< 2 Samueri 19 >
1 Joabhu akaudzwa kuti, “Mambo anochema nokuungudza nokuda kwaAbhusaromu.”
Then it was reported to Joab, “The king is weeping and mourning over Absalom.”
2 Uye kuhondo yose, kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema, nokuti pazuva iro, mauto akazvinzwa zvichinzi, “Mambo anochema nokuda kwomwanakomana wake.”
And that day’s victory was turned into mourning for all the people, because on that day they were told, “The king is grieving over his son.”
3 Varume vakapinda muguta vachiverevedza savanhu vanoverevedza vachinyara nokuti vatiza kubva kuhondo.
So they returned to the city quietly that day, as people steal away in humiliation after fleeing a battle.
4 Mambo akafukidza chiso chake akachema zvikuru achiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!”
But the king covered his face and cried out at the top of his voice, “O my son Absalom! O Absalom, my son, my son!”
5 Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo akati, “Nhasi manyadzisa vanhu vose, avo vachangoponesa upenyu hwenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu uye noupenyu hwavakadzi venyu navarongo venyu.
Then Joab went into the house and said to the king, “Today you have disgraced all your servants who have saved your life and the lives of your sons and daughters, of your wives, and of your concubines.
6 Munoda avo vanokuvengai uye munovenga avo vanokudai. Mazviratidza pachena nhasi kuti vatungamiri vehondo navanhu vavo havarevi chinhu kwamuri. Ndinoona kuti maifarira kuti dai Abhusaromu ararama nhasi uye kuti dai tose zvedu tafa.
You love those who hate you and hate those who love you! For you have made it clear today that the commanders and soldiers mean nothing to you. I know today that if Absalom were alive and all of us were dead, it would have pleased you!
7 Zvino budai munokurudzira vanhu venyu. Ndinopika naJehovha kuti kana mukasabuda, hakuna munhu achasara nemi usiku huno. Zvichava zvakaipisisa kwamuri kupinda njodzi dzose dzakakuwirai kubva pauduku hwenyu kusvikira zvino.”
Now therefore get up! Go out and speak comfort to your servants, for I swear by the LORD that if you do not go out, not a man will remain with you tonight. This will be worse for you than all the adversity that has befallen you from your youth until now!”
8 Saka mambo akasimuka akandoisa chigaro chake pasuo. Vanhu vakati vaudzwa kuti, “Mambo agere pasuo,” vose vakauya pamberi pake. Zvichakadaro, vaIsraeri vakanga vatizira kumisha yavo.
So the king got up and sat in the gate, and all the people were told: “Behold, the king is sitting in the gate.” So they all came before the king. Meanwhile, the Israelites had fled, each man to his home.
9 Mumarudzi ose avaIsraeri, vanhu vose vakanga vachikakavadzana vachiti, “Mambo akatisunungura kubva muruoko rwavaFiristia. Asi zvino atiza nyika nokuda kwaAbhusaromu;
And all the people throughout the tribes of Israel were arguing, “The king rescued us from the hand of our enemies and delivered us from the hand of the Philistines, but now he has fled the land because of Absalom.
10 uye Abhusaromu, uyo watakazodza kuti atitonge, afa muhondo. Saka munoregereiko kutaura nezvokudzosa mambo?”
But Absalom, the man we anointed over us, has died in battle. So why do you say nothing about restoring the king?”
11 Mambo Dhavhidhi akatuma shoko naZadhoki naAbhiatari, vaprista achiti, “Bvunzai vakuru veJudha kuti, ‘Seiko imi mava vokupedzisira kudzosa mambo kumuzinda wake, sezvo zvinotaurwa muIsraeri yose zvasvika pamba pake.
Then King David sent this message to Zadok and Abiathar, the priests: “Say to the elders of Judah, ‘Why should you be the last to restore the king to his palace, since the talk of all Israel has reached the king at his quarters?
12 Imi muri hama dzangu, muri venyama yangu chaivo uye veropa rangu. Saka maitireiko vokupedzisira kudzosa mambo?’
You are my brothers, my own flesh and blood. So why should you be the last to restore the king?’
13 Uye muti kuna Amasa, ‘Ko, iwe hauzi wenyama yangu uye weropa rangu here? Mwari ngaandirove, ngaarambe achidaro kwazvo, kana kubva zvino zvichienda mberi, iwe ukarega kuva mukuru wehondo yangu panzvimbo yaJoabhu.’”
And say to Amasa, ‘Aren’t you my flesh and blood? May God punish me, and ever so severely, if from this time you are not the commander of my army in place of Joab!’”
14 Akabata mwoyo yavarume vose veJudha vakaita sokunge vaiva munhu mumwe. Vakatuma shoko kuna mambo vachiti, “Dzokai, imi navanhu venyu mose.”
So he swayed the hearts of all the men of Judah as though they were one man, and they sent word to the king: “Return, you and all your servants.”
15 Ipapo mambo akadzoka akasvika paJorodhani. Zvino vanhu veJudha vakanga vasvika kuGirigari kuti vaende kundosangana namambo vagomuyambutsa Jorodhani.
