< 2 Samueri 23 >

1 Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi: “Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese, Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro, murume akazodzwa naMwari waJakobho, muimbi wenziyo waIsraeri:
La ngamazwi okucina kaDavida: “Umbono kaDavida indodana kaJese, umbono womuntu owaphakanyiswa ngoPhezukonke, umuntu owagcotshwa nguNkulunkulu kaJakhobe, umhlabeleli wezingoma ka-Israyeli:
2 “Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni; shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
Umoya kaThixo wakhuluma ngami, ilizwi lakhe lalisolimini lwami.
3 Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri: ‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari,
UNkulunkulu ka-Israyeli wakhuluma, iDwala lika-Israyeli lathi kimi: ‘Lapho umuntu ebusa abantu ngokulunga, lapho ebusa ngokwesaba uNkulunkulu,
4 akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore, sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’
unjengokukhanya kwekuseni ekuphumeni kwelanga ekuseni okungelamayezi, njengokukhanya emva kokuna kwezulu okumilisa utshani emhlabathini.’
5 “Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here? Nokuti akaita sungano isingaperi neni, yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose. Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here?
Indlu yami kayifanelanga kuNkulunkulu na? Kanje kenzanga lami isivumelwano esingapheliyo esalungiswayo saqiniswa izigaba zonke na? Kambe kazukuphumelelisa ukusindiswa kwami angiphe konke engikufisayo na?
6 Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa, isingaunganidzwi noruoko.
Kodwa abantu ababi bonke bazaphoselwa eceleni njengameva, angabuthwayo ngesandla.
7 Ani naani anobata minzwa anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo; uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”
Loba ngubani othinta ameva usebenzisa insimbi loba uluthi lomkhonto; ayatshiswa ngomlilo khonapho akhona.”
8 Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.
La ngamabizo amaqhawe kaDavida: UJoshebi-Bhasishebethi umThakemoni wayeyinduna yabaThathu, waphakamisela abantu abangamakhulu ayisificaminwembili umkhonto wakhe, ababulalayo ekuhlaseleni kunye.
9 Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,
Yena elandelwa ngu-Eliyazari indodana kaDodo umʼAhohi. Njengomunye wamaqhawe amathathu, wayeloDavida lapho bechothoza amaFilistiya ayebuthanele impi ePhasi Damimi. Lapho-ke abantu bako-Israyeli bahlehlela emuva,
10 asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.
kodwa yena wajama wawacakazela phansi amaFilistiya isandla sakhe saze sadinwa sanamathela enkembeni. Ngalelolanga uThixo waletha ukunqoba okukhulu. Amabutho abuyela ku-Eleyazari ukuyahlubula abafileyo kuphela nje.
11 Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.
Phansi kwakhe kwakuloShama indodana ka-Ageye umHarari. Kwathi amaFilistiya eseqoqene endaweni eyayilezindumba ezinengi, amabutho ako-Israyeli awabalekela.
12 Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.
Kodwa uShama wajama phakathi kwensimu. Wayivikela wawacakazela phansi amaFilistiya, uThixo waletha ukunqoba okukhulu.
13 Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.
Ngesikhathi sokuvuna, abathathu ezinduneni ezingamatshumi amathathu baya kuDavida ebhalwini lwase-Adulami, lapho ibutho lamaFilistiya lalimise eSigodini saseRefayi.
14 Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.
Ngalesosikhathi uDavida wayesenqabeni, iviyo lamabutho amaFilistiya laliseBhethilehema.
15 Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!”
UDavida womela amanzi wasesithi, “Oh, sengathi kungaba lomuntu ongangikhela amanzi okunatha emthonjeni oseduze lesango laseBhethilehema!”
16 Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.
Ngakho amaqhawe amathathu adabula phakathi kwamaviyo amaFilistiya, akha amanzi emthonjeni eduze lesango laseBhethilehema ahamba lawo kuDavida. Kodwa wala ukuwanatha, esikhundleni salokho wawathela phambi kukaThixo.
17 Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.
