< Mabasa 2 >

1 Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete.
Now when the day of Pentecost had come, they were all together in one place.
2 Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere.
Suddenly there came from the sky a sound like the rushing of a mighty wind, and it filled all the house where they were sitting.
3 Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo.
Tongues like fire appeared and were distributed to them, and one sat on each of them.
4 Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
They were all filled with the Holy Spirit, and began to speak in other languages, as the Spirit enabled them to speak out.
5 Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.
Now there were dwelling in Jerusalem Jews, devout people from every nation under the sky.
6 Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo.
When this sound was heard, the crowd came together, and were bewildered, because everyone heard them speaking in his own language.
7 Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?
They were all amazed and marveled, saying, "Look, are not all these who speak Galileans?
8 Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?
How do we hear, everyone in our own native language?
9 VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,
Parthians, Medes, Elamites, and people from Mesopotamia, Judea, Cappadocia, Pontus, Asia,
10 Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma
Phrygia, Pamphylia, Egypt, the parts of Libya around Cyrene, visitors from Rome, both Jews and proselytes,
11 (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”
Cretans and Arabians: we hear them speaking in our tongues the mighty works of God."
12 Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”
They were all amazed, and were perplexed, saying one to another, "What does this mean?"
13 Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”
Others, mocking, said, "They are filled with new wine."
14 Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.
But Peter, standing up with the eleven, lifted up his voice, and spoke out to them, "You men of Judea, and all you who live in Jerusalem, let this be known to you, and listen to my words.
15 Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!
For these are not drunk, as you suppose, seeing it is only nine in the morning.
16 Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,
But this is what has been spoken through the prophet Joel:
17 “‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope.
'And it will be in the last days, says God, that I will pour out my Spirit on all flesh; and your sons and your daughters will prophesy, and your young men will see visions, and your old men will dream dreams.
18 Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.
And even on my servants, both men and women, I will pour out my Spirit in those days, and they will prophesy.
19 Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye nemhute youtsi.
And I will show wonders in the sky above, and signs on the earth beneath; blood, and fire, and billows of smoke.
20 Zuva richashanduka rikava rima, uye mwedzi uchashanduka ukava ropa, zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.
The sun will be turned into darkness, and the moon into blood, before the great and glorious day of the Lord comes.
21 Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’
And it will be that whoever will call on the name of the Lord will be saved.'
22 “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
"Men of Israel, hear these words. Jesus the Nazorean, a man approved by God to you by mighty works and wonders and signs which God did by him in the midst of you, even as you yourselves know,
23 Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.
him, being delivered up by the determined counsel and foreknowledge of God, by the hand of lawless men, crucified and killed;
24 Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.
whom God raised up, having freed him from the pains of death, because it was not possible that he should be held by it.
25 Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi.
For David says concerning him, 'I saw the Lord always before me, for he is at my right hand, that I should not be shaken.
26 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro,
Therefore my heart was glad, and my tongue rejoiced, and moreover my flesh also will dwell in hope;
27 nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. (Hadēs g86)
because you will not abandon my soul in Sheol, neither will you allow your Holy One to see decay. (Hadēs g86)
28 Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’
You made known to me the paths of life. You will make me full of joy in your presence.'
29 “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.
"Brothers, I may tell you freely of the patriarch David, that he both died and was buried, and his tomb is with us to this day.
30 Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.
Therefore, being a prophet, and knowing that God had sworn with an oath to him that one of his descendants would sit on his throne,
31 Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. (Hadēs g86)
he foreseeing this spoke about the resurrection of the Messiah, that neither was he left in Sheol, nor did his flesh see decay. (Hadēs g86)
32 Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho.
This Jesus God raised up, to which we all are witnesses.
33 Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.
Being therefore exalted by the right hand of God, and having received from the Father the promise of the Holy Spirit, he has poured out this, which you see and hear.
34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi
For David did not ascend into the heavens, but he says himself, 'The Lord said to my Lord, "Sit by my right hand,
35 kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’
until I make your enemies a footstool for your feet."'
36 “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
"Let all the house of Israel therefore know certainly that God has made him both Lord and Messiah, this Jesus whom you crucified."
37 Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”
Now when they heard this, they were acutely distressed, and said to Peter and the rest of the apostles, "Brothers, what should we do?"
38 Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.
Peter said to them, "Repent, and be baptized, every one of you, in the name of Jesus (the) Messiah for the forgiveness of your sins, and you will receive the gift of the Holy Spirit.
39 Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”
For to you is the promise, and to your children, and to all who are far off, even as many as the Lord our God will call to himself."
40 Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”
With many other words he testified, and exhorted them, saying, "Save yourselves from this crooked generation."
41 Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
Then those who received his word were baptized. There were added that day about three thousand souls.
42 Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.
They continued steadfastly in the apostles' teaching and fellowship, in the breaking of bread, and prayer.
43 Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.
Fear came on every soul, and many wonders and signs were done through the apostles.
44 Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose.
All who believed were together, and had all things in common.
45 Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa.
They sold their possessions and goods, and distributed them to all, according as anyone had need.
46 Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,
Day by day, continuing steadfastly with one accord in the temple, and breaking bread at home, they took their food with gladness and singleness of heart,
47 vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
praising God, and having favor with all the people. The Lord added to their number day by day those who were being saved.

< Mabasa 2 >