< 2 Samueri 15 >

1 Mushure mechinguva, Abhusaromu akazvigadzirira ngoro yamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye mberi kwake.
Now after this, Absalom got for himself a carriage and horses, and fifty runners to go before him.
2 Aimuka mangwanani achindomira parutivi rwenzira yainanga pasuo reguta. Paiti kana munhu akauya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu aimudana oti kwaari, “Ko, iwe uri weguta ripi?” Iye aipindura achiti, “Muranda wenyu anobva kuno rumwe rwamarudzi avaIsraeri.”
And Absalom got up early, morning after morning, and took his place at the side of the public meeting-place: and when any man had a cause which had to come to the king to be judged, then Absalom, crying out to him, said, What is your town? and he would say, Your servant is of one of the tribes of Israel.
3 Ipapo Abhusaromu aizoti kwaari, “Tarira, mashoko ako akanaka uye ndeechokwadi, asi hapana mumiririri wamambo anganzwe nyaya yako.”
And Absalom would say to him, See, your cause is true and right; but no man has been named by the king to give you a hearing.
4 Uye Abhusaromu aizoti, “Dai vaindiita zvavo mutongi munyika muno! Zvaizoti munhu wose anenge ane chichemo kana nyaya aizouya kwandiri uye ndaizoona kuti aitirwa zvakarurama.”
And more than this, Absalom said, If only I was made judge in the land, so that every man who has any cause or question might come to me, and I would give a right decision for him!
5 Zvaizotizve, kana munhu akaswedera kwaari akamupfugamira, Abhusaromu aimutambanudzira ruoko rwake, omubata uye omutsvoda.
And if any man came near to give him honour, he took him by the hand and gave him a kiss.
6 Abhusaromu aiitira izvi kuvaIsraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo, nokudaro akaita kuti varume vose vomuIsraeri vamude.
And this Absalom did to everyone in Israel who came to the king to have his cause judged: so Absalom, like a thief, took away the hearts of the men of Israel.
7 Mushure mamakore mana, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei kuti ndiende kuHebhuroni ndinozadzisa mhiko yandakaita kuna Jehovha.
Now at the end of four years, Absalom said to the king, Let me go to Hebron and give effect to the oath which I made to the Lord:
8 Muranda wenyu paakanga achigara paGeshuri muAramu, ndakaita mhiko iyi, ‘Kana Jehovha akandidzosera kuJerusarema, ndichamunamata ndiri muHebhuroni.’”
For while I was living in Geshur in Aram, your servant made an oath, saying, If ever the Lord lets me come back to Jerusalem, I will give him worship in Hebron.
9 Mambo akati kwaari, “Enda norugare.” Iye akabva aenda kuHebhuroni.
And the king said to him, Go in peace. So he got up and went to Hebron.
10 Ipapo Abhusaromu akatuma nhume muchivande kumarudzi ose avaIsraeri kundoti kwavari, “Kana muchinge manzwa hwamanda yarira, ipapo daidzirai muchiti, ‘Abhusaromu ava mambo muHebhuroni.’” Varume mazana maviri vokuJerusarema vakanga vaperekedza Abhusaromu.
But Absalom at the same time sent watchers through all the tribes of Israel to say, At the sound of the horn you are to say, Absalom is king in Hebron.
11 Vakanga vakokwa uye vakangoendawo vasina zvavaiziva, vasina zvavaiziva pamusoro pezvakanga zvarongwa.
And with Absalom, at his request, went two hundred men from Jerusalem, who were completely unconscious of his designs.
12 Abhusaromu paakanga achipa zvipiriso akadanawo Ahitoferi muGiro, gurukota raDhavhidhi, kuti auye kubva kuGiro, guta raaigara. Ipapo urongwa hwokumukira mambo hwakabva hwasimba, uye vanhu vakatevera Abhusaromu vakaramba vachiwanda.
And Absalom sent for Ahithophel the Gilonite, one of David's helpers, from Giloh his town, while he was making the offerings. And the design against David became strong, for more and more people were joined to Absalom.
