< 2 Timoti 2 >
1 Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
You must, then, my child, find strength in the help which comes from the union with Christ Jesus;
2 Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe.
and what you learnt from me, in the presence of many listeners, entrust to reliable people, who will be able in their turn to teach others.
3 Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu.
Share hardships with me, as a true soldier of Christ Jesus.
4 Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, nokuti anoda kufadza mukuru wake wehondo.
A soldier on active service, to please his superior officer, always avoids entangling himself in the affairs of ordinary life.
5 Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa.
No athlete is ever awarded the wreath of victory unless they have kept the rules.
6 Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko.
The laborer who does the work should be the first to receive a share of the fruits of the earth.
7 Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose.
Reflect on what I say; the Lord will always help you to understand.
8 Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu,
Keep before your mind Jesus Christ, raised from the dead, a descendant of David, as told in the good news entrusted to me;
9 randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa.
in the service of which I am suffering hardships, even to being put in fetters as a criminal. But the message of God is not fettered;
10 Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi. (aiōnios )
and that is why I submit to anything for the sake of God’s people: so that they also may obtain the salvation which comes from union with Christ Jesus, and imperishable glory. (aiōnios )
11 Herino shoko rechokwadi: Kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye;
How true this saying is – ‘If we have shared his death, we will also share his life.
12 kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo;
If we continue to endure, we will also share his throne. If we should ever disown him, he, too, will disown us.
13 kana tikasava nokutenda, iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi.
If we lose our trust, he is still to be trusted, for he cannot be false to himself!’
14 Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera.
Remind people of all this; tell them solemnly, as in the sight of God, to avoid controversy, a useless thing and the ruin of those who listen to it.
15 Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
Do your utmost to show yourself true to God, a worker with no reason to be ashamed, accurate in delivering the message of the truth.
16 Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari.
Avoid profane prattle. Those who indulge in it only get deeper into irreligious ways,
17 Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayasi naFiretasi,
and their teaching will spread like a cancer. Hymenaeus and Philetus are instances of this.
18 vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe.
They have gone completely astray as regards the truth; they say that a resurrection has already taken place, and so upset some people’s faith.
19 Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.”
Yet God’s firm foundation still stands unmoved, and it bears this inscription – ‘THE LORD KNOWS THOSE WHO ARE HIS’; and this – ‘LET ALL THOSE WHO USE THE NAME OF THE LORD TURN AWAY FROM WICKEDNESS.’
20 Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.
Now in a large house there are not only things of gold and silver, but also others of wood and earthenware, some for better and some for common use.
21 Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka.
If, then, a person has escaped from the pollution of such errors as I have mentioned, they will be like a thing kept for better use, set apart, serviceable to its owner, ready for any good purpose.
22 Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.
Flee from the passions of youth, but pursue righteousness, faith, love, and peace, in the company of those who, with a pure heart, invoke the Lord.
23 Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara.
Shun foolish and ignorant discussions, for you know that they only breed quarrels;
24 Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi.
and a servant of the Lord should never quarrel. They ought, on the contrary, to be courteous to everyone, skillful teachers, and forbearing.
25 Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi,
They should instruct their opponents in a gentle spirit; for, possibly, God may give those opponents a repentance that will lead to a fuller knowledge of truth,
26 uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake.
and they may yet come to a sober mind, and escape from the devil’s net, when captured by the Lord’s servant to do the will of God.