< 2 Samueri 10 >
1 Nokufamba kwenguva mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake Hanuni akamutevera paumambo.
It came about later that the king of the people of Ammon died, and that Hanun his son became king in his place.
2 Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundobata Hanuni maoko pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika kunyika yavaAmoni,
David said, “I will show kindness to Hanun son of Nahash, as his father showed kindness to me.” So David sent his servants to comfort Hanun concerning his father. His servants entered the land of the people of Ammon.
3 machinda avaAmoni akati kuna Hanuni mambo wavo, “Munofunga here imi kuti Dhavhidhi ari kuremekedza baba venyu nokutumira kwaaita vanhu vake kuzochema nemi? Dhavhidhi haana kuvatuma here kuti vazoongorora guta nokurisora kuti vagoriparadza?”
But the leaders of the people of Ammon said to Hanun their master, “Do you really think that David is honoring your father because he has sent men to comfort you? Has not David sent his servants to you to look at the city, to spy it out, in order to overthrow it?”
4 Naizvozvo Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavaveura rumwe rutivi rwendebvu, akacheka zvipfeko zvavo napakati kumagaro, ndokuvadzinga.
So Hanun took David's servants, shaved off half their beards, cut off their garments up to their buttocks, and sent them away.
5 Zvino Dhavhidhi akati audzwa nezvazvo, akatuma nhume kundosangana navarume ava, nokuti vakanga vanyadziswa zvikuru. Mambo akati, “Chimbogarai henyu paJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzakura, mugozouya.”
When they explained this to David, he sent to meet with them, for the men were deeply ashamed. The king said, “Stay at Jericho until your beards have grown back, and then return.”
6 Zvino vaAmoni pavakaziva kuti vakanga vonhuhwa pamberi paDhavhidhi, vakatenga varwi vetsoka zviuru makumi maviri zvavaAramu kubva kuBheti Rehobhi neZobha, pamwe chete namambo weMaaka navarume chiuru chimwe, uye navarume zviuru gumi nezviviri vaibva kuTobhi.
When the people of Ammon saw that they had become a stench to David, the people of Ammon sent messengers and hired the Arameans of Beth Rehob and Zobah, twenty thousand foot soldiers, and the king of Maacah with a thousand men, and the men of Tob with twelve thousand men.
7 Paakazvinzwa, Dhavhidhi akatumira Joabhu navarume vose veboka ravarwi.
When David heard of it, he sent Joab and all the army of soldiers.
8 VaAmoni vakabuda pasuo reguta ravo ndokubva vazvironga kuti varwe, uye vaAramu veZobha neRehobhi navarume veTobhi neveMaaka vakanga vari voga mubani.
The Ammonites came out and formed a line of battle at the entrance to their city gate, while the Arameans of Zobah and of Rehob, and the men of Tob and Maacah, stood by themselves in the open fields.
9 Joabhu akaona kuti akanga akombwa navarwi mberi neshure; naizvozvo akasarudza dzimwe mhare dzavaIsraeri ndokuvaendesa kundorwisa vaAramu.
When Joab saw the battle lines facing him both in front and behind, he chose some of Israel's best fighters and arranged them against the Arameans.
10 Akaisa vamwe vose pasi paAbhishai mukoma wake ndokuvatuma kundorwisa vaAmoni.
The rest of his people he put into the hand of Abishai his brother, and he set them out in position to fight against the army of Ammon.
11 Joabhu akati, “Kana vaAramu vakandikurira iwe wozouya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukurira ipapo ini ndichauya kuzokununura.
Joab said, “If the Arameans are too strong for me, then you, Abishai, must rescue me. But if the army of Ammon is too strong for you, then I will come and rescue you.
12 Iva nesimba tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvinomufadza.”
Be strong, and let us show ourselves to be strong for our people and for the cities of our God, for Yahweh will do what is good for his purpose.”
13 Zvino Joabhu navarwi vake vakaenda kundorwisa vaAramu, ivo vakatiza pamberi pake.
So Joab and the soldiers of his army advanced to the battle against the Arameans, who were forced to flee before the army of Israel.
14 VaAmoni pavakaona vaAramu vachitiza, vakatiza pamberi paAbhishai, ndokupinda muguta. Saka Joabhu akadzoka kundorwisa vaAmoni akasvika kuJerusarema.
When the army of Ammon saw that the Arameans had fled, they also fled from Abishai and went back into the city. Then Joab returned from the people of Ammon and went back to Jerusalem.
15 VaAramu vakati vaona kuti vakundwa navaIsraeri, vakaunganazve.
When the Arameans saw that they were being defeated by Israel, they gathered themselves together again.
16 Hadhadhezeri akakokera vaAramu kubva mhiri kwoRwizi; vakaenda kuHeramu vachitungamirirwa naShobhaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri.
Then Hadarezer sent for Aramean troops from beyond the Euphrates River. They came to Helam, and Shobak, the commander of Hadarezer's army, went before them.
17 Dhavhidhi akati azvinzwa, akaunganidza vaIsraeri vose, vakayambuka Jorodhani vakaenda kuHeramu. VaAramu vakazvigadzirira kuti vasangane naDhavhidhi uye vakarwa naye.
When David was told this, he gathered all Israel together, crossed the Jordan, and arrived at Helam. The Arameans arranged themselves in battle lines against David and fought him.
18 Asi vakatiza pamberi pavaIsraeri, Dhavhidhi akauraya mazana manomwe avachairi vengoro dzamabhiza nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akabaya Shobhaki mutungamiri wehondo yavo, akafira ipapo.
The Arameans fled from Israel, and David killed seven hundred of their men in chariots and forty thousand horsemen. Shobak the commander of their army was wounded and died there.
19 Madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezeri akati aona kuti akundwa navaIsraeri, akayanana navaIsraeri uye akava pasi pavo. Saka vaAramu vakatya kubatsira vaAmoni zvakare.
When all the kings who were servants of Hadarezer saw that they were defeated by Israel, they made peace with Israel and became their subjects. So the Arameans were afraid to help the people of Ammon anymore.