< 2 Samueri 16 >

1 Dhavhidhi akati afamba chinhambwe chiduku pamusoro pegomo, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti akamumirira. Akanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakatakudzwa mazana maviri ezvingwa, nezana ramakeke amaonde nedende rewaini.
A kad David prijeðe malo preko vrha, gle, Siva, momak Mefivostejev, srete ga, sa dva magarca natovarena, na kojima bješe dvjesta hljebova i sto grozdova suhih i sto gruda smokava i mijeh vina.
2 Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akapindura akati, “Mbongoro ndedzeveimba yamambo kuti vatasve, zvingwa nemichero ndezvavarume kuti vadye, uye waini ndeyokupedza nyota yeavo vanga vaneta nokuda kwerenje.”
I reèe car Sivi: šta æe ti to? A Siva mu reèe: magarci su za èeljad carevu, da jašu, a hljebovi i voæe da jedu momci, a vino da pije ko se umori u pustinji.
3 Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?” Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’”
A car mu reèe: a gdje je sin tvoga gospodara? Reèe Siva caru: eno ga, ostao je u Jerusalimu, jer reèe: danas æe mi dom Izrailjev vratiti carstvo oca mojega.
4 Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinozvideredza. Dai ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo.”
Tada reèe car Sivi: evo, tvoje je sve što je bilo Mefivostejevo. A Siva reèe: klanjam ti se, da naðem milost pred tobom, care gospodaru!
5 Mambo Dhavhidhi paakanga ava kusvika kuBhahurimi, mumwe murume aibva kurudzi rumwe chete nemhuri yaSauro akabudamo. Zita rake ainzi Shimei mwanakomana waGera, uye aituka paaibuda.
I doðe car David do Vaurima; a gle, izide odande jedan od roda doma Saulova, po imenu Simej, sin Girin, i iduæi psovaše.
6 Akapotsera mabwe kuna Dhavhidhi namakurukota ose amambo, kunyange zvazvo varwi vose navachengeti vake vakanga vari kurudyi nokuruboshwe rwake.
I bacaše se kamenjem na Davida i na sluge cara Davida, kojemu i s desne i s lijeve strane bijaše sav narod i svi junaci.
7 Shimei akatuka achiti, “Ibva kuno, ibva kuno, iwe munhu weropa, munhu akaipa!
A Simej ovako govoraše psujuæi: odlazi, odlazi, krvopijo i zlikovèe!
8 Jehovha akuripira ropa rose rawakadeura muimba yaSauro, uyo wawakatorera chigaro chokutonga. Jehovha apa ushe kumwanakomana wako Abhusaromu. Wasvika pakuparara nokuti uri munhu weropa!”
Obrati Gospod na tebe sve krvi doma Saulova, na èije si se mjesto zacario, i predade Gospod carstvo u ruke Avesalomu sinu tvojemu; eto te sada u tvom zlu, jer si krvopija.
9 Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko, iyi imbwa yakafa ingatukirei ishe mambo wangu? Regai ndiende ndinodimura musoro wake.”
Tada reèe caru Avisaj sin Serujin: zašto da psuje ovaj mrtvi pas cara gospodara mojega? Idem da mu skinem glavu.
10 Asi mambo akati, “Ko, ini nemi takafanana pakudii, imi vanakomana vaZeruya? Ko, kana achituka nokuti Jehovha ati kwaari, ‘Tuka Dhavhidhi,’ ndiani angati, ‘Ko, unoitirei izvi?’”
Ali car reèe: šta je vama do mene, sinovi Serujini? neka psuje; jer mu je Gospod rekao: psuj Davida. Pa ko smije kazati: zašto tako èiniš?
11 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma.
Još reèe David Avisaju i svijem slugama svojim: eto, moj sin, koji je izašao od bedara mojih, traži dušu moju, a kako neæe ovaj sin Venijaminov? Ostavite ga neka psuje, jer mu je Gospod zapovjedio.
12 Zvichida Jehovha angaona kutambura kwangu uye zvimwe angandiripira zvakanaka nokuda kwokutukwa kwandiri kugamuchira nhasi.”
Da ako Gospod pogleda na nevolju moju, i vrati mi Gospod dobro za psovku njegovu današnju.
13 Ipapo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba nenzira, Shimei paakanga achifamba ari kuno rumwe rutivi rwegomo, achituka achingoenda achipotsera matombo kwaari achimupfumburira guruva.
I tako David sa svojim ljudima iðaše svojim putem; a Simej iðaše pokraj gore prema njemu jednako psujuæi i bacajuæi se kamenjem na nj, i podižuæi prah.
14 Mambo navanhu vose vaiva naye vakasvika kwavaienda vaneta. Akazororapo.
I doðe car i sav narod što bijaše s njim, umorni, i odmoriše se ondje.
15 Panguva iyi, Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakasvika muJerusarema, uye Ahitoferi aiva naye.
A Avesalom i sav narod Izrailjev doðoše u Jerusalim, i Ahitofel s njim.
16 Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuna Abhusaromu akandoti kwaari, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Mambo ngaararame nokusingaperi!”
A kad Husaj Arhijanin prijatelj Davidov doðe k Avesalomu, reèe Husaj Avesalomu: da živi car! da živi car!
17 Abhusaromu akabvunza Hushai akati, “Urwu ndirwo rudo rwaunoratidza shamwari yako here? Sei usina kuenda neshamwari yako?”
A Avesalom reèe Husaju: taka li je ljubav tvoja prema prijatelju tvojemu? zašto nijesi otišao s prijateljem svojim?
18 Hushai akati kuna Abhusaromu, “Kwete, iye akasarudzwa naJehovha, navanhu ava uye navarume vose veIsraeri, ini ndichava wake, uye ndicharamba ndinaye.
A Husaj reèe Avesalomu: ne; nego koga je izabrao Gospod i ovaj narod i svi Izrailjci, njegov æu biti i kod njega æu ostati.
19 Zvakarezve, ndingagoshandira aniko? Ko, handifaniri kushandira mwanakomana? Sezvandaishandira baba venyu, saizvozvo ndichakushandirai.”
Svrh toga, kome bih služio? eda li ne sinu njegovu? kako sam služio ocu tvojemu, tako æu i tebi.
20 Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?”
A Avesalom reèe Ahitofelu: svjetuj šta æemo èiniti.
21 Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuhwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.”
A Ahitofel reèe Avesalomu: lezi s inoèama oca svojega, koje je ostavio da mu èuvaju kuæu, pa kad èuje sav Izrailj kako si se omrazio s ocem svojim, osiliæe ruka svjema koji su s tobom.
22 Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachiona.
Tada razapeše Avesalomu šator na krovu, i Avesalom leže s inoèama oca svojega na vidiku svjemu Izrailju.
23 Zvino mumazuva iwayo zano raipiwa naAhitoferi raiita seromunhu anobvunza kuna Mwari. Ndizvozvo zvaifungwa naDhavhidhi pamwe chete naAbhusaromu pamusoro pamazano aipiwa naAhitoferi.
I svjet koji davaše Ahitofel u ono vrijeme bijaše kao da bi ko Boga upitao; taki bijaše svaki svjet Ahitofelov i u Davida i u Avesaloma.

< 2 Samueri 16 >