< 2 Timoti 3 >

1 Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira.
But know this, that in the last days terrible times will come.
2 Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene,
For people will be lovers of self, lovers of money, boastful, arrogant, blasphemers, disobedient to parents, unthankful, unholy,
3 vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka,
unloving, unforgiving, slanderers, without self-control, brutal, hateful of good,
4 vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari;
treacherous, reckless, conceited, lovers of pleasure rather than lovers of God;
5 vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.
holding a form of godliness, but having denied the power thereof. Turn away from these, also.
6 Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji,
For among them are those who crawl into households and take captive weak-willed women weighed down with sins, led away by various passions and pleasures,
7 vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi.
always learning, and never able to come to the knowledge of the truth.
8 Sezvakaita Janesi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika.
Even as Jannes and Jambres opposed Moses, so do these also oppose the truth; people corrupted in mind, disapproved concerning the faith.
9 Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.
But they will proceed no further. For their folly will be evident to all, as theirs also was.
10 Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,
But you did follow my teaching, conduct, purpose, faith, patience, love, steadfastness,
11 matambudziko, nhamo, nezvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, nokutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose.
persecutions, and sufferings: those things that happened to me at Antioch, Iconium, and Lystra. I endured those persecutions. Out of them all the Lord delivered me.
12 Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa,
Yes, and all who desire to live godly in Christ Jesus will suffer persecution.
13 asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa.
But evil people and impostors will grow worse and worse, deceiving and being deceived.
14 Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani,
But you remain in the things which you have learned and have been assured of, knowing from whom you have learned them.
15 uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu.
From infancy, you have known the holy Scriptures which are able to make you wise for salvation through faith, which is in Christ Jesus.
16 Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,
All Scripture is God-breathed and profitable for teaching, for reproof, for correction, and for training in righteousness,
17 kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.
that the person of God may be complete, thoroughly equipped for every good work.

< 2 Timoti 3 >