So the king returned, and when he arrived at the Jordan, the men of Judah came to Gilgal to meet him and escort him across the Jordan.
16 Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini aibva kuBhahurimi, akakurumidza kuburuka navanhu veJudha kuti vandosangana naMambo Dhavhidhi.
Then Shimei son of Gera, a Benjamite from Bahurim, hurried down with the men of Judah to meet King David,
17 Akanga ane vaBhenjamini vaisvika chiuru, pamwe chete naZibha, mutariri weimba yaSauro, uye navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri. Vakamhanyira kuJorodhani uko kwakanga kwava namambo.
along with a thousand men of Benjamin, as well as Ziba the steward of the house of Saul and his fifteen sons and twenty servants. They rushed down to the Jordan before the king
18 Vakayambuka rukova kuti vandotora veimba yamambo uye kuti vaite zvose zvaaida. Shimei mwanakomana waGera akati ayambuka Jorodhani, akawira pasi nechiso chake pamberi pamambo
and crossed at the ford to carry over the king’s household and to do what was good in his sight. When Shimei son of Gera crossed the Jordan, he fell down before the king
19 akati kwaari, “Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka. Regai henyu kurangarira kukanganisa kwakaitwa nomuranda wenyu pazuva rakabva ishe wangu mambo paJerusarema. Mambo ngaazvidzime mundangariro dzake.
and said, “My lord, do not hold me guilty, and do not remember your servant’s wrongdoing on the day my lord the king left Jerusalem. May the king not take it to heart.
20 Nokuti ini muranda wenyu ndinozviziva kuti ndakatadza, asi nhasi ndauya pano sewokutanga weimba yose yaJosefa kuti ndiburuke ndizosangana naishe wangu iye mambo.”
For your servant knows that I have sinned, so here I am today as the first of all the house of Joseph to come down to meet my lord the king.”
21 Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati, “Ko, Shimei haafaniri kuurayiwa nokuda kwaizvozvi here? Akatuka muzodziwa waJehovha.”
But Abishai son of Zeruiah said, “Shouldn’t Shimei be put to death for this, because he cursed the LORD’s anointed?”
22 Dhavhidhi akapindura akati, “Ndineiko nemi, imi vanakomana vaZeruya zvokuti nhasi mava vavengi vangu! Pane munhu angafanira kufa muIsraeri nhasi here? Ko, handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?”
And David replied, “Sons of Zeruiah, what have I to do with you, that you should be my adversaries today? Should any man be put to death in Israel today? Am I not indeed aware that today I am king over Israel?”
23 Saka mambo akati kuna Shimei, “Haungafi.” Uye mambo akamuvimbisa nemhiko.
So the king said to Shimei, “You shall not die.” And the king swore an oath to him.
24 Mefibhosheti muzukuru waSauro, akaburukawo kundosangana namambo. Haana kuva nehanya netsoka dzake kana kuguririra ndebvu dzake kana kusuka nguo dzake kubvira pazuva rakasimuka mambo kusvikira pazuva raakadzoka ari mupenyu.
Then Mephibosheth, Saul’s grandson, went down to meet the king. He had not cared for his feet or trimmed his mustache or washed his clothes from the day the king had left until the day he returned safely.
25 Paakasvika achibva kuJerusarema achindosangana namambo, mambo akamubvunza akati, “Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?”
And he came from Jerusalem to meet the king, who asked him, “Mephibosheth, why did you not go with me?”
26 Iye akati, “Ishe wangu mambo, sezvo ini muranda wenyu ndiri chirema, ndakati, ‘Ndichaita kuti mbongoro yangu igadzikwe chigaro uye ndigoitasva, kuti ndigoenda namambo.’ Asi Zibha muranda wangu akandipandukira.
“My lord the king,” he replied, “because I am lame, I said, ‘I will have my donkey saddled so that I may ride on it and go with the king.’ But my servant Ziba deceived me,
27 Uye akandorevera nhema muranda wenyu kuna ishe wangu mambo. Ishe wangu mambo akaita somutumwa waMwari; saka itai henyu zvinokufadzai.
and he has slandered your servant to my lord the king. Yet my lord the king is like the angel of God, so do what is good in your eyes.
28 Zvizvarwa zvose zvasekuru vangu hazvifanirwi nechimwe chinhu asi rufu ruchibva kuna she wangu mambo, asi makapa muranda wenyu nzvimbo pakati paavo vanodya patafura yenyu. Saka ini ndine mvumo yeiko yokukumbirazve kuna mambo?”
For all the house of my grandfather deserves death from my lord the king, yet you have set your servant among those who eat at your table. What further right, then, do I have to keep appealing to the king?”
29 Mambo akati kwaari, “Uchataurireiko zvakawanda? Ndinokurayira iwe naZibha kuti mugovane minda.”
The king replied, “Why say any more? I hereby declare that you and Ziba are to divide the land.”
