< Mabasa 14 >

1 PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji neveDzimwe Ndudzi vakatenda.
And it fortuned in Iconium that they went both to gether into the synagoge of ye Iewes and so spake that a gret multitude both of ye Iewes and also of the Grekes beleved.
2 Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yeveDzimwe Ndudzi uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama.
But the unbelevinge Iewes steryd vp and vnquyeted the myndes of the Gentyls agaynste the brethre.
3 Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso.
Longe tyme a bode they there and quyt them selves boldly with the helpe of the Lorde the which gave testimony vnto ye worde of his grace and caused signes and wondres to be done by their hondes.
4 Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori.
The people of the cyte were devided: and parte helde with the Iewes and parte with the Apostles.
5 VeDzimwe Ndudzi navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe.
When ther was a saute made both of the gentyls and also of the Iewes with their rulers to put them to shame and to stone
6 Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokudunhu rose rakanga rakapoteredza,
the they were ware of it and fled vnto Listra and Derba cities of Licaonia and vnto the region that lyeth round aboute
7 uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri.
and there preached the gospell.
8 MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba.
And ther sate a certayne man at Listra weake in his fete beinge creple from his mothers wombe and never walkyd.
9 Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa
The same hearde Paul preache. Which behelde him and perceaved that he had fayth to be whole
10 akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba.
and sayd with a loude voyce: stond vp right on thy fete. And he stert vp and walked.
11 Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!”
And when the people sawe what Paul had done they lifte vp their voyces sayinge in the speache of Lycaonia: Goddes are come doune to vs in the lyknes of men.
12 Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru.
And they called Barnabas Iupiter and Paul Mercurius because he was the preacher.
13 Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari.
Then Iupiters Preste which dwelt before their cite brought oxe and garlondes vnto the churche porche and wolde have done sacrifise with the people.
14 Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti,
But when the Apostles Barnabas and Paul herde that they rent their clothes and ran in amonge the people cryinge
15 “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.
and sayinge: syrs why do ye this? We are mortall men lyke vnto you and preache vnto you that ye shuld turne from these vanyties vnto ye lyvinge God which made heaven and erth and the see and all that in them is:
16 Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo.
the which in tymes past suffred all nacions to walke in their awne wayes.
17 Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.”
Neverthelesse he lefte not him selfe with outen witnes in that he shewed his benefites in gevinge vs rayne from heaven and frutefull ceasons fyllinge oure hertes with fode and gladnes.
18 Kunyange namashoko iwaya, zvakanga zvakaoma chose kuti vadzivise vanhu vazhinji ava kuti varege kuvabayira.
And with these sayinges scase refrayned they the people that they had not done sacrifice vnto them.
19 Ipapo vamwe vaJudha vaibva kuAndioki nokuIkoniamu vakauya vakasvikopindura mwoyo yavanhu vazhinji ava. Vakataka Pauro namabwe ndokumuzvuzvurudzira kunze kweguta, vachifunga kuti afa.
Thither came certayne Iewes fro Antioche and Iconium and optayned the peoples consent and stoned Paul and drewe him oute of the cyte supposynge he had bene deed.
20 Asi shure kwokunge vadzidzi vaungana vakamukomba, akamuka akadzokera muguta zvakare. Zuva rakatevera akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.
How be it as the disciples stode rounde about him he arose vp and cam into the cyte. And the nexte daye he departed with Barnabas to Derba.
21 Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki,
After they had preached to that cite and had taught many they returned agayne to Lisira and to Iconium and Antioche
22 vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”
and strengthed the disciples soules exhortinge them to continue in the faith affyrminge yt we must thorowe moche tribulacion entre into the kyngdome of God.
23 Pauro naBhanabhasi vakagadza vatungamiri mukereke imwe neimwe uye nokunyengetera nokutsanya, vakavakumikidza kuna She, uyo wavaivimba naye.
And when they had ordened them elders by eleccion in every congregacio after they had yrayde and fasted they comended them to God on whom they beleved.
24 Shure kwokupinda kwavo nomuPisidhia, vakasvika muPamufiria,
And they went thorow out Pisidia and came into Paphilia
25 uye vakati vaparidza shoko muPega, vakadzika vakaenda kuAtaria.
and when they had preached the worde of God in Perga they descended in to Attalia
26 Kubva paAtaria vakakwira chikepe vakadzokera kuAndioki, kuya kwavakanga vakumikidzwa kunyasha dzaMwari pabasa ravakanga vapedza zvino.
and thence departed by shippe to Antioche fro whence they were delivered vnto the grace of God to the worke which they had fulfilled.
27 Vakati vasvika ikoko, vakaunganidza kereke pamwe chete vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo uye kuti akanga avazarurira sei mukova wokutenda kune veDzimwe Ndudzi.
When they were come and had gaddered the congregacion to gedder they rehersed all that God had done by them and how he had opened the dore of faith vnto the getyls.
28 Uye vakagara navadzidzi ipapo kwenguva refu.
And ther they abode longe tyme with the disciples.

< Mabasa 14 >