13 Nhume yakauya ikaudza Dhavhidhi kuti, “Varume veIsraeri vatorwa mwoyo naAbhusaromu.”
And one came to David and said, The hearts of the men of Israel have gone after Absalom.
14 Ipapo Dhavhidhi akati kumakurukota ake ose aiva naye muJerusarema, “Uyai! Ngatitizei, zvikasadaro tose hapana angapunyuka kubva kuna Abhusaromu. Tinofanira kubva pano izvozvi, kana tikasadaro angatibata akatiparadza uye akarwisa guta nomunondo.”
And David said to all his servants who were with him at Jerusalem, Come, let us go in flight, or not one of us will be safe from Absalom: let us go without loss of time, or he will overtake us quickly and send evil on us, and put the town to the sword.
15 Makurukota amambo akapindura akati, “Varanda venyu vakazvipira kuita chipi nechipi chinenge chasarudzwa naishe mambo wedu.”
And the king's servants said to the king, See, your servants are ready to do whatever the king says is to be done.
16 Mambo akaenda, veimba yake vose vachimutevera; asi akasiya varongo vake gumi kuti vachengete muzinda wamambo.
So the king went out, taking with him all the people of his house, but for ten of his women, who were to take care of the house.
17 Saka mambo akabuda akaenda, vanhu vose vakamutevera, vakandomira pane imwe nzvimbo yaiva chinhambwe.
And the king went out, and all his servants went after him, and made a stop at the Far House.
18 Vanhu vake vose vakapfuura pamberi pake, pamwe chete navaKereti navaPereti vose, uye namazana matanhatu ose avaGiti avo vakanga vabva naye kuGati, vakafamba vachipfuura napamberi pamambo.
And all the people went on by his side; and all the Cherethites and all the Pelethites and all the men of Ittai of Gath, six hundred men who came after him from Gath, went on before the king.
19 Mambo akati kuna Itai muGiti, “Ko, wauyireiwo nesu? Dzokera unogara naMambo Abhusaromu. Uri mutorwa iwe, wakadzingwa kumusha kwako.
Then the king said to Ittai the Gittite, Why are you coming with us? go back and keep with the king: for you are a man of another country, you are far from the land of your birth.
20 Wakauya nezuro chaiye, zvino nhasi ndingaita kuti udzungaire nesu here, uye ini ndisingazivi chaiko kwandinoenda? Dzokera, utore hama dzako dzose. Ngoni nokutendeka ngazvive newe.”
It was only yesterday you came to us; why then am I to make you go up and down with us? for I have to go where I may; go back then, and take your countrymen with you, and may the Lord's mercy and good faith be with you.
21 Asi Itai akapindura mambo akati, “Ndinopika naJehovha mupenyu, uye ndinopika naishe wangu mambo mupenyu, pana ishe wangu mambo, kunyange zvikareva upenyu kana kufa, ipapo muranda wenyu ndipo paachava.”
And Ittai the Gittite in answer said, By the living Lord, and by the life of my lord the king, in whatever place my lord the king may be, for life or death, there will your servant be.
22 Dhavhidhi akati kuna Itai, “Enda hako, famba.” Nokudaro Itai muGiti navanhu vake nemhuri dzose dzaiva naye vakafamba vachienda mberi.
And David said to Ittai, Go forward, then. And Ittai the Gittite went on, with all his men and all the little ones he had with him.
23 Nyika yose yakachema kwazvo vanhu vose pavakanga vachipfuura. Namambowo akayambuka mupata weKidhironi, uye vanhu vose vakafamba vakananga kurenje.
And there was great weeping in all the country when all the people went through; and the king himself was waiting in the Kidron valley and all the people went by him in the direction of the olive-tree on the edge of the waste land.
24 Zadhoki akanga aripowo, uye vaRevhi vose vakanga vanaye vakanga vakatakura areka yesungano yaMwari. Vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akapa zvipiriso kusvikira vanhu vose vabuda muguta.
Then Zadok came, and Abiathar, and with them the ark of God's agreement: and they put down the ark of God, till all the people from the town had gone by.
