< 2 Timoti 1 >

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu,
本信函来自保罗,是上帝所选、耶稣基督的使徒。这封信函是为了讲述在基督耶稣的真正生命中所讲述的承诺。
2 kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu ngazvive newe.
这封信写给我亲爱的儿子提摩太,愿你们拥有来自父上帝和我们主基督耶稣的恩惠、怜悯和平安。
3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati.
我如此感谢上帝,就像我的祖先一样,以干净的良心事奉他。我始终都在想着你,在祈祷中提到你。
4 Ndichirangarira misodzi yako, ndinoshuva kukuona, kuti ndigozadzwa nomufaro.
我记得你哭泣的样子,就更渴望见你,这会让我真正的感到幸福。
5 Ndinoyeuchidzwa kutenda kwako kusinganyengeri, kwakanga kuri muna mbuya vako Roisi uye nomuna mai vako Yunisi pakutanga, uye zvino ndinoziva kuti kunogarawo mauri.
我记得你对上帝真诚的信,你外祖母罗以和你母亲友尼基也有着同样的信,我知道这信也会在你心中延续。
6 Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako.
因此我想要提醒你,那时候我对你按手,你要把上帝借此赠给你的恩典礼物,赋予更多的力量。
7 Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.
因为上帝赐给我们的不是让我们胆怯的灵,而是有能力、爱心和理智的灵。
8 Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari,
所以,不要因向其他人讲述我们的主而感到羞愧,也不要因为我而感到羞愧。你要准备好为福音而受磨难,因为上帝给了你力量。
9 akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, (aiōnios g166)
他拯救了我们,呼唤我们过圣洁的生活,但不是通过我们的所作所为,而是通过上帝自己的计划,通过他的恩典。 (aiōnios g166)
10 asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri.
早在开天辟地之时,他就通过基督耶稣将这恩典赐予我们,但直到现在才通过我们救世主基督耶稣的出现而显化。通过福音,他摧毁死亡,通过福音让生命和不朽变得无比清晰。
11 Uye ndakaitwa muparidzi, mupostori nomudzidzisi wevhangeri iri.
我是指派讲作为这福音的讲述者、使徒和教师。
12 Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.
我也因此而受到这些苦,但我不以为耻,因为我知道所信是谁,也深信他能呵护我对他的托付,直到他再来的那一天。
13 Zvawakanzwa kubva kwandiri, zvichengete sedzidziso yechokwadi, nokutenda norudo muna Kristu Jesu.
你从我这里学到好的建议,以之为模范予以效仿,心怀信任和爱耶稣基督的态度。
14 Chengetedza chakanaka chiri mauri chawakapiwa, chichengetedze uchibatsirwa naMweya Mutsvene anogara matiri.
你应通过住在我们心中的圣灵,保护托付给你的真理。
15 Unoziva kuti vose vari mudunhu reEzhia vakandisiya, kusanganisirawo naFigerasi naHerimogenesi.
你已知道,所有亚西亚人都背弃了我,包括腓吉路和黑摩其尼。
16 Ishe ngaaitire imba yaOnesiferasi ngoni, nokuti kazhinji anondisimbisa uye haana kunyadziswa nengetani dzangu.
愿主怜悯阿尼色弗一家,因为他多次照顾我,也不因我关入监牢而为耻;
17 Asi kutoti, paakanga ari muRoma, akanditsvaga kwazvo kusvikira andiwana.
他在罗马时,排除万难寻找我,最终找到了。
18 Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kubva kuna Ishe pazuva iro! Iwe unoziva kwazvo kuti akandibatsira zvikuru sei muEfeso.
愿主在审判日为他赐福。(提摩太,你很清楚在以弗所时,他为我做了很多)。

< 2 Timoti 1 >