< 2 Samueri 22 >

1 Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.
當上主救達味脫離了仇敵和撒烏耳的毒手時,達味向上主唱了詩歌說:
2 Akati: “Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu;
「上主,我的盤石,我的保障,我的避難所;
3 Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.
天主是我所倚靠的盤石,是我的盾牌,我的大救主,我的堡壘,我的藏身處。我的救主,是你救我脫離了強暴。
4 Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
我一呼求應受頌揚的上主,我便獲救,脫離了我的仇敵。
5 “Mafungu orufu akandikomba; mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.
死亡的波濤圍繞我,凶險的急流驚嚇我,
6 Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakandivinga. (Sheol h7585)
陰府的繩索纏住中我,死亡的羅網絆住我; (Sheol h7585)
7 Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadanidzira kuna Mwari wangu. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.
在急難中我呼求上主,向我的天主呼號,衪由殿中聽了我的聲音,我的呼聲達入衪耳中。
8 “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka; dzakadedera nokuti akanga atsamwa.
因衪盛大作,大地震動戢慄,上主的基礎動盪搖撼,
9 Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akapfutamo.
由衪的鼻孔湧出濃煙,由衪的口中噴出烈火,由衪的身上射出火炭,
10 Akakamura matenga akaburuka pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
使天低垂親自降下,在衪的腳下濃雲密佈。
11 Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka mudenga denga pamapapiro emhepo.
衪乘坐革魯賓飛騰,藉著風的翼羽翱翔。
12 Akaita kuti rima rimupoteredze setende, iwo makore matema emvura yokudenga.
衪四周以黑暗做帷幔,以豪雨濃雲為帳幕。
13 Kubva pakupenya kwokuvapo kwake mabhananʼana emheni akapenya.
閃電在衪前閃爍,紅炭發出了火光。
14 Jehovha akatinhira ari kudenga; inzwi reWokumusoro-soro rakanzwikazve.
上主由高天興雷,至高者發出了呼聲。
15 Akapfura miseve akaparadzira vavengi, mabhananʼana emheni akavaparadza.
衪射出羽箭,使敵人四散,發閃電,使敵人驚擾。
16 Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha, nokufema kwomweya wemhino dzake.
上主的呵斥一發,鼻孔的怒氣一出,蒼海的海低即出現,大地的地基也外露。
17 “Akatambanudza ruoko ari kudenga akandibata; akandibudisa kubva pamvura yakadzika.
衪由高處伸手將我拉住,由大水中將我提出。
18 Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba.
救我脫離了我的勁敵,擺脫了強於我的仇人。
19 Vakandivinga muzuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
他們在我困厄之日,襲擊了我,然而上主卻作了我的後盾;
20 Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.
衪引我步坦途,因喜愛我而救了我。
21 “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu; maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.
上主照我的正義酬報了我,按我雙手的清白報答了我;
22 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.
因我遵行了上主的正道,沒有作惡離棄我的天主。
23 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka kubva pamitemo yake.
衪的一切法令在我前,我未曾違過衪的誡命;
24 Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.
我衪前常保成全,自知提防各種不義。
25 Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu, maererano nokuchema kwangu pamberi pake.
因此,上主照我的正義,我在衪的純潔,賞報了我。
26 “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
仁慈的人,你待他仁慈;正直的人,你待他正直;
27 kune vakachena munozviratidza makachena, asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.
純的人,你待他純樸;乖戾的人,你待他乖戾。
28 Munoponesa vanozvininipisa, asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.
卑微的人,你必拯救;傲慢的人,你必睥視。
29 Imi muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.
上主,你是我的火炬,我的天主,照明我的黑暗。
30 Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
仗著你,我衝入了敵營;靠著我的天主,我跳過了牆垣。
31 “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
天主的道路是完善的;上主的言語是純淨的;凡投衪的人,衪怍他們的後盾。
32 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
上主以外,還有誰是天主﹖除我的的天主外,還有誰的盤石﹖
33 NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.
是天主賜我毅力,使我一路順利,
34 Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
使我的腳快如鹿蹄,使我屹立高地,
35 Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.
教導我手作戰,使臂膊能開銅弓。
36 Munondipa nhoo yenyu yokukunda, munokotamira pasi kuti mundikurise.
你你的救生盾賜了我,你的長甲作了我的掩護。
37 Munotambanudza nzira pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.
你為我的腳步拓寬了路,我的腳從未顛簸。
38 “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza; handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.
我追趕仇敵,消滅他們;不滅絕他們,決不返回。
39 Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka; vakawira pasi petsoka dzangu.
我將他們打得一蹶不振,盡都倒斃在我腳下
40 Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.
你賜我毅力勇作戰,把我的對手屈伏我下,
41 Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu.
使我的敵人在 前轉背而逃,使我殲滅了一切仇恨我的人。
42 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.
他們呼號,卻無人施救;呼號上主,也不獲應允。
43 Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika; ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.
我搗碎他們地上的灰塵,踐踏他們像道上的泥土。
44 “Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu; makandichengetedza somutungamiri wendudzi. Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.
你由百姓的叛亂中救拔了我,立我做了列國的首領;我不知道的人民竟給我服役;
45 Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera.
外邦的子民諂媚奉承我,一聽到是我,即服從我;
46 Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.
外的子民驚惶失色,戰戰兢兢走的堡壘。
47 “Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu!
上主萬歲! 願我的盤石受讚美,願救我的的天主受頌揚!
48 Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,
天主是你為我報了仇,使萬民屈伏於我,
49 anondisunungura kubva kuvavengi vangu. Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu; kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.
是你救我脫離了我的仇敵,提拔我凌駕我的對手之上,救我脫免了強暴的人。
50 Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi; ndicharumbidza zita renyu nenziyo.
為此,上主! 我要在異民中稱謝你,歌頌你的聖名。
51 “Iye anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”
因為衪使自己的君大獲勝利,對自己的受傅者達味和他的子孫,廣施仁慈,直到永遠」。

< 2 Samueri 22 >