< Mabasa 15 >

1 Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.”
有几个来自犹太的人开始教授信徒。他们对信徒们说:“你们若不按照摩西定下的规矩行受割礼,就无法获得救赎。”
2 Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana navo zvikuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.
保罗和巴拿巴与他们进行了激烈的辩论,于是众人指派他们和其他几个人去耶路撒冷,向信徒和长老们讲述这个问题。
3 Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti veDzimwe Ndudzi vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.
教会为他们送行后,他们便上路了。途径腓尼基和撒玛利亚,讲述异教徒如何改变信仰,这让所有信徒都很高兴。
4 Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo.
来到耶路撒冷后,教会、信徒和长老们接待了他们,他们也报告了上帝通过他们所行的一切。
5 Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VeDzimwe Ndudzi ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”
但有几名法利赛派的信徒却提出了反对意见,他们说:“这些归信上帝的异教徒必须行割礼,教导他们遵守摩西的律法。”
6 Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi.
使徒和长老聚集在一起商讨此事。
7 Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti veDzimwe Ndudzi vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda.
在进行了大量辩论后,彼得站起来对他们说:“兄弟们,你们知道过去上帝在你们中间选择了我,就是为了让异教徒可以听到福音之道,相信耶稣。
8 Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri.
那洞察我们思想的上帝也表明接受他们,就像对待我们一样向他们赐以圣灵。
9 Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda.
上帝绝不会将我们和他们区别对待。因为他们相信上帝,所以上帝洁净了他们的思想。
10 Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana namadzibaba edu?
现在你们为什么要反对上帝,把我们祖先和我们都无法承受的重负,放在这些信徒的身上?
11 Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”
我们确信承蒙主耶稣的恩典获得救赎,与他们有着同样的方式。”
12 Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati peveDzimwe Ndudzi kubudikidza navo.
巴拿巴和保罗述说了上帝通过他们在异教徒中所行的神迹奇事,所有人都专心聆听。
13 Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti, “Hama dzangu, nditeererei.
他们讲述完后,雅各说:“兄弟们,请听我说!
14 Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kune veDzimwe Ndudzi.
刚才西门讲述了上帝如何显示他对异教徒的关心,从他们中间挑选一名鉴定信仰上帝之人。
15 Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
这符合了众先知所写下的问题,正如经上所记:
16 “‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa. Ndichavakazve matongo ayo, uye ndichaivandudzazve,
‘未来我要回归,重建大卫崩塌的宅邸,在废墟上将其重建,让它重新站立起来,
17 kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe, uye neveDzimwe Ndudzi vose vanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’
我这样做,是为了让剩下的人可以追随主,包括所有呼唤我名的异教徒。
18 zvakangova zvazivikanwa kubva kare. (aiōn g165)
这就是主的真言,他很久以前就昭示了这一切。’ (aiōn g165)
19 “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera veDzimwe Ndudzi ava vari kutendeukira kuna Mwari.
所以我认为,不应该为难那些归信上帝的异教徒。
20 Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.
我们应该给他们写信,告诉他们不吃祭祀偶像的食物、不要淫乱、要避开勒死的牲畜和血。
21 Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”
因为很久很久以来,各地都在教导摩西所写律法,每逢安息日,都会有人在会堂中诵读。”
22 Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.
使徒、长老和教会所有人都认可这个方法,于是他们决定选出几名代表,派他们和保罗、巴拿巴一同到安提阿去。最终选择的人是犹大(巴撒巴)和西拉,他们是信徒中的领袖。
23 Vakatumira tsamba yaiti: Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu, kuvatendi nokune veDzimwe Ndudzi vari muAndioki, Siria nomuSirisia: Kwaziwai.
他们被派出去送信。信上说: “安提阿、叙利亚和基利家的非犹太异族兄弟们,这里是来自使徒、长老和信徒们的问候。
24 Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura.
听说我们中有些人在向你们讲道时,让你们感到困扰和不安,其实我们并没有吩咐他们这样做。
25 Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro,
因此,我们一致同意选出几名代表,与我们挚爱的巴拿巴和保罗一起派去见你们,
26 varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
这两个人曾为了主耶稣基督之名,置个人生死于不顾。
27 Naizvozvo tiri kutumira Judhasi naSirasi kuti vagotsigira namashoko omuromo wavo pane zvatanyora.
我们派犹大和西拉同行,他们会亲口确认我们所说的一切。
28 Zvinenge zvakanaka kuMweya Mutsvene nesu kuti tirege kukuremedzai nomutoro upi zvawo unopfuura zvinodikanwa izvi:
圣灵和我们都认为,除了以下重要的要求,最好不要让你们承担更多重负。
29 Munofanira kurega zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, neropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye noupombwe. Muchaita zvakanaka kuti murege izvi. Chisarai.
你们应该避免的是:不吃祭祀偶像的食物,要避开勒死的牲畜和血,不要淫乱。只要遵守这些要求就好了。上帝保佑你们!”
30 Varume ava vakaenda ndokubva vaburuka vakaenda kuAndioki, kwavakandounganidza kereke pamwe chete ndokubva vavapa tsamba.
还有人被派到安提阿,在那里召集众人,交上这封书信。
31 Vanhu vakaiverenga vakafara kwazvo nokuda kweshoko rayo rokukurudzira.
众人读罢,因信上的劝勉之语而感到欣慰。
32 Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama.
犹大和西拉也是先知,他们说了许多鼓励兄弟们的话,让他们获得了更大的力量。
33 Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma.
住了一段时间后,他们打道回府,带走了众人向耶路撒冷信徒送去的祝福。
34 Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo.
35 Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa uye vakaparidza shoko raShe.
但保罗和巴拿巴却住在安提阿,与众人一起进行教导,传播主之道。
36 Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.”
过了一段时间,保罗对巴拿巴说:“我们回到曾经传道的那些城邦去吧,看看那里的信徒们现在如何了。”
37 Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye,
巴拿巴打算带上马可(约翰)一同去,
38 asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa.
但保罗认为带上他不合适,因为他当年在旁非利亚时曾经离开过他们,没有继续与他们一起完成自己的使命。
39 Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi,
两人为此大吵一架,于是分道扬镳。巴拿巴带上马可,乘船去塞浦路斯。
40 asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama.
保罗则选了西拉,当他们离开时,信徒们将他们交托给主的恩典。
41 Akapinda nomuSiria nokuSirisia, achisimbisa kereke.
保罗走遍了叙利亚和基利家,鼓舞那里的教会。

< Mabasa 15 >