< Mabasa 11 >

1 Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vedzimwe ndudzi vakanga vagamuchirawo shoko raMwari.
Or les apôtres et les frères, qui étaient en Judée, apprirent que les gentils aussi avaient reçu la parole de Dieu.
2 Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza
Et, lorsque Pierre fut revenu à Jérusalem, ceux de la circoncision disputaient contre lui,
3 vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.”
Disant: Pourquoi es-tu entré chez des hommes incirconcis, et as-tu mangé avec eux?
4 Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti,
Et Pierre commença à leur exposer les choses par ordre, disant:
5 “Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona chiratidzo. Ndakaona chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru, chichiburutswa kubva kudenga namakona acho mana, uye chakaburuka chikasvika pandaiva.
J’étais dans la ville de Joppé, priant, et dans un ravissement d’esprit, je vis comme une grande nappe suspendue par les quatre coins, qu’on abaissait du ciel, et qui vint jusqu’à moi.
6 Ndakatarira mukati macho ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana, zvikara zvesango, nezvinokambaira uye neshiri dzedenga.
En la considérant attentivement, je vis les quadrupèdes de la terre, et les bêtes sauvages, et les reptiles, et les oiseaux du ciel.
7 “Ipapo ndakanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Simuka, Petro. Baya udye.’
Et j’entendis une voix qui me disait: Tue et mange.
8 “Ndakapindura ndikati, ‘Zvirokwazvo kwete, Ishe! Hakuna chinhu chisina kunaka kana chine tsvina chakatombopinda mumuromo mangu.’
Et je répondis: Nullement, Seigneur; car jamais rien d’impur ou de souillé n’entra dans ma bouche.
9 “Inzwi rakataurazve kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari hachina kunaka.’
Et la voix du ciel me dit une seconde fois: Ce que Dieu a purifié, ne l’appelle pas impur.
10 Izvi zvakaitika katatu, uye ipapo jira nezvose zvikadzoserwazve kudenga.
Cela fut fait par trois fois, et tout rentra dans le ciel.
11 “Pakarepo varume vatatu vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuKesaria vakamira pamba pandaigara.
Et voilà qu’aussitôt trois hommes, envoyés vers moi de Césarée, s’arrêtèrent devant la maison où j’étais.
12 Mweya Mutsvene akandiudza kuti ndirege kunonoka kuenda navo. Hama nhanhatu idzi dzakaendawo neni, uye takasvikopinda mumba momurume uya.
Et l’Esprit me dit d’aller avec eux sans hésiter. Les six frères que voici vinrent avec moi, et nous entrâmes dans la maison de cet homme.
13 Akatirondedzera maonero aakanga aita mutumwa mumba make, uyo akati, ‘Tuma vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro.
Or il nous raconta comment il avait vu dans sa maison un ange qui s’était présenté et lui avait dit: Envoie à Joppé et fais venir Simon, qui est surnommé Pierre;
14 Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’
Il le dira des paroles par lesquelles tu seras sauvé, toi et toute ta maison.
15 “Pandakatanga kutaura, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo samauyiro aakaita kwatiri pakutanga.
Lorsque j’eus commencé de parler, l’Esprit descendit sur eux comme sur nous au commencement.
16 Ipapo ndakarangarira zvakanga zvarehwa naShe achiti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.’
Alors je me souvins de la parole du Seigneur, lorsqu’il disait: Jean a baptisé dans l’eau; mais vous, vous serez baptisés dans l’Esprit-Saint.
17 Saka kana Mwari akavapa chipo chimwe chetecho chaakatipa isu, vakatenda muna Ishe Jesu Kristu, ko, ini ndaigova ani zvangu kuti ndipikisane naMwari?”
Si donc Dieu leur a donné la même grâce qu’à nous, qui avons cru au Seigneur Jésus-Christ; qui étais-je, moi, pour m’opposer à Dieu?
18 Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vedzimwe ndudzi kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”
Ces choses entendues, ils se turent, et glorifièrent Dieu, disant: Dieu a donc accordé la pénitence aux gentils aussi, pour qu’ils aient la vie.
