< 3 Johani 1 >

1 Mukuru, kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi.
这封信来自长老,写给我以真理热爱的朋友该犹。
2 Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.
我的朋友,祝你们所做的一切都顺利,身体健壮,就像我所知你们健全的灵性。
3 Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi.
有些信徒来到这里,向我讲述你对真理的忠诚,以及你如何在生活中遵循真理,对此我非常高兴。
4 Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.
听说我亲爱的朋友们遵循真理,没有什么比这更让我快乐了。
5 Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva.
我的朋友,你照顾各位兄弟,包括那些你不认识的人,这显示出你值得信赖。
6 Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari.
他们曾在教会面前充分说明了你的爱。请你照上帝所喜欢的方式,帮助他们继续其旅程,
7 Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni.
因为他们为主之名旅行,没有从非信徒那里接受甚么。
8 Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi.
所以我们应当支持他们,好让我们可以在真理中分享。
9 Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura.
关于这件事,我曾写信给教会,但想作领袖的狄特腓并不接受我的权威。
10 Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke.
因此,如果我真的造访,要说清楚他都做了什么。他曾恶言中伤我们;不仅如此,他还拒绝欢迎其他兄弟。他也不让其他人欢迎他们,并把那些欢迎他们的人赶出了教会。
11 Mudikani, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari.
我的朋友,不要模仿恶,要效法善。那些做善事的人属于上帝,作恶之人不知道上帝。
12 Dhemetriasi anopupurirwa zvakanaka navose, uye kunyange nechokwadi chaicho. Nesuwo tinotaura zvakanaka nezvake, uye munoziva kuti uchapupu hwedu ndohwechokwadi.
众人都说低米丢好,真相说明了一切。我们也赞扬他,你知道我们讲的都是真理。
13 Ndine zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuita izvozvi nechinyoreso neingi.
我还有许多话想要说给你听,但我不想用笔墨写给你。
14 Ndinovimba kuti ndichakuonai nokukurumidza, uye tichazotaurirana chiso nechiso. Rugare kwamuri. Shamwari dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisai shamwari dziri ikoko namazita avo.
盼望很快就见到你,这样我们就可以见面谈。 愿你平安!这里的朋友们向你问候。请替我向各位朋友一一问候。

< 3 Johani 1 >