< 2 Timoti 4 >

1 Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti:
I testify before God and Christ Jesus, who is about to judge living and dead, and by his appearing and his kingdom,
2 Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka.
proclaim the word; be urgent in season [and] out of season, convict, rebuke, encourage, with all longsuffering and doctrine.
3 Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo.
For the time shall be when they will not bear sound teaching; but according to their own lusts will heap up to themselves teachers, having an itching ear;
4 Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano.
and they will turn away their ear from the truth, and will have turned aside to fables.
5 Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako.
But thou, be sober in all things, bear evils, do [the] work of an evangelist, fill up the full measure of thy ministry.
6 Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika.
For I am already being poured out, and the time of my release is come.
7 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu.
I have combated the good combat, I have finished the race, I have kept the faith.
8 Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.
Henceforth the crown of righteousness is laid up for me, which the Lord, the righteous Judge, will render to me in that day; but not only to me, but also to all who love his appearing.
9 Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri,
Use diligence to come to me quickly;
10 nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia. (aiōn g165)
for Demas has forsaken me, having loved the present age, and is gone to Thessalonica; Crescens to Galatia, Titus to Dalmatia. (aiōn g165)
11 Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu.
Luke alone is with me. Take Mark, and bring [him] with thyself, for he is serviceable to me for ministry.
12 Ndakatuma Tikikasi kuEfeso.
But Tychicus I have sent to Ephesus.
13 Paunouya, uuye nejasi randakasiya naKapasi paTiroasi, uye uuye nebhuku rangu, zvikuru magwaro amatehwe.
The cloak which I left behind [me] in Troas at Carpus's, bring when thou comest, and the books, especially the parchments.
14 Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji. Ishe achamutsiva pane zvaakaita.
Alexander the smith did many evil things against me. The Lord will render to him according to his works.
15 Newewo umuchenjerere, nokuti akapikisa zvikuru mashoko edu.
Against whom be thou also on thy guard, for he has greatly withstood our words.
16 Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo.
At my first defence no man stood with me, but all deserted me. May it not be imputed to them.
17 Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti veDzimwe Ndudzi vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
But the Lord stood with [me], and gave me power, that through me the proclamation might be fully made, and all [those of] the nations should hear; and I was delivered out of the lion's mouth.
18 Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn g165)
The Lord shall deliver me from every wicked work, and shall preserve [me] for his heavenly kingdom; to whom [be] glory for the ages of ages. Amen. (aiōn g165)
19 Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesiferasi.
Salute Prisca and Aquila, and the house of Onesiphorus.
20 Erastasi akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimasi paMiretasi achirwara.
Erastus remained in Corinth, but Trophimus I left behind in Miletus sick.
21 Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika. Yubhurasi anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, Rino, Kiraudhiyo nehama dzose.
Use diligence to come before winter. Eubulus salutes thee, and Pudens, and Linus, and Claudia, and the brethren all.
22 Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive newe.
The Lord Jesus Christ [be] with your spirit. Grace [be] with you.

< 2 Timoti 4 >