< Mabasa 16 >

1 Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki.
And he came to Derbe and Lystra, and behold, a certain disciple was there, by name Timotheus, son of a certain woman, a believing Jewess, but of a father, a Greek,
2 Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka.
who was well testified to by the brothers in Lystra and Iconium;
3 Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.
Paul wished this one to go forth with him, and having taken [him], he circumcised him, because of the Jews who are in those places, for they all knew his father—that he was a Greek.
4 Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.
And as they were going on through the cities, they were delivering to them the decrees to keep, that have been judged by the apostles and the elders who [are] in Jerusalem,
5 Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu.
then, indeed, were the assemblies established in the faith, and were abounding in number every day;
6 Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia.
and having gone through Phrygia and the region of Galatia, having been forbidden by the Holy Spirit to speak the word in Asia,
7 Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.
having gone toward Mysia, they were trying to go on toward Bithynia, and the Spirit did not permit them,
8 Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi.
and having passed by Mysia, they came down to Troas.
9 Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.”
And a vision through the night appeared to Paul—a certain man of Macedonia was standing, calling on him, and saying, “Having passed through to Macedonia, help us.”
10 Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.
And when he saw the vision, immediately we endeavored to go forth to Macedonia, assuredly gathering that the LORD has called us to preach good news to them,
11 Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi.
having set sail, therefore, from Troas, we came with a straight course to Samothracia, on the next day also to Neapolis,
12 Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo.
there also to Philippi, which is a principal city of the part of Macedonia—a colony. And we were abiding in this city some days;
13 Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo.
on the day of the Sabbaths we also went forth outside of the city, by a river, where there used to be prayer, and having sat down, we were speaking to the women who came together,
14 Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.
and a certain woman, by name Lydia, a seller of purple, of the city of Thyatira, worshiping God, was hearing, whose heart the LORD opened to attend to the things spoken by Paul;
15 Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.
and when she was immersed, and her household, she called on us, saying, “If you have judged me to be faithful to the LORD, having entered into my house, remain”; and she constrained us.
16 Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.
And it came to pass in our going on to prayer, a certain maid, having a spirit of Python, met us, who brought much employment to her masters by soothsaying;
17 Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”
she having followed Paul and us, was crying, saying, “These men are servants of the Most High God, who declare to us [the] way of salvation!”
18 Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.
And this she was doing for many days, but Paul having been grieved, and having turned, said to the spirit, “I command you, in the Name of Jesus Christ, to come forth from her”; and it came forth the same hour.
19 Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.
And her masters having seen that the hope of their employment was gone, having caught Paul and Silas, drew [them] into the marketplace, to the rulers,
20 Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu
and having brought them to the magistrates, they said, “These men being Jews exceedingly trouble our city;
21 vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”
and they proclaim customs that are not lawful for us to receive nor to do, being Romans.”
22 Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.
And the multitude rose up together against them, and the magistrates having torn their garments from them, were commanding to beat [them] with rods,
23 Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.
having also laid on them many blows, they cast them into prison, having given charge to the jailor to keep them safely,
24 Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.
who having received such a charge, put them into the inner prison, and fastened their feet in the stocks.
25 Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.
And at midnight Paul and Silas praying, were singing hymns to God, and the prisoners were hearing them,
26 Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.
and suddenly a great earthquake came, so that the foundations of the prison were shaken, also all the doors were immediately opened, and of all—the bands were loosed;
27 Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.
and the jailor having come out of sleep, and having seen the doors of the prison open, having drawn a sword, was about to kill himself, supposing the prisoners to have fled,
28 Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”
and Paul cried out with a loud voice, saying, “You may not do yourself any harm, for we are all here!”
29 Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera.
And having asked for a light, he sprang in, and he fell down before Paul and Silas trembling,
30 Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”
and having brought them forth, said, “Lords, what must I do that I may be saved?”
31 Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”
And they said, “Believe on the Lord Jesus Christ, and you will be saved—you and your household.”
32 Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.
And they spoke to him the word of the LORD, and to all those in his household;
33 Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.
and having taken them, in that hour of the night, he bathed [them] from the blows, and immediately he and all of his were immersed,
34 Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake.
having also brought them into his house, he set food before [them], and was glad with all the household, he having believed in God.
35 Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”
And day having come, the magistrates sent the rod-bearers, saying, “Let those men go”;
36 Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”
and the jailor told these words to Paul, “The magistrates have sent, that you may be let go; now, therefore, having gone forth go on in peace”;
37 Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”
and Paul said to them, “Having beaten us publicly uncondemned—men, being Romans—they cast [us] to prison, and now privately they cast us forth! Why no! But having come themselves, let them bring us forth.”
38 Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.
And the rod-bearers told these sayings to the magistrates, and they were afraid, having heard that they are Romans,
39 Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta.
and having come, they implored them, and having brought [them] forth, they were asking [them] to go forth from the city;
40 Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.
and they, having gone forth out of the prison, entered into [the house of] Lydia, and having seen the brothers, they comforted them, and went forth.

< Mabasa 16 >