< Mabasa 13 >
1 Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro.
在安提阿教会中有几名先知和教师:巴拿巴、西门(尼结)、古利奈人路求、马念(君王希律儿时的伙伴)和扫罗。
2 Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.”
他们在膜拜主并进行禁食的时候,圣灵说:“让巴拿巴和扫罗为我做事。”
3 Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.
教会成员禁食、祈祷并把手放在他们身上祝福之后,他们就送他们上路了。
4 Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi.
巴拿巴和扫罗在圣灵的指引下去了西流基,从那里乘船去往塞浦路斯。
5 Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira.
来到撒拉米后,他们就在犹太人的会堂中宣讲上帝之道,约翰担任他们的助手。
6 Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe nʼanga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu,
他们走遍整个岛屿,最终来到了帕弗,遇见一位自称巴·耶稣的犹太人术士,是个假先知。
7 akanga ari muchengeti womubati wenyika ainzi Segio Paurusi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari.
他与省长士求·保罗走的很近。这位省长非常睿智,特别邀请巴拿巴和扫罗来为他讲上帝之道。
8 Asi Erimasi nʼanga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda.
但这位术士(希腊名字叫做以吕马)不接受他们,试图让省长不要相信上帝。
9 Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati,
但被注满圣灵的扫罗(又名保罗)定睛看着他,
10 “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe?
说:“你这满心欺诈、万恶满盈之人,魔鬼之子,正义的敌人!你总是在阻碍主的真理之路,为什么你不肯放弃呢?
11 Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.” Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira.
看,主的惩罚已经到来,你将成为盲人,暂时看不见阳光。”黑暗和迷雾立刻笼罩着这位术士,他不得不找人牵他的手,给他领路。
12 Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.
省长看见眼前的一切,便信了上帝,主的教导让他惊讶不已。
13 Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema.
然后保罗和同伴从帕弗乘船来到旁非利亚的别加,约翰则离开他们返回耶路撒冷去了。
14 Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara pasi.
他们一路前行,经过别加后抵达彼西底的安提阿,在安息日这天进入会堂,然后坐下来。
15 Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.”
他们朗读了律法和先知的书籍,会堂首领派人传来口信,说:“兄弟们,如果你们有什么鼓励之语,就说说吧!”
16 Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei!
保罗站起来,伸手示意大家看过来,然后开始说:“以色列人和所有敬畏上帝之人,听我说。
17 Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru,
我们的祖先寄居在埃及的土地时,以色列人民的上帝选中了他们,凭其伟大力量带领他们走出埃及,
18 akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga,
然后他在旷野耐心地照顾他们四十年。
19 akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo.
上帝在消灭了迦南七国后,就把那片土地分给以色列人的祖先,让他们代代继承,这样又过了 450 年。
20 Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu. “Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita.
后来上帝又为他们派来首领,一直持续到撒母耳先知的时刻。
21 Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana.
人们请求上帝为他们送来国王,上帝就把便雅悯部落中一个人派来为王,他是基士的儿子扫罗,统治了四十年。
22 Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’
之后上帝又废去扫罗,选择大卫为王。在为大卫作证时,上帝说:‘我找到耶西的儿子大卫,他符合我的心意,将遵行我的一切旨意。’
23 “Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbisa.
耶稣是大卫的后裔,是上帝之前承诺带给以色列的救世主。
24 Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri.
耶稣来临之前,约翰便昭告所有以色列人应该进行忏悔洗礼。
25 Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
约翰即将完成他的使命时说:‘你们以为我是谁?我不是你们所寻找的那个人。但在我之后来的那个人,我就是给他解鞋带都不配。’
26 “Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vedzimwe ndudzi vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri.
兄弟们、亚伯拉罕的子孙以及敬畏上帝的众人,这救赎之道已传授给我们。
27 Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe.
住在耶路撒冷的众人和他们的长官,他们不认识基督,也不理解安息日所读的先知之语。事实上,他们为耶稣定罪恰好应验了先知的预言。
28 Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye.
尽管他们无法找到宣判他死刑的罪状,但还是要求彼拉多杀害他。
29 Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.
预言中关于他们会对耶稣所做的一切,都应验了。然后他们把耶稣从十字架上取下并埋葬在坟墓中。
30 Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa,
但上帝却使他死而复活。
31 uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
多日后,他显现在那些从加利利到耶路撒冷一路跟随他的人面前,那些人现在就成了他在民众面前的见证者。
32 “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,
我们来此是向你们传递福音,通过耶稣的复活,上帝向我们祖先的承诺
33 akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kubva kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi: “‘Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’
都已向我们这些子孙应验了。就如《诗篇》第二篇所记:‘你是我子,今日我成为你父。’
34 Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti: “‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’
上帝使他死而复生,不会再死去。他曾这样说:‘正如我向大卫所做的承诺,我所赐予你们的,神圣而值得相信。’
35 Nokudaro zvinotaurwa pane rimwe pisarema kuti: “‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’
《诗篇》 还说:‘你不会允许圣者见到腐朽。’
36 “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.
但大卫在自己的世界中完成了上帝派给他的使命后,就死去了,与他的祖先葬在一起,躯体也腐朽了。
37 Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.
唯独上帝令其复活这一人,没有看到腐朽。
38 “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.
兄弟们,我希望你们理解我们正在讲述的一切,通过这个人,罪已经得到了宽恕。
39 Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.
通过这个人,所有信他之人都会远离错误,实现道德正义, 但凭着摩西的律法,你永远都无法达到这种正义。
40 Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:
务必不能让先知在书上所说降临在你们身上:
41 “‘Tarirai imi vaseki, mushamiswe uye muparare, nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi, kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’”
‘傲慢的人呐!你们会惊奇地看到,然后死去!因为我在你们生命中所做的事情,即使有人向你讲述,你也永远都无法相信!’”
42 Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera.
保罗和巴拿巴打算离开,众人请他们在下一个安息日再来讲述更多。
43 Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
这次会堂的聚会结束后,许多犹太人和归信犹太教的虔诚教徒,都跟随了保罗和巴拿巴。两人和他们交流,鼓励他们始终紧随上帝的恩典。
44 PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.
到了下一个安息日,几乎全城的人都赶来,希望聆听上帝之道。
45 VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.
犹太人看见这攒动人群,感到异常嫉妒,于是开始驳斥保罗所讲之道,诅咒他。
46 Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. (aiōnios )
保罗和巴拿巴却强有力地回应:“我们必须先向你们讲述上帝之道。既然你们拒绝这道,就代表你们觉得自己不配获得永生,所以我们现在要去异教徒那里去了。 (aiōnios )
47 Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’”
主吩咐过我们说:‘我让你们成为异教徒的光,你们将把拯救带到世界的尽头。’”
48 VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. (aiōnios )
异教徒听见这个消息分外欢喜,赞美主之道,所有被选为永生之人都相信了上帝。 (aiōnios )
49 Shoko raShe rakapararira mudunhu rose.
上帝之道就这样传遍那个地区。
50 Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo.
但犹太人教唆虔诚的尊贵女性和城中的首领,煽动大家迫害保罗和巴拿巴,把他们驱逐出境。
51 Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.
于是两人当众跺掉脚上的尘土以示抗议,向以哥念走去。
52 Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.
而信徒们继续满心欢喜并被圣灵充满。