< 2 Samueri 3 >

1 Hondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi yakatora nguva refu isati yapera. Dhavhidhi akaramba achisimba asi imba yaSauro yakaramba ichipererwa nesimba.
Y hubo luenga guerra entre la casa de Saul, y la casa de David: mas David se iba fortificando, y la casa de Saul iba en diminución.
2 Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni: Dangwe rake raiva Amunoni mwanakomana waAbhinoami weJezireeri;
Y nacieron hijos a David en Hebrón. Su primogénito fue Amnón de Aquinoam Jezraelita.
3 wechipiri, Kiriabhu mwanakomana waAbhigairi chirikadzi yaNabhari weKarimeri; wechitatu, Abhusaromu mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri;
Su segundo fue Queleab de Abigail, la mujer de Nabal, el del Carmelo; el tercero, Absalom, hijo de Maaca, hija de Tolmai rey de Gessur;
4 wechina, Adhoniya mwanakomana waHagiti; wechishanu, Shefatia mwanakomana waAbhitari;
El cuarto, Adonías, hijo de Haggit; el quinto, Safatias, hijo de Abital;
5 uye wechitanhatu, Itireamu mwanakomana womukadzi waDhavhidhi Egira. Ava ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.
El sexto, Jetraam de Egla mujer de David: estos nacieron a David en Hebrón.
6 Munguva yehondo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akanga achisimbisa chinzvimbo chake muimba yaSauro.
Y como había guerra entre la casa de Saul, y la de David, aconteció que Abner se esforzaba por la casa de Saul.
7 Zvino Sauro aiva nomukadzi womurongo ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Uye Ishi-Bhosheti akati kuna Abhineri, “Wakararirei nomurongo wababa vangu?”
Y Saul había tenido una concubina que se llamaba Resfa, hija de Aja: e Is-boset dijo a Abner: ¿Por qué has entrado a la concubina de mi padre?
8 Abhineri akatsamwa zvikuru nezvakanga zvataurwa naIshi-Bhosheti ndokupindura achiti, “Ko, ndiri musoro wembwa kurutivi rwaJudha here? Nhasi uno ndakatendeka, kuimba yababa vako Sauro nokumhuri yake zvose neshamwari dzake. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Kunyange zvakadaro iye zvino unondipomera mhaka pamusoro pomukadzi uyu!
Y Abner se enojó en gran manera por las palabras de Is-boset, y dijo: ¿Soy yo cabeza de los perros de Judá? Yo he hecho hoy misericordia con la casa de Saul tu padre, con sus hermanos, y con sus amigos, y no te he entregado en las manos de David, y tú me has hecho hoy cargo del pecado de una mujer.
9 Mwari ngaarove Abhineri, zvive zvinorwadza kwazvo, kana ndikasaitira Dhavhidhi izvo zvaakapikirwa naJehovha
Así haga Dios a Abner, y así le añada, que como ha jurado Jehová a David, así haga yo con él:
10 nokubvisa umambo muimba yaSauro ndichisimbisa chigaro choushe chaDhavhidhi pamusoro peIsraeri neJudha kubva paDhani kusvikira kuBheerishebha.”
Y que yo traspase el reino de la casa de Saul, y confirme la silla de David sobre Israel, y sobre Judá, desde Dan hasta Beer-seba.
11 Ishi-Bhosheti haana kuzomboti bufuzve kuna Abhineri, nokuti akanga ava kumutya.
Y él no pudo responder palabra a Abner porque tenía temor de él.
12 Ipapo Abhineri akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuti dzindopa mashoko ake okuti, “Ko, nyika ino ndeyani? Itai sungano neni, uye ini ndichakubatsirai kuti Israeri yose iuye kwamuri.”
Y envió Abner mensajeros a David de su parte, diciendo: ¿Cúya es la tierra? Y que le dijesen: Haz alianza conmigo, y, he aquí que mi mano será contigo para volver a ti a todo Israel.
13 Dhavhidhi akati, “Zvakanaka, ndichaita sungano newe. Asi ndinoda chinhu chimwe chete kubva kwauri: Usasvika pamberi pangu kunze kwokunge wauya naMikari mwanasikana waSauro paunouya kuzondiona.”
Y él dijo: Bien. Yo haré contigo alianza: mas una cosa te pido; y es, que no me vengas a ver sin que primero traigas a Micol la hija de Saul, cuando vinieres a verme.
14 Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, kundoti, “Ndipe Mikari mudzimai wangu, wandakatsidzirana naye nezvikanda zvokudzingiswa zvapamberi zvavaFiristia vane zana.”