25 Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, “Dzosera areka yaMwari muguta. Kana ndikawana nyasha pamberi paJehovha, achandidzosa uye achaita kuti ndione zvakare panzvimbo paanogara.
And the king said to Zadok, Take the ark of God back into the town: if I have grace in the eyes of the Lord, he will let me come back and see it and his House again:
26 Asi kana iye akati, ‘Handifadzwi newe,’ zvose ndakazvigadzirira; ngaandiitire hake zvaanenge achida.”
But if he says, I have no delight in you: then, here I am; let him do to me what seems good to him.
27 Mambo akatizve kuna Zadhoki muprista, “Ko, hauzi muoni here? Dzokera muguta norugare, nomwanakomana wako Ahimaazi naJonatani mwanakomana waAbhiatari. Iwe naAbhiatari, endai navanakomana venyu.
The king said further to Zadok the priest, See, you and Abiathar are to go back to the town in peace, with your two sons, Ahimaaz, your son, and Jonathan, the son of Abiathar.
28 Ini ndichandomira pamazambuko erenje kusvikira shoko rasvika kwandiri kubva kwamuri.”
See, I will be waiting at the way across the river, in the waste land, till I get news from you.
29 Ipapo Zadhoki naAbhiatari vakatora areka yaMwari vakadzokera kuJerusarema vakandogarako.
So Zadok and Abiathar took the ark of God back to Jerusalem, and did not go away from there.
30 Asi Dhavhidhi akaramba achikwira Gomo reMiorivhi, akaenda achichema: aiva akafukidza musoro wake asina shangu. Vanhu vose naivowo vakanga vakafukidza misoro yavo vachichema vachikwidza.
And David went up the slopes of the Mount of Olives weeping all the way, with his head covered and no shoes on his feet: and all the people who were with him, covering their heads, went up weeping.
31 Zvino Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Ahitoferi ndiye mumwe wavapanduki vana Abhusaromu.” Saka Dhavhidhi akanamata achiti, “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mazano aAhitoferi kuti ave upenzi.”
And word came to David, saying, Ahithophel is among those who are joined to Absalom. And David said, O Lord, let the wisdom of Ahithophel be made foolish.
32 Dhavhidhi paakasvika pamusoro, vanhu pavaisinamata Mwari vari, Hushai muAriki akanga akamumirira, nguo yake yakabvaruka uye ane guruva mumusoro.
Now when David had come to the top of the slope, where they gave worship to God, Hushai the Archite came to him in great grief with dust on his head:
33 Dhavhidhi akati kwaari, “Kana iwe ukaenda neni, uchava mutoro kwandiri.
David said to him, If you go on with me, you will be a trouble to me:
34 Asi kana ukadzokera kuguta ukandoti kuna Abhusaromu, ‘Ini ndichava muranda wenyu, imi mambo; ndaiva muranda wababa venyu kare, asi zvino ndichava muranda wenyu,’ ipapo ungandibatsira kuti ukanganise zano raAhitoferi.
But if you go back to the town and say to Absalom, I will be your servant, O king; as in the past I have been your father's servant, so now I will be yours: then you will be able to keep Ahithophel's designs against me from being put into effect.
35 Vaprista Zadhoki naAbhiatari vanenge vasiri pamwe chete newe here? Iwe uvaudze zvose zvaunenge uchinzwa zvichirongwa mumuzinda wamambo.
And have you not there Zadok and Abiathar the priests? so whatever comes to your ears from the king's house, give word of it to Zadok and Abiathar the priests.
36 Vana vavo vaviri, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki naJonatani mwanakomana waAbhiatari, varikowo. Uvatume kwandiri nezvose zvaunenge wanzwa.”
See, they have with them their two sons, Ahimaaz, Zadok's son, and Jonathan, the son of Abiathar; by them you may send word to me of everything which comes to your ears.
37 Saka shamwari yaDhavhidhi, Hushai, akasvika kuJerusarema Abhusaromu paakanga achipinda muguta.
So Hushai, David's friend, went into the town, and Absalom came to Jerusalem.

< 2 Samueri 15 >