< 2 Petro 1 >
1 Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu:
这封信函来自耶稣基督的仆人和使徒西门·彼得,写给与我们一样,对我们的上帝和救主耶稣基督有着无价信任、真正是良善正义之人。
2 Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu.
你们在上帝和我们的主耶稣的知识中成长过程中,愿你们获得更多恩典和平安。
3 Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko.
通过他的神圣力量,我们已获得重要的一切,过上以上帝为中心的生活。这是因为认识他,他以自己的荣耀和善良召唤我们。 通过这种方式,他为我们提供了神奇而无价的承诺。
4 Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.
通过这些承诺,你可以分享这神圣的天性,摆脱这个世界邪恶欲望所产生的腐朽。
5 Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva;
正是因为这缘故,要尽你所能!你的善行加上你对上帝和信;你的知识加上你的善行;
6 napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari;
你的自控能力加上你的知识;你的自控能力加上耐心;你的耐心加上敬畏;
7 napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.
你的敬畏会带来对信徒的爱;对信徒的爱,会带来爱。
8 Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musashayiwa zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.
你越多地具备这样的品质,那么在认识我们的主耶稣基督时,他们就更不容易变得没有效果和毫无效率。
9 Asi kana munhu asina zvinhu izvi, anoona zviri pedyo uye ibofu, uye akanganwa kuti iye akanatswa pazvivi zvake zvakare.
因为没有这些品质的人,往往都目光短浅或非常盲目。他们忘记自己已经从过去的罪孽中被洗净。
10 Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi,
所以兄弟姐妹们,要更坚定地让自己真正“被召唤和被挑选。”你这样做就永远不会坠落。
11 nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu. (aiōnios )
你将受到热烈欢迎,进入我们主和救世主耶稣基督的永恒国度。 (aiōnios )
12 Saka ndicharamba ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makanyatsosimba muchokwadi chamunacho zvino.
所以我总是提醒你们这些事情,即使你们已经了然并且坚持你所拥有的真理。
13 Ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndimutse ndangariro dzenyu ndichiri mutende romuviri uno,
但我仍然认为,趁我在世之时,通过提醒你们来鼓励你们,这是个好主意。
14 nokuti ndinoziva kuti ndichakurumidza kuibvisa, sezvandakaratidzwa pachena naIshe wedu Jesu Kristu.
我知道,我离开今生之日已经不远——我们的主耶稣基督已向我表明这一点。
15 Uye ndichashingaira kuti ndione kuti shure kwokuenda kwangu mucharamba muchirangarira zvinhu izvi.
我会尽其所能,在我离开之后,你们还能时常回忆起这些事。
16 Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake.
当我们对你们说:我们主耶稣基督的大能即将到来,我们所说的并非虚构的神话,我们曾亲眼目睹他的威严。
17 Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.”
如果听到那庄严荣耀的声音说:“这是我的爱子,是真正令我喜悦的”,就代表从天父上帝那里获得威严荣耀。
18 Isu pachedu takanzwa inzwi iri rakabva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene.
当我们在圣山与他一起时,亲耳听到从天上传来的这个声音。
19 Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu.
我们还有先知的确凿之语,绝对值得信赖,关注它一定会让你受益。它就像一盏灯,照亮黑暗之地,直到天亮;就像晨星,它的光照亮你的思想。
20 Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga.
最重要的是,你应该意识到,圣经中的任何预言都不能由个人的一时兴起来解释,
21 Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.
因为预言并非起源于人类,而是先知在圣灵的感应下,代表上帝说话。