Después de esto David envió mensajeros a Is-boset, hijo de Saul, diciendo: Restitúyeme a mi mujer Micol, la cual yo desposé conmigo por cien prepucios de Filisteos.
15 Naizvozvo Ishi-Bhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri mwanakomana waRaishi.
Entonces Is-boset envió, y quitóla a su marido Faltiel, hijo de Lais.
16 Zvisinei, murume wake akamuperekedza, achichema ari mumashure make dakara vanosvika kuBhahurimi. Ipapo Abhineri akati kwaari, “Dzokera kumba!” iye ndokudzokera hake.
Y su marido fue con ella llorando por el camino en pos de ella hasta Bajurim: y Abner le dijo: Anda, vuélvete. Entonces él se volvió.
17 Abhineri akakurukura navakuru veIsraeri akati, “Pava nenguva muchida kugadza Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu.
Y habló Abner con los ancianos de Israel, diciendo: Ayer y anteayer procurabais que David fuese rey sobre vosotros;
18 Saka chizviitai iye zvino! Nokuti Jehovha akavimbisa Dhavhidhi achiti, ‘Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichanunura vanhu vangu Israeri kubva muruoko rwavavengi vavo vose.’”
Ahora pues, hacédlo; porque Jehová ha hablado a David, diciendo: Por la mano de mi siervo David libraré a mi pueblo Israel de mano de los Filisteos, y de mano de todos sus enemigos.
19 Abhineri akataura navaBhenjamini pachake. Ipapo akabva akaenda kundoudza Dhavhidhi paHebhuroni zvose zvakanga zvichida kuzoitwa navaIsraeri neimba yose yaBhenjamini.
Y habló también Abner en oídos de Ben-jamín: y también fue Abner a decir a David a Hebrón todo el parecer de los de Israel, y de toda la casa de Ben-jamín.
20 Zvino Abhineri, uyo akanga ana varume makumi maviri, akati asvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, Dhavhidhi akamugadzirira mabiko pamwe chete navarume vaaiva navo.
Vino pues Abner a David en Hebrón, y con él veinte hombres: y David hizo banquete a Abner, y a los que con él habían venido.
21 Ipapo Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Nditenderei kuti ndiende iye zvino ndinounganidzira ishe wangu mambo Israeri yose, kuti vaite sungano nemi, uye kuti mubate ushe pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wenyu.” Saka Dhavhidhi akaendesa Abhineri, iye akaenda norugare.
Y dijo Abner a David: Yo me levantaré, e iré, y juntaré a mi señor el rey todo Israel, para que hagan contigo alianza, y tú reines sobre todo lo que desea tu alma. Y David envió a Abner, y él se fue en paz.
22 Panguva iyoyo varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka kubva kundopamba uye vakauya nezvakawanda zvavakanga vapamba. Asi Abhineri akanga achisiri pamwe naDhavhidhi muHebhuroni, nokuti Dhavhidhi akanga amutendera kuenda, uye akanga aenda norugare.
Y he aquí los siervos de David y Joab, que venían del campo, y traían consigo gran presa. Y Abner ya no estaba con David en Hebrón, que ya él le había despedido, y él se había ido en paz.
23 Joabhu paakasvika navarwi vose vaaiva navo, akaudzwa kuti Abhineri mwanakomana waNeri akanga auya kuna mambo uye kuti mambo akanga amutendera kuti aende, uye akanga aenda norugare.
Y como Joab y todo el ejército que con él estaba vinieron, fue dado aviso a Joab, diciendo: Abner, hijo de Ner, ha venido al rey: y él le ha enviado, y se fue en paz.
24 Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo akati, “Ko, chii chamaita? Tarirai, Abhineri akauya kwamuri. Ko, makaregerei achienda? Zvino atoenda zvake!
Entonces Joab vino al rey, y le dijo: ¿Qué has hecho? He aquí, habíase venido Abner a ti: ¿por qué pues le dejaste que se fuese?
25 Munomuziva imi Abhuneri mwanakomana waNeri; anga auya kuzokunyengerai uye kuzoongorora mafambiro enyu nokusora zvose zvamuri kuita.”
¿Sabes tú que Abner, hijo de Ner, es venido para engañarte, y saber tu salida y tu entrada, y por entender todo lo que tú haces?
26 Ipapo Joabhu akabva pana Dhavhidhi ndokutumira nhume kuti dzitevere Abhineri, uye vakadzoka naye kubva patsime reSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva.
