< Mabasa 12 >

1 Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza.
I ANSAU nanmarki Erodes pikikidi kame akai nan momodisou.
2 Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo.
I ari kamata kila kodlas Iakopus ri en Ioanes.
3 Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso.
A lao kilanger, me Sus oko peren kidar, ap pil saikidi Petrus. Nan i ansaun prot somut.
4 Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka mana avarwi, boka rimwe nerimwe riina varwi vana. Herodhi akanga achida kumumisa padare rokutongwa shure kwePasika.
A saikidi i o kilang i nan imateng, o kasilaki i pwin en saunpei paieu. Pamen me wia eu pwin, pwe murin pasa a men kasale ong pokon i.
5 Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari.
Petrus ari sensal nan imateng a momodisou poden kapakapki i ren Kot.
6 Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova.
Pongpong mon Erodes pan kasansaleda i, a saimokela nan pung en saunpei riamen, salikidi sal mata riapot. A silepa ko masamasan imateng mon wanim ko.
7 Pakarepo mutumwa waShe akaonekwa uye chiedza chakavhenekera muchitokisi. Akarova Petro parutivi ndokumumutsa achiti, “Kurumidza muka!” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko aPetro.
A kilang, amen tounlang en Kaun o pwarado o marain eu sarada nan imateng o. I ari pikir Petrus ni pangepang o kapaurida i masani: Paurida pitipit! Sal mata ko ap pupedi sang ni lim a kan.
8 Mutumwa akati kwaari, “Pfeka nguo dzako neshangu dzako.” Uye Petro akaita saizvozvo. Mutumwa akati kwaari, “Monera jasi rako ubve wanditevera.”
A tounlang masani ong i: Pirapirada o suteda! I ari wiadar met. A ap masani ong i: Upupedi o idauen ia do!
9 Petro akamutevera achibuda mutorongo, asi akanga asingazivi kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zvichitoitika; akafunga kuti aiona chiratidzo.
I ari pedoido sang o idauenla i, o a sota dedeki, me melel en tounlang a wiawia. Pwe a kiki ong, me a auramandar.
10 Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda nepariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira, pakarepo mutumwa akamusiya.
Ira lao kotin daulier pwin en silepa kaieu, o kariau, ira ap lel ong wanim mata, me salong kanim, i me pein ritida mo’ra. Ira ari kotila pon al apot. A tounlang ap madang kotin rir sang mo a.
11 Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.”
A Petrus lao dedeki me wiauier, ap masaniada: I ap asa melel, me Kaun o kotin poronedo sapwilim a tounlang o kapit ia sang ni pa en Erodes o sang en Sus akan ar masamasan.
12 Izvi zvakati zvajeka kwaari, akaenda kumba kwaMaria mai vaJohani, ainziwo Mako, uko kwakanga kwakaungana vanhu vazhinji vachinyengetera.
A ni a kotin madamadaua, ap lel ong im en Maria in en Ioanes, me pil ad a Markus, wasa me toto pokon ia wia kapakap.
13 Petro akagogodza pamukova wokunze, musikana ainzi Rodha akauya kuzodaira kugogodza uku.
A ni en Petrus a letelet ni wanim o, lidu men, ad a Rode, ap pwara dong rong.
14 Akati anzwa kuti inzwi raPetro, akafara zvikuru akadzokera achimhanya asati atongozarura musuo akavaudza akati, “Petro ari pamukova!”
A lao asa kapitie en Petrus, a sota ritingada wanim o pweki a peren. A a tanglong katitiki, me Petrus kot mon wanim o.
15 Vakati kwaari, “Wava kupenga.” Paakaramba achisimbisisa kuti zvakanga zviri izvo, ivo vakati, “Anofanira kunge ari mutumwa wake.”
A irail indai ong i: Koe iakala. A i kelail indada, me melel. Re ap inda: Kaidin i, a sapwilim a tounlang o.
16 Asi Petro akaramba achigogodza, uye vakati vazarura mukova, vakamuona vakashamiswa.
A Petrus wiawia leteleteta. Irail lao ritingada o kilanger i, re ap puriamui kilar.
17 Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo.
A i olole irail, en nenenla. A ap masani ong irail duen Kaun o, me kotin kalua i sang nan imateng o, o pil masanier: Kaireki Iakopus o saulang kan mepukat! I ap kotiei sang kotilang ekis wasa.
18 Mangwanani acho, kwakava nebope guru pakati pavarwi vachida kuziva kuti chii chakanga chaitika kuna Petro.
A lao ran pasanger, saunpei kan ap puriamuiki kaualap en Petrus a pitilar.
19 Mushure mokunge Herodhi amutsvakisisa kwazvo uye asina kumuwana, akanyatsobvunzisisa varindi ndokubva arayira kuti vaurayiwe. Ipapo Herodhi akabva kuJudhea akaenda kuKesaria akandogarako kwechinguva.
A Erodes lao idok o so diaradar, ap itetokenkone silepa ko o masani, ren kamela. I ari kotilang Säsarea sang Ierusalem kaukauson ia.
20 Akanga atsamwirana navanhu veTire neSidhoni, ndokubva vabatana pamwe chete vakauya kwaari kuti vataure naye. Vakati vawana rutsigiro rwaBhurasto, muranda akatendeka wamambo, vakakumbira runyararo, nokuti vaipona nenyika yamambo, nokuti ndiko kwavaiwana zvokudya.
A Erodes ongiongidar pan men Tirus o Sidon, re ap wiaki eu poto dong i kadekadeke Plastus saunkoa en nanmarki o poeki muei mau, pwe re kin memaureki sap en nanmarki.
21 Pazuva rakanga ratarwa, Herodhi akapfeka nguo dzake dzoushe, akagara pachigaro chake choushe akataura kuvanhu.
A kadekadeo eu ran Erodes ap puriong likau en nanmarki, kaipokedi pon mol o kapakaparok ong irail.
22 Vakadanidzira vachiti, “Iri inzwi ramwari, kwete romunhu.”
A aramas akan ngisingis indada: Nan i kapitie en kot amen, a kaidin en aramas.
23 Pakarepo, nokuti Herodhi haana kurumbidza Mwari, mutumwa waShe akamurova, akadyiwa nehonye uye akafa.
A madang amen tounlang en Kaun o poki i, pweki a so wauneki Kot. A maas akan me kangala i; i ari mela.
24 Uye shoko raMwari rakaramba richikura uye richipararira.
A masan en Kot pwaida o lok sili.
25 Bhanabhasi naSauro vakati vapedza basa ravo, vakadzokera kuJerusarema, vakatorawo Johani, ainzi Mako.
Parnapas i Paulus puredo sang Ierusalem, ira lao kanikielar ar dodok, o ira pil ukedo Ioanes, me ad a Markus.

< Mabasa 12 >