Wathi, “Akungenzeki, Oh Thixo, ukuba ngenze lokhu. Akusigazi labantu abahambe befake ukuphila kwabo engozini na?” UDavida kawanathanga. Lezi zaziyizenzo zobuqhawe zalawomabutho womathathu.
18 Abhishai mununʼuna waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.
U-Abhishayi umfowabo kaJowabi indodana kaZeruya wayeyinduna yabaThathu labo. Waphakamisela umkhonto wakhe phezu kwabangamakhulu amathathu, ababulalayo, ngakho waba lodumo njengabaThathu.
19 Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.
Kahlonitshwanga kakhulu kulabaThathu na? Waba ngumlawuli wabo, loba engazange abe phakathi kwabo.
20 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.
UBhenaya indodana kaJehoyada wayeliqhawe elilesibindi laseKhabhizeli, elenza izenzo zobuqhawe obukhulu. Wabulala amaqhawe amaMowabi amabili ayezintshantshu ekulweni. Wake wangena emgodini wabulala isilwane mhla kulongqwaqwane.
21 Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.
Njalo wabulala umGibhithe owayemkhulu kakhulu. Lanxa umGibhithe lowo wayephethe umkhonto, uBhenaya wamhlasela ngenduku. Wawuhluthuna umkhonto esandleni somGibhithe wambulala ngomkhonto wakhe.
22 Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.
Lezi zaziyizenzo zobuqhawe zikaBhenaya indodana kaJehoyada; laye futhi wayedume njengamaqhawe amathathu.
23 Akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.
Wayehlonitshwa kakhulu ukwedlula bonke abangamaTshumi Amathathu, kodwa wayengabalwa kanye labaThathu. UDavida wambeka ukuba abe ngumphathi wabalindi bakhe.
24 Pakati pavaya Makumi Matatu paiti: Asaheri mununʼuna waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,
Phakathi kwabangamatshumi amathathu labo kwakuyilaba: U-Asaheli umfowabo kaJowabi, u-Elihanani indodana kaDodo waseBhethilehema,
25 Shama muHarodhi, Erika muHarodhi,
uShama umHarodi, u-Elika umHarodi,
26 Herezi muPariti, Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa,
uHelezi umPhalithi, u-Ira indodana ka-Ikheshi waseThekhowa,
27 Abhiezeri aibva kuAnatoti, Mebhunai muHushati,
u-Abhiyezeri wase-Anathothi, uSibhekhayi umHushathi,
28 Zarimoni muAhohi, Maharai muNetofati,
uZalimoni umʼAhohi, uMaharayi umNethofa,
29 Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati, Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,
uHeledi indodana kaBhana umNethofa, u-Ithayi indodana kaRibhayi owaseGibhiya koBhenjamini,
30 Bhenaya muPiratoni, Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,
uBhenaya umPhirathoni, uHidayi wasezindongeni zaseGashi,
31 Abhi-Aribhoni muAribhati, Azimavheti muBharihumi,
u-Abhi-Alibhoni umʼAribhathi, u-Azimavethi umBharihumi,
32 Eriabha muShaaribhoni, mwanakomana waJasheni, Jonatani
u-Eliyaba umShalibhoni, amadodana kaJasheni, uJonathani
33 mwanakomana waShama muHarari, Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,
indodana kaShama umHarari, u-Ahiyamu indodana kaSharari umHarari,
34 Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati, Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,
u-Elifelethi indodana ka-Ahasibhayi umʼMahakhathi, u-Eliyami indodana ka-Ahithofeli umGiloni,
35 Heziro muKarimeri, Paarai muAribhiti,
uHeziro umKhameli, uPharayi umʼAribhi,
36 Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha, mwanakomana waHagiri,
u-Igali indodana kaNathani waseZobha, indodana kaHagiri,
37 Zereki muAmoni, Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
uZelekhi umʼAmoni, uNaharayi umBherothi, owayethwala izikhali zikaJowabi, indodana kaZeruya,
38 Ira muItiri, Garebhi muItiri
u-Ira umʼIthira, uGarebhi umʼIthiri
39 naUria muHiti. Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete.
kanye lo-Uriya umHithi. Bebonke babengamatshumi amathathu lesikhombisa.

< 2 Samueri 23 >