< Mabasa 14 >

1 PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji neveDzimwe Ndudzi vakatenda.
Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge reVaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru cheVaJudha necheVaGirikiwo chakatenda.
2 Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yeveDzimwe Ndudzi uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama.
Asi VaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.
3 Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso.
Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.
4 Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori.
Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva neVaJudha, vamwewo nevaapositori.
5 VeDzimwe Ndudzi navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe.
Zvino kwakati kwava nekushushwa kwevahedheni nekweVaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,
6 Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokudunhu rose rakanga rakapoteredza,
vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;
7 uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri.
neipapo vakaparidza evhangeri.
8 MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba.
Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
9 Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa
Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe,
10 akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba.
akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.
11 Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!”
Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.
12 Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru.
Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.
13 Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari.
Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga.
14 Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti,
Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,
15 “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.
ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri.
16 Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo.
Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vese kufamba nenzira dzavo.
17 Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.”
Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro.
18 Kunyange namashoko iwaya, zvakanga zvakaoma chose kuti vadzivise vanhu vazhinji ava kuti varege kuvabayira.
Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari.
19 Ipapo vamwe vaJudha vaibva kuAndioki nokuIkoniamu vakauya vakasvikopindura mwoyo yavanhu vazhinji ava. Vakataka Pauro namabwe ndokumuzvuzvurudzira kunze kweguta, vachifunga kuti afa.
Asi kwakasvika VaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa.
20 Asi shure kwokunge vadzidzi vaungana vakamukomba, akamuka akadzokera muguta zvakare. Zuva rakatevera akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.
Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.
21 Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki,
Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya,
22 vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”
vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.
23 Pauro naBhanabhasi vakagadza vatungamiri mukereke imwe neimwe uye nokunyengetera nokutsanya, vakavakumikidza kuna She, uyo wavaivimba naye.
Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.
24 Shure kwokupinda kwavo nomuPisidhia, vakasvika muPamufiria,
Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.
25 uye vakati vaparidza shoko muPega, vakadzika vakaenda kuAtaria.
Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria;
26 Kubva paAtaria vakakwira chikepe vakadzokera kuAndioki, kuya kwavakanga vakumikidzwa kunyasha dzaMwari pabasa ravakanga vapedza zvino.
vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravakange vapedzisa.
27 Vakati vasvika ikoko, vakaunganidza kereke pamwe chete vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo uye kuti akanga avazarurira sei mukova wokutenda kune veDzimwe Ndudzi.
Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvese Mwari zvaakange aita navo, uye kuti wakange azarurira vahedheni mukova werutendo.
28 Uye vakagara navadzidzi ipapo kwenguva refu.
Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.

< Mabasa 14 >