< 2 Petro 3 >

1 Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene.
朋友们,这是我写给你们的第二封信。在这两封信中,我都在试图激发你们,提醒你们用纯净的思想进行清晰的思考。
2 Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu.
记住以往圣先知们说的话,以及主和救世主通过你们的使徒做出的嘱咐。
3 Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo.
首先应该要知道:在末世必有讥讽之人,他们充满嘲讽之心,追随自己的邪恶欲望。
4 Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.”
“那么他要降临的承诺哪去了?”他们问。“从我们祖先去世的那一刻,一切都像从创世之日开始往常一样继续。”
5 Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga rakavapo uye nyika ikaumbwa ichibva mumvura uye ikaitwa nemvura.
但是他们故意忽略一个事实:天空是上帝下令在很久以前创造的。大地诞生于水,被水包围。
6 Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa.
水摧毁了当时存在的世界,那个世界被水淹没。
7 Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.
但是通过同样的神圣命令,眼前存在的天地被保留下来,留待审判之日被火毁灭,那时恶人也会被毁灭。
8 Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete.
但我的朋友们,别忘记:对主而言一天就像一千年,一千年就像一天。
9 Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.
主并没有像某些人以为的那样,将其承诺拖后,而是对你们非常耐心。他不希望任何人迷失,而是希望每个人都过来,都悔改。
10 Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena.
但主的日子终将到来,就像盗贼一样出乎意料。天堂将在雷鸣般的轰鸣中爆炸,所有元素将被焚烧和毁灭。地球和大地上的一切都将消失。
11 Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari,
既然一切都将如此毁灭,你应该是哪种人?你应该过着纯洁的生活,献身于上帝,
12 muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa.
期待并渴望上帝之日的到来。在那一天,天空会燃起大火并被毁灭,所有元素都会在高温中融化。
13 Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.
但对我们而言,我们正在寻找上帝所承诺新天和新地,那里的一切都如此良善正直。
14 Saka zvino, vadikani, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye.
所以我的朋友们,既然你已经预料到这一切,请确保在看到你时,你是纯洁而无可指责的,与上帝和平相处。
15 Muzive izvi kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponeso, sokunyorerwa kwamakaitwa naPauro hama yedu, nouchenjeri hwaakapiwa naMwari.
请记住,是我们主的耐心给了我们救赎的机会。我们亲爱的兄弟保罗在他所有的书信中,曾用上帝赐予他的智慧向你解释了这一切。
16 Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa.
他谈到了这些事情,尽管他所写的部分内容肯定很难理解。一些无知和不平衡之人歪曲他所写的内容,这让他们自己蒙受损失,正如他们歪曲其他经文。
17 Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu.
我的朋友们,既然你们已经知道了这些,就不要让恶人的错误引你们误入歧途,不要从自己牢固的位置上跌落。
18 Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni. (aiōn g165)
愿我们的主以及救世主耶稣基督的恩典和知识,愿你们获得成长。愿荣耀归于他,无论现在还是永远!阿门。 (aiōn g165)

< 2 Petro 3 >

The Great Flood
The Great Flood