< Mabasa 10 >

1 PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria.
Now there was a certain man in Caesarea, Cornelius by name, a centurion of what was called the Italian Regiment,
2 Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose.
a devout man, and one who feared God with all his house, who gave gifts for the needy generously to the people, and always prayed to God.
3 Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!”
At about three in the afternoon, he clearly saw in a vision an angel of God coming to him, and saying to him, "Cornelius."
4 Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?” Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari.
He, fastening his eyes on him, and being frightened, said, "What is it, Lord?" He said to him, "Your prayers and your gifts to the needy have gone up for a memorial before God.
5 Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro.
Now send men to Joppa, and bring one Simon who is surnamed Peter.
6 Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.”
He lodges with one Simon, a tanner, whose house is by the seaside."
7 Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake.
When the angel who spoke to him had departed, he called two of his household servants and a devout soldier of those who waited on him continually.
8 Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa.
Having explained everything to them, he sent them to Joppa.
9 Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera.
Now on the next day as they were on their journey, and got close to the city, Peter went up on the housetop to pray at about noon.
10 Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo.
He became hungry and desired to eat, but while they were preparing, he fell into a trance.
11 Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana.
He saw heaven opened and a certain container descending to him, like a great sheet let down by four corners on the earth,
12 Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.
in which were all kinds of four-footed animals of the earth, crawling creatures and birds of the sky.
13 Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.”
A voice came to him, "Rise, Peter, kill and eat."
14 Petro akapindura akati, “Zvirokwazvo kwete, Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka kana chine tsvina.”
But Peter said, "Not so, Lord; for I have never eaten anything that is common or unclean."
15 Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.”
A voice came to him again the second time, "What God has cleansed, you must not call unclean."
16 Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga.
This was done three times, and immediately the vessel was received up into heaven.
17 Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo.
Now while Peter was very perplexed within himself what the vision which he had seen might mean, look, the men who were sent by Cornelius, having made inquiry for Simon's house, stood before the gate,
18 Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro.
and called and asked whether Simon, who was surnamed Peter, was lodging there.
19 Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pane varume vatatu vari kukutsvaka.
While Peter was pondering the vision, the Spirit said to him, "Look, three men seek you.
20 Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.”
But arise, get down, and go with them, doubting nothing; for I have sent them."
21 Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?”
And Peter went down to the men, and said, "Look, I am the one whom you seek. Why have you come?"
22 Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.”
They said, "Cornelius, a centurion, a righteous man and one who fears God, and well spoken of by all the Jewish nation, was directed by a holy angel to invite you to his house, and to listen to what you say."
23 Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake. Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye.
So he called them in and lodged them. On the next day he arose and went out with them, and some of the brothers from Joppa accompanied him.
24 Zuva rakatevera akasvika Kesaria. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo.
On the next day he entered into Caesarea. Cornelius was waiting for them, having called together his relatives and his near friends.
25 Petro akati apinda mumba, Koniriasi akamugamuchira uye akawira patsoka dzake achimuremekedza.
When it happened that Peter entered, Cornelius met him, fell down at his feet, and worshiped him.
26 Asi Petro akaita kuti asimuke akati, “Simuka, ndinongova munhuwo zvangu.”
But Peter raised him up, saying, "Stand up. I myself am also a man."
27 Petro achitaura naye, akapinda mumba akawana vanhu vazhinji vakaungana.
And as he talked with him, he went in and found many gathered together.
28 Akati kwavari, “Imi munozviziva kuti hazvibvumirwi nomurayiro wedu kuti muJudha adyidzane nomuhedheni kana kumushanyira. Asi Mwari andiratidza kuti handifaniri kuti nditi munhu haana kunaka kana kuti ane tsvina.
He said to them, "You yourselves know how it is an unlawful thing for a man who is a Jew to join himself or come to one of another nation, but God has shown me that I should not call any man unholy or unclean.
29 Nokudaro pandakadanwa, ndakabva ndauya ndisingarambi. Regai ndichibvunza hangu kwamuri kuti mandidanirei?”
Therefore also I came without complaint when I was sent for. I ask therefore, why did you send for me?"
30 Koniriasi akapindura akati, “Mazuva mana apfuura ndakanga ndiri mumba mangu ndichinyengetera senguva ino, nenguva yechitatu yamasikati. Pakarepo munhu akanga akapfeka nguo dzinopenya akamira pamberi pangu
Cornelius said, "Four days ago until this hour, at three in the afternoon, I was praying in my house, and look, a man stood before me in bright clothing,
31 akati, ‘Koniriasi, Mwari anzwa minyengetero yako uye arangarira zvipo zvako kuvarombo.
and said, 'Cornelius, your prayer is heard, and your gifts to the needy are remembered in the sight of God.
32 Tumira vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Mueni mumba maSimoni musuki wamatehwe, anogara pedyo negungwa.’
Send therefore to Joppa, and summon Simon, who is surnamed Peter. He lodges in the house of Simon, a tanner, by the seaside.'
33 Saka ndakabva ndatumira vanhu kwamuri pakarepo, uye maita zvakanaka zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe kwamuri zvose zvamarayirwa naShe kuti muzotitaurira.”
Therefore I sent to you at once, and it was good of you to come. Now therefore we are all here present in the sight of God to hear all things that have been commanded you by the Lord."
34 Ipapo Petro akatanga kutaura achiti, “Zvino ndava kuziva kuti zvirokwazvo Mwari haazi mutsauri wavanhu
And Peter opened his mouth and said, "Truly I perceive that God does not show favoritism;
35 asi anogamuchira vanhu vanobva kundudzi dzose, ivo vanomutya uye vanoita zvakarurama.
but in every nation he who fears him and works righteousness is acceptable to him.
36 Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose.
The word which he sent to the children of Israel, preaching good news of peace through Jesus Christ—he is Lord of all—
37 Munoziva zvakaitika muJudhea yose, kutanga kuGarirea shure kworubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani,
that spoken word you yourselves know, which was proclaimed throughout all Judea, beginning from Galilee, after the baptism which John preached;
38 zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.
even Jesus of Nazareth, how God anointed him with the Holy Spirit and with power, who went about doing good and healing all who were oppressed by the devil, for God was with him.
39 “Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema. Vakamuuraya nokumuturika pamuti,
We are witnesses of everything he did both in the land of the Jews and in Jerusalem, whom they also killed by hanging on a tree.
40 asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe.
God raised him up the third day, and gave him to be revealed,
41 Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.
not to all the people, but to witnesses who were chosen before by God, to us, who ate and drank with him after he rose from the dead.
42 Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa.
He commanded us to preach to the people and to testify that this is the one who is appointed by God as the judge of the living and the dead.
43 Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.”
All the prophets testify about him, that through his name everyone who believes in him receives forgiveness of sins."
44 Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko.
While Peter was still speaking these words, the Holy Spirit fell on all those who heard the word.
45 Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napamusoro pevedzimwe ndudziwo.
They of the circumcision who believed were amazed, as many as came with Peter, because the gift of the Holy Spirit was also poured out on the non-Jewish people.
46 Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akati,
For they heard them speaking in other tongues and magnifying God. Then Peter answered,
47 “Pano munhu angadzivisa vanhu ava kuti vabhabhatidzwe nemvura here? Vagamuchira Mweya Mutsvene sezvatakangoitawo isu.”
"Can anyone withhold the water, that these who have received the Holy Spirit as well as we should not be baptized?"
48 Naizvozvo akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira Petro kuti ambogara navo kwamazuva mashoma.
He commanded them to be baptized in the name of Jesus Christ. Then they asked him to stay some days.

< Mabasa 10 >