30 Mefibhosheti akati kuna mambo, “Ngaatore hake zvinhu zvose, sezvo zvino ishe wangu mambo asvika kumusha ari mupenyu.”
And Mephibosheth said to the king, “Instead, since my lord the king has safely come to his own house, let Ziba take it all!”
31 Bhazirai muGireadhi akasvikawo achibva kuRogerimi kuti ayambuke Jorodhani namambo uye kuti amuperekedze panzira yake ikoko.
Now Barzillai the Gileadite had come down from Rogelim to cross the Jordan with the king and send him on his way from there.
32 Zvino Bhazirai akanga akwegura kwazvo, ava namakore makumi masere. Akanga achiriritira mambo panguva yaakanga agere paMahanaimi, nokuti akanga ari munhu akapfuma kwazvo.
Barzillai was quite old, eighty years of age, and since he was a very wealthy man, he had provided for the king while he stayed in Mahanaim.
33 Mambo akati kuna Bhazirai, “Yambuka pamwe chete neni ugogara neni muJerusarema, uye ini ndichakuriritira.”
The king said to Barzillai, “Cross over with me, and I will provide for you at my side in Jerusalem.”
34 Asi Bhazirai akapindura mambo akati, “Makore manganiko andichararama, zvokuti ndingafanira kukwidza kuJerusarema namambo?
But Barzillai replied, “How many years of my life remain, that I should go up to Jerusalem with the king?
35 Ndava namakore makumi masere. Ndichagona kuziva mutsauko pakati pechakanaka nechisina kunaka here? Ko, muranda wenyu achagona kuravira chaanodya nechaanonwa here? Ko, ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi vanoimba here? Muranda wenyu achaitireiko kuti ave mumwe mutoro kuna ishe wangu mambo?
I am now eighty years old. Can I discern what is good and what is not? Can your servant taste what he eats or drinks? Can I still hear the voice of singing men and women? Why should your servant be an added burden to my lord the king?
36 Muranda wenyu achayambuka Jorodhani namambo kwenhambwe pfupi, asi mambo anondipireiko mubayiro wakadai?
Your servant could go with the king only a short distance past the Jordan; why should the king repay me with such a reward?
37 Regai muranda wenyu adzokere hake, kuti ndinofira muguta rangu pedyo nehwiro hwababa vangu namai vangu. Asi hoyu muranda wangu Kimihami. Ngaayambuke hake naishe iye mambo. Mumuitire henyu zvose zvinokufadzai.”
Please let your servant return, that I may die in my own city near the tomb of my father and mother. But here is your servant Chimham. Let him cross over with my lord the king, and do for him what is good in your sight.”
38 Mambo akati, “Kimihami achayambuka neni, uye ndichamuitira zvose zvinokufadza. Uye zvose zvaunoda kwandiri ndichakuitira.”
The king replied, “Chimham will cross over with me, and I will do for him what seems good in your sight, and I will do for you whatever you desire of me.”
39 Saka vanhu vose vakayambuka Jorodhani, uye ipapo mambo akazoyambukawo. Mambo akatsvoda Bhazirai akamuropafadza, uye Bhazirai akadzokera kumba kwake.
So all the people crossed the Jordan, and then the king crossed over. The king kissed Barzillai and blessed him, and Barzillai returned home.
40 Mambo akati ayambukira kuGirigari, Kimihami akayambuka naye. Mauto ose eJudha nehafu yavarwi veIsraeri vakanga vayambutsa mambo.
Then the king went on to Gilgal, and Chimham crossed over with him. All the troops of Judah and half the troops of Israel escorted the king.
41 Uye varume vose veIsraeri vakauya kuna mambo vakati kwaari, “Hama dzedu, varume veJudha, vakabireiko mambo vakamuuyisa neimba yake mhiri kweJorodhani, pamwe chete navanhu vake vose?”
Soon all the men of Israel came to the king and asked, “Why did our brothers, the men of Judah, take you away secretly and bring the king and his household across the Jordan, together with all of David’s men?”
42 Varume vose veJudha vakapindura varume veIsraeri vachiti, “Takaita izvi nokuti mambo ihama yedu yapedyo. Seiko imi matsamwiswa nazvo? Tambodya here zvinhu zvamambo? Tambozvitorera kana chinhu chimwe chete here?”
And all the men of Judah replied to the men of Israel, “We did this because the king is our relative. Why does this anger you? Have we ever eaten at the king’s expense or received anything for ourselves?”
43 Ipapo varume veIsraeri vakapindura varume veJudha vakati, “Tine migove gumi muna mambo; uye zvisiri izvozvo chete, Dhavhidhi ndowedu kukunda imi. Saka seiko imi muchitizvidza? Ko, hatizisu takatanga kutaura kuti mambo adzoke here?” Asi varume veJudha vakapindura nehasha kwazvo kupfuura varume veIsraeri.
“We have ten shares in the king,” answered the men of Israel, “so we have more claim to David than you. Why then do you despise us? Were we not the first to speak of restoring our king?” But the men of Judah pressed even harder than the men of Israel.