katika Misri, na sehemu ya Libya hata Kirene, na wageni kutoka Rumi,
11 (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”
Wayahudi na waongofu, Wakrete na Waarabu, tunawasikia wakizungumza katika lugha zetu kuhusu kazi za uweza wa Mungu.”
12 Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”
Wote walikuwa wameduwaa na kutatanishwa; walisemezana wao kwa wao, “Hii ina maana gani?”
13 Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”
Lakini wengine walidhihaki wakisema, “Hawa wamejazwa kwa mvinyo mpya.”
14 Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.
Lakini Petro akasimama pamoja na wale kumi na mmoja, akapaza sauti, akawaambia, “Watu wa Yudea na wote mnaoishi hapa Yerusalemu, hili lijulikane kwenu, sikilizeni kwa makini maneno yangu.
15 Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!
Watu hawa hawajalewa kama mnavyodhani, sababu saa hizi ni asubuhi saa tatu.
16 Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,
Lakini hili lilikuwa limesemwa kupitia kwa nabii Yoeli:
17 “‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope.
Itakuwa katika siku za mwisho; Mungu asema, nitamwaga Roho wangu kwa watu wote. Wana wenu na binti zenu watatoa unabii, vijana wenu wataona maono, na wazee wenu wataota ndoto.
18 Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.
Vilevile juu ya watumishi wangu na watumishi wangu wa kike katika siku hizo, nitamwaga Roho wangu, nao watatabiri.
19 Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye nemhute youtsi.
Nitaonesha maajabu juu angani na ishara chini duniani, damu, moto, na mafusho ya moshi.
20 Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
Na jua litabadilishwa kuwa giza na mwezi kuwa damu, kabla haijaja siku kuu na ya ajabu ya Bwana.
21 Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’
itakuwa ya kwamba kila mmoja ambaye huliitia jina la Bwana ataokoka.'
22 “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
Watu wa Israeli, sikieni maneno haya: Yesu wa Nazareti, mwanadamu aliyethibitishwa na Mungu kwenu kwa matendo ya uweza na maajabu, na ishara ambazo Mungu kupitia Yeye katikati yenu, kama ninyi wenyewe mnavyojua-
23 Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.
Kwa sababu ya mpango uliokusudiwa tangu mwanzo, na maarifa ya Mungu, alitolewa, na ninyi, kwa mikono ya watu wahalifu, mlimsulibisha na kumuua,
24 Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.
ambaye Mungu alimwinua, akauondoa uchungu wa mauti kwake, kwasababu haikuwezekana kwake kumilikiwa na huo.
25 Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi.
Hivyo Daudi anasema kuhusu yeye, 'Nilimwona Bwana daima mbele ya uso wangu, yeye yuko mkono wangu wa kulia hivyo basi sitasogezwa.
26 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro,
Kwa hiyo moyo wangu ulikuwa na furaha na ulimi wangu ulifurahishwa. Pia mwili wangu utaishi katika ujasiri.
27 nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. (Hadēs g86)
Hutaiacha nafsi yangu iende kuzimu, wala hutaruhusu Mtakatifu wako kuona uozo. (Hadēs g86)
28 Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’
Wewe umedhihirisha kwangu njia za uzima; utanifanya nijae furaha mbele ya uso wako.'
29 “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.
Ndugu, ninaweza kuzungumza kwenu kwa ujasiri kuhusu baba yetu Daudi: yeye alikufa na akazikwa, na kaburi lake liko pamoja nasi hata hivi leo.
30 Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.
Hivyo, alikuwa nabii na alijua kuwa Mungu alishaapa kwa kiapo kwake, kwamba ataweka mmoja katika uzao wake kwenye kiti cha enzi.
31 Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. (Hadēs g86)
Aliliona hili mapema, na akasema kuhusu ufufuo wa Kristo, 'wala alikuwa hakuachwa kuzimu, wala mwili wake haukuoza.' (Hadēs g86)
32 Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho.
Huyu Yesu - Mungu alimfufua, ambaye sisi wote ni mashahidi.
33 Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.
Kwa hiyo, akiwa ameinuliwa katika mkono wa kuume wa Mungu, na akiwa amepokea ahadi ya Roho Mtakatifu kutoka kwa Baba, yeye amemimina hii ahadi, ambaye ninyi mnaona na kusikia.
34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi
Kwani Daudi hakupaa kwenda mbinguni, lakini anasema, 'BWANA alisema kwa Bwana wangu,
35 kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’
“keti mkono wangu wa kulia, mpaka nitakapowafanya adui zako kigoda kwa ajili ya miguu yako.
36 “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
Kwa hiyo nyumba yote ya Israeli na ijue kwa hakika kwamba Mungu amemfanya Yeye kuwa Bwana na Kristo, huyu Yesu ambaye mlimsulibisha.”
37 Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”
Sasa waliposikia hivyo, wakachomwa katika mioyo yao, wakamwambia Petro na mitume wengine, “Ndugu, tufanyeje?”
38 Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.
Na Petro akawaambia, “Tubuni na Mbatizwe, kila mmoja wenu, katika jina la Yesu Kristo kwa ajili ya msamaha wa dhambi zenu, na mtapokea zawadi ya Roho Mtakatifu.
39 Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”
Kwani kwenu ni ahadi na kwa watoto wenu na kwa wale wote walioko mbali, watu wengi kwa kadri Bwana Mungu wetu atakavyowaita.”
40 Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”
Kwa maneno mengi alishuhudia na kuwasihi; alisema, “Jiokoeni mtoke katika kizazi hiki kiovu.”
41 Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
Ndipo wakayapokea maneno yake na wakabatizwa, hapo wakaongezeka katika siku hiyo kama nafsi elfu tatu.
42 Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
Wakaendelea katika mafundisho ya mitume na ushirikiano, katika kuumega mkate na katika maombi.
43 Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.
Hofu ikaja juu ya kila nafsi, na maajabu mengi na ishara zikafanyika kupitia mitume.
44 Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose.
Wote walioamini walikuwa pamoja na kuwa na vitu vyao kwa pamoja,
45 Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa.
na waliuza vitu na milki zao na kugawanya kwa wote kulingana na hitaji la kila mmoja.
46 Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,
Hivyo siku baada ya siku waliendelea wakiwa na lengo moja katika hekalu, na walimega mkate kwenye kaya, na walishiriki chakula kwa furaha na unyenyekevu wa moyo;
47 vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
walimsifu Mungu na wakiwa na kibali na watu wote. Bwana aliwaongeza siku kwa siku ambao walikuwa wakiokolewa.

< Mabasa 2 >