19 Zvino vaya vakanga vaparadzirwa namatambudziko nokuda kwaSitefani vakafamba vakandosvika kuFonisia, Saipurasi neAndioki, vachitaura shoko kuvaJudha bedzi.
Cependant ceux qui avaient été dispersés par la persécution qui s’était élevée au temps d’Etienne, avaient passé jusqu’en Phénicie, en Chypre, et à Antioche, n’annonçant la parole qu’aux Juifs seulement.
20 Kunyange zvakadaro, vamwe varume vaibva kuSaipurasi nokuKurini, vakaenda kuAndioki vakatanga kutaura kuvaGirikiwo, vachivataurira mashoko akanaka ezvaIshe.
Mais il y avait parmi eux quelques hommes de Chypre et de Cyrène, qui, étant entrés dans Antioche, parlaient aux Grecs, leur annonçant le Seigneur Jésus.
21 Ruoko rwaShe rwakanga rwuri pamusoro pavo, uye vanhu vazhinji vakatenda vakatendeukira kuna She.
Et la main du Seigneur était avec eux; et un grand nombre crurent et se convertirent au Seigneur.
22 Mukurumbira wazvo wakasvika munzeve dzekereke yapaJerusarema, ndokubva vatuma Bhanabhasi kuAndioki.
Or, lorsque le bruit en fut venu jusqu’aux oreilles de l’Eglise de Jérusalem, ils envoyèrent Barnabé à Antioche,
23 Akati asvika, akaona umboo hwenyasha dzaMwari, uye akafara, akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka kuna She nemwoyo yavo yose.
Lequel, lorsqu’il fut arrivé et qu’il eut vu la grâce de Dieu, se réjouit; et il les exhortait tous à persévérer, d’un cœur ferme, dans le Seigneur;
24 Iye akanga ari munhu akanaka, azere noMweya Mutsvene nokutenda, uye vanhu vazhinji vakauya kuna She.
Car c’était un homme bon, plein de l’Esprit-Saint et de foi. Ainsi une grande multitude s’attacha au Seigneur.
25 Ipapo Bhanabhasi akaenda kuTasasi kundotsvaka Sauro,
Barnabé partit ensuite pour Tarse, afin de chercher Paul; et, l’ayant trouvé, il l’amena à Antioche.
26 uye akati amuwana, akauya naye kuAndioki. Saka gore rose rakapera Bhanabhasi naSauro vachisangana nekereke uye vakadzidzisa vanhu vazhinji kwazvo. Vadzidzi vakanzi vaKristu kwokutanga paAndioki.
Et pendant une année entière ils demeurèrent dans cette Eglise, et y enseignèrent une foule nombreuse; en sorte que ce fut à Antioche que les disciples reçurent pour la première fois le nom de Chrétiens.
27 Panguva iyoyo vamwe vaprofita vakaburuka vachibva kuJerusarema vachienda kuAndioki.
Or, en ces jours-là, des prophètes vinrent de Jérusalem à Antioche;
28 Mumwe wavo, ainzi Agabhusi, akasimuka akaprofita noMweya Mutsvene kuti nzara huru yaizopararira munyika yose yavaRoma. (Izvi zvakaitika munguva yokutonga kwaKiraudhio).
Et l’un d’eux, du nom d’Agabus, se levant, annonçait, par l’Esprit-Saint, qu’il y aurait une grande famine dans tout l’univers; laquelle, en effet, arriva sous Claude.
29 Vadzidzi vakazvipira, mumwe nomumwe napaaigona napo, kuti ape rubatsiro kuhama dzaigara muJudhea.
Et les disciples résolurent d’envoyer, chacun suivant ce qu’il possédait, des aumônes aux frères qui habitaient dans la Judée;
30 Vakaita izvi, vakatumira chipo chavo naBhanabhasi naSauro kuvakuru.
Ce qu’ils firent, en effet, les envoyant aux anciens par les mains de Barnabé et de Saul.

< Mabasa 11 >