< Mabasa 18 >

1 Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde.
אחר כן סר פולוס מאתינס ויבא אל קורנתוס׃
2 Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhiyo akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona,
וימצא יהודי נולד בפונטוס ומשו עקילס אשר בא מקרוב מן איטליא הוא ואשתו פריסקלה מפני אשר צוה קלודיוס את כל היהודים לסור מעיר רומי׃
3 uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo.
ויבא אליהם ויהי בהיתם בני אמנות אחת וישב אתם ויעש מלאכתו ואמנותם עשות יריעות אהלים׃
4 Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki.
וידבר בבית הכנסת בכל שבת ושבת ויוכח את היהודים ואת היונים׃
5 Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.
וכבוא סילא וטימותיוס ממקדוניא היה פולוס נגש ברוח להעיד אל היהודים כי ישוע הוא המשיח׃
6 Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kune veDzimwe Ndudzi.”
ויהי כהמרותם וכגדפם וינער את בגדיו ויאמר אליהם דמכם בראשיכם ואנכי נקי מעתה אלכה לי אל הגוים׃
7 Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari.
וילך משם ויבא אל בית איש ושמו יוסטוס איש ירא אלהים וביתו סמוך לבית הכנסת׃
8 Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
וקריספוס ראש הכנסת האמין באדון הוא וכל ביתו וגם קורנתים רבים בשמעם האמינו ויטבלו׃
9 Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara.
ודבר האדון היה אל פולוס במחזה בלילה לאמר אל תירא כי אם דבר ואל תחשה׃
10 Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.”
כי עמך אנכי ואיש אל יגע בך להרע לך כי גוי גדול לי בעיר הזאת׃
11 Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari.
וישב שם שנה וששה חדשים וילמד בהם את דבר האלהים׃
12 Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva.
ויהי בהיות גליון שר מדינת אכיא ויקומו היהודים כלם וחדו על פולוס ויביאהו אל כסא המשפט׃
13 Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.”
ויאמרו האיש הזה מפתה את בני האדם לעבד את אלהים בלא כתורה׃
14 Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei.
ויהי אך בקש פולוס לפתח את פיו וגליון אמר אל היהודים לאמר אם היה דבר פשע או מעשה נבלה כי עתה נשאתי ושמעתי אתכם היהודים כמשפט׃
15 Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.”
אבל אם היא שאלה על מלין ושמות והדת שלכם ראו אתם ואני אין רצוני להיות שפט על דברים כאלה׃
16 Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva.
ויגרש אתם מלפני כסא המשפט׃
17 Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo.
ויאחזו כל היונים את סוסתנים ראש הכנסת ויכוהו לפני כסא המשפט וגליון לא שת לבו גם לזאת׃
18 Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita.
ופולוס ישב שם עוד ימים רבים ויפטר מן האחים וירד באניה ללכת אל סוריא ואתו פריסקלה ועקילס ויגלח את ראשו בקנכרי כי נדר עליו׃
19 Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.
ויבאו אל אפסוס ויעזב אתם שם והוא הלך לבית הכנסת וידבר עם היהודים׃
20 Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba.
ויבקשו ממנו להאריך ימי שבתו אתם ולא אבה׃
21 Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso.
כי אם נפטר מהם באמרו מחיב אני לחג את החג הבא בירושלים ואחרי כן אשובה אליכם אם ירצה יהוה וילך לו באניה מן אפסוס׃
22 Akati aburuka paKesaria, akakwidza akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki.
ויבא אל קסרין ויעל וישאל לשלום הקהלה וירד אל אנטיוכיא׃
23 Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.
וישב שם ימים אחדים וילך למסעיו ויעבר בארץ גלטיא ופרוגיא ויחזק את כל התלמידים׃
24 Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.
ואיש יהודי בא אל אפסוס ועיר מולדתו אלכסנדריא ושמו אפולוס איש דברים ותקיף בכתובים׃
25 Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani.
הוא היה מלמד דרך האדון והוא מדבר כחם רוחו ומלמד היטב על אדות ישוע ולא ידע כי אם טבילת יוחנן לבדה׃
26 Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere.
והוא החל לקרא בבית הכנסת בבטחון לבב וישמעו אתו עקילס ופריסקלה ויקחהו אליהם ויוסיפו להגיד לו את דרך האלהים באר היטב׃
27 Aporosi akati oda kuenda kuAkaya, hama dzakamukurudzira ndokumunyorera tsamba yokuti vadzidzi vaikoko vamugamuchire. Paakasvika akabatsira kwazvo avo vakanga vatenda nenyasha.
ויחפץ ללכת לאכיא ויכתבו האחים אל התלמידים ויעררו אתם לקבלו ויבא שמה ויעזר הרבה את המאמינים על ידי החסד׃
28 Nokuti pakutaurirana, akapikisa vaJudha zvine simba pamberi pavanhu, achiratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.
כי בחזקה התוכח עם היהודים לפני כל העם ויראם מן המקראות כי ישוע הוא המשיח׃

< Mabasa 18 >