Y saliéndose Joab de con David, envió mensajeros tras Abner, los cuales le volvieron desde el pozo de Sira, sin saberlo David.
27 Kuzoti Abhineri adzoka paHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi, pakati pesuo sokunge aida kutaura naye muchivande. Zvino ipapo, kuti atsive ropa raAsaheri mununʼuna wake, Joabhu akamubaya padumbu, ndokubva afa.
Y como Abner volvió a Hebrón, Joab le apartó al medio de la puerta hablando con él blandamente como de secreto, y allí le hirió junto a la quinta costilla por la muerte de Asael su hermano, y murió.
28 Shure kwokunge Dhavhidhi anzwa nezvazvo, akati, “Ini noushe hwangu hatina mhosva nokusingaperi pamberi paJehovha pamusoro peropa raAbhuneri mwanakomana waNeri.
Cuando David supo esto después, dijo: Yo soy limpio, y mi reino, delante de Jehová, para siempre, de la sangre de Abner, hijo de Ner:
29 Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.”
Caiga sobre la cabeza de Joab, y sobre toda la casa de su padre; que nunca falte de la casa de Joab hombre que padezca flujo, ni leproso, ni quien ande con bordón, ni quien muera a cuchillo, ni quien tenga falta de pan.
30 (Joabhu nomununʼuna wake Abhishai vakaponda Abhineri nokuti akanga auraya Asaheri mununʼuna wavo muhondo paGibheoni.)
Así que Joab y Abisaí su hermano mataron a Abner, porque él había muerto a Asael hermano de ellos en la batalla en Gabaón.
31 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha.
Entonces David dijo a Joab, y a todo el pueblo que con él estaba: Rompéd vuestros vestidos, y ceñíos de sacos, y hacéd llanto delante de Abner: y el rey iba detrás de las andas.
32 Vakaviga Abhineri paHebhuroni, uye mambo akaridza mhere paguva raAbhineri. Vanhu vose vakachemawo.
Y sepultaron a Abner en Hebrón: y alzando el rey su voz, lloró al sepulcro de Abner: y todo el pueblo también lloró.
33 Mambo akaimba rwiyo urwu rwokuchema Abhineri: “Ko, Abhineri aifanira kufa nomufiro webenzi here?
Y endechando el rey al mismo Abner, decía: ¿Murió Abner como muere el insensato?
34 Maoko ako akanga asina kusungwa, makumbo ako akanga asina kuiswa mumatare. Wakafa sokufa kwomunhu anofira pamberi pavanyangadzi.” Uye vanhu vose vakamuchemazve.
Tus manos no eran atadas, ni tus pies ligados con grillos. Como los que caen delante de los hijos de iniquidad, así caíste. Y añadieron todo el pueblo a llorar sobre él.
35 Ipapo vose vakauya vakagombedzera Dhavhidhi kuti awane chaangadya achiri masikati; asi Dhavhidhi akaita mhiko, achiti, “Mwari ngaandirove, uye zvakanyanyisa, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva risati ravira!”
Y como todo el pueblo viniese a dar de comer pan a David, siendo aun de día, David juró, diciendo: Así me haga Dios, y así me añada, si antes que se ponga el sol yo gustare pan, o otra cualquiera cosa.
36 Vanhu vose vakazviona uye vakafara; zvirokwazvo, chose chakaitwa namambo chakavafadza.
Así entendió todo el pueblo, y les plugo en sus ojos; porque todo lo que el rey hacía parecía bien en ojos de todo el pueblo.
37 Naizvozvo musi uyu vanhu vose neIsraeri yose, vakaziva kuti mambo akanga asingatenderani nokuurayiwa kwaAbhineri mwanakomana waNeri.
Y todo el pueblo, y aun todo Israel entendieron aquel día, que no había venido del rey, que Abner, hijo de Ner, muriese.
38 Ipapo mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi kwafa jinda uye munhu anokosha muIsraeri?
Entonces el rey dijo a sus siervos: ¿No sabéis que ha caído hoy en Israel un príncipe, y grande?
39 Uye kuti nhasi, kunyange ndiri mambo akazodzwa, handina simba, uye vanakomana vaZeruya ava vava nesimba kupfuura ini. Jehovha ngaaripire munyangadzi zvinoenderana nokuipa kwamabasa ake!”
Que yo ahora aun soy tierno rey ungido: y estos hombres, los hijos de Sarvia, muy duros me son: Jehová dé el pago al que mal hace, conforme a su malicia.

< 2 Samueri 3 >