< Mabasa 19 >
1 Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo
During the stay of Apollos in Corinth, Paul, after passing through the inland districts, came to Ephesus, where he found a few disciples.
2 akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?” Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”
"Did you receive the Holy Spirit when you first believed?" he asked them. "No," they replied, "we did not even hear that there is a Holy Spirit."
3 Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?” Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”
"Into what then were you baptized?" he asked. "Into John's baptism," they replied.
4 Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”
"John," he said, "administered a baptism of repentance, bidding the people believe on One who was to come after him; namely, on Jesus."
5 Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
On hearing this, they were baptized into the name of the Lord Jesus;
6 Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.
and when Paul laid his hands upon them, the Holy Spirit came on them, and they began to speak in tongues and to prophesy.
7 Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.
They numbered in all about twelve men.
8 Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.
Afterwards he went into the synagogue. There for three months he continued to preach fearlessly, explaining in words which carried conviction the truths which concern the Kingdom of God.
9 Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano.
But some grew obstinate in unbelief and spoke evil of the new faith before all the congregation. So Paul left them, and, taking with him those who were disciples, held discussions daily in Tyrannus's lecture-hall.
10 Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.
This went on for two years, so that all the inhabitants of the province of Asia, Jews as well as Greeks, heard the Lord's Message.
11 Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro,
God also brought about extraordinary miracles through Paul's instrumentality.
12 zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.
Towels or aprons, for instance, which Paul had handled used to be carried to the sick, and they recovered from their ailments, or the evil spirits left them.
13 Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”
But there were also some wandering Jewish exorcists who undertook to invoke the name of Jesus over those who had the evil spirits, saying, "I command you by that Jesus whom Paul preaches."
14 Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo.
There were seven sons of one Sceva, a Jew of high-priestly family, who were doing this.
15 Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”
"Jesus I know," the evil spirit answered, "and Paul I have heard of, but who are you?"
16 Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.
And the man in whom the evil spirit was sprang on two of them, over-mastered them both, and treated them with such violence, that they fled from the house stripped of their clothes and wounded.
17 Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.
All the people of Ephesus, Jews as well as Greeks, came to know of this. There was widespread terror, and they began to hold the name of the Lord Jesus in high honour.
18 Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa.
Many also of those who believed came confessing without reserve what their conduct had been,
19 Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.
and not a few of those who had practised magical arts brought their books together and burnt them in the presence of all. The total value was reckoned and found to be 50,000 silver coins.
20 Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba.
Thus mightily did the Lord's Message spread and triumph!
21 Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”
When matters had reached this point, Paul decided in his own mind to travel through Macedonia and Greece, and go to Jerusalem. "After that," he said, "I must also see Rome."
22 Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.
But he sent two of his assistants, Timothy and Erastus, to Macedonia, while he himself remained for a while in Roman Asia.
23 Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.
Now just at that time there arose no small commotion about the new faith.
24 Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.
There was a certain Demetrius, a silversmith, who made miniature silver sanctuaries of Diana, a business which brought great gain to the mechanics in his employ.
25 Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.
He called his workmen together, and others who were engaged in similar trades, and said to them, "You men well know that our prosperity depends on this business of ours;
26 Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akadzidzisa uye akatsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havasi vamwari chaivo.
and you see and hear that, not in Ephesus only but throughout almost the whole province of Asia, this fellow Paul has led away a vast number of people by inducing them to believe that they are not gods at all that are made by men's hands.
27 Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”
There is danger, therefore, not only that this our trade will become of no account, but also that the temple of the great goddess Diana will fall into utter disrepute, and that before long she will be actually deposed from her majestic rank--she who is now worshipped by the whole province of Asia; nay, by the whole world."
28 Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
After listening to this harangue, they became furiously angry and kept calling out, "Great is the Ephesian Diana!"
29 Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare.
The riot and uproar spread through the whole city, till at last with one accord they rushed into the Theatre, dragging with them Gaius and Aristarchus, two Macedonians who were fellow travellers with Paul.
30 Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa.
Then Paul would have liked to go in and address the people, but the disciples would not let him do so.
31 Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare.
A few of the public officials, too, who were friendly to him, sent repeated messages entreating him not to venture into the Theatre.
32 Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo.
The people, meanwhile, kept shouting, some one thing and some another; for the assembly was all uproar and confusion, and the greater part had no idea why they had come together.
33 VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu.
Then some of the people crowded round Alexander, whom the Jews had pushed forward; and Alexander, motioning with his hand to get silence, was prepared to make a defence to the people.
34 Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
No sooner, however, did they see that he was a Jew, than there arose from them all one roar of shouting, lasting about two hours. "Great is the Ephesian Diana," they said.
35 Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga?
At length the Recorder quieted them down. "Men of Ephesus," he said, "who is there of all mankind that needs to be told that the city of Ephesus is the guardian of the temple of the great Diana and of the image which fell down from Zeus?
36 Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu.
These facts, then, being unquestioned, it becomes you to maintain your self-control and not act recklessly.
37 Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu.
For you have brought these men here, who are neither robbers of temples nor blasphemers of our goddess.
38 Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo.
If, however, Demetrius and the mechanics who support his contention have a grievance against any one, there are Assize-days and there are Proconsuls: let the persons interested accuse one another.
39 Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.
But if you desire anything further, it will have to be settled in the regular assembly.
40 Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.”
For in connexion with to-day's proceedings there is danger of our being charged with attempted insurrection, there having been no real reason for this riot; nor shall we be able to justify the behaviour of this disorderly mob."
41 Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.
With these words he dismissed the assembly.