< 2 Madzimambo 5 >

1 Zvino Naamani, mukuru wehondo yamambo weAramu, aiva munhu mukuru kwazvo pamberi patenzi wake uye aikudzwa zvikuru, nokuti kubudikidza naye, Jehovha akapa mambo weAramu kukunda. Aiva murwi ane simba noumhare, asi aiva namaperembudzi.
Now Naaman, captain of the army of the king of Aram, was a great man with his master, and honorable, because by him YHWH had given victory to Aram: he was also a mighty man of valor, but he was a leper.
2 Zvino mauto eAramu akabuda kundorwa akadzoka ava nomusikana weIsraeri wavakanga vatapa, uye akashandira mukadzi waNaamani.
The Arameans had gone out in bands, and had brought away captive out of the land of Israel a little maiden; and she waited on Naaman's wife.
3 Akati kuna tenzikadzi wake, “Dai tenzi wangu aiona muprofita ari muSamaria! Aizomuporesa pamaperembudzi ake.”
She said to her mistress, "I wish that my lord were with the prophet who is in Samaria. Then he would heal him of his leprosy."
4 Naamani akaenda kuna tenzi wake akamutaurira zvaakanga audzwa nomusikana akanga abva kuIsraeri.
Someone went in, and told his lord, saying, "The maiden who is from the land of Israel said this."
5 Mambo weAramu akati, “Zvakanaka, enda hako. Ini ndichatumirawo tsamba kuna mambo weIsraeri.” Naizvozvo Naamani akaenda, akatora matarenda gumi esirivha nezviuru zvitanhatu zvamashekeri egoridhe uye nemhando gumi dzenguo.
The king of Aram said, "Go now, and I will send a letter to the king of Israel." He departed, and took with him ten talents of silver, and six thousand pieces of gold, and ten changes of clothing.
6 Tsamba yaakaenda nayo kuna mambo weIsraeri yaiti: “Ndatuma muranda wangu Naamani netsamba iyi kuti umurape maperembudzi ake.”
He brought the letter to the king of Israel, saying, "Now when this letter has come to you, look, I have sent Naaman my servant to you, that you may heal him of his leprosy."
7 Mambo weIsraeri akati achangopedza kuverenga tsamba iyi, akabvarura nguo dzake akati, “Ndini Mwari here? Ndinogona kuuraya nokuraramisa here? Sei murume uyu atuma munhu kwandiri kuti azorapwa maperembudzi ake. Onai kuti anoedza sei kutsvaka bopoto neni!”
It happened, when the king of Israel had read the letter, that he tore his clothes, and said, "Am I God, to kill and to make alive, that this man sends to me to heal a man of his leprosy? But please consider and see how he seeks a quarrel against me."
8 Erisha munhu waMwari, akati anzwa kuti mambo weIsraeri abvarura nguo dzake, akamutumira shoko akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Regai murume uyo auye kwandiri, uye achaziva kuti muIsraeri mune muprofita.”
It was so, when Elisha the man of God heard that the king of Israel had torn his clothes, that he sent to the king, saying, "Why have you torn your clothes? Let him come now to me, and he shall know that there is a prophet in Israel."
9 Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro akandomira pamukova weimba yaErisha.
So Naaman came with his horses and with his chariots, and stood at the door of the house of Elisha.
10 Erisha akatuma nhume yake kwaari achiti, “Enda unoshamba kanomwe muJorodhani, ipapo nyama yako ichadzoredzerwa pakare uye uchava wakanatswa.”
Elisha sent a messenger to him, saying, "Go and wash in the Jordan seven times, and your flesh shall come again to you, and you shall be clean."
11 Asi Naamani akabvapo atsamwa akati, “Ndanga ndichifunga kuti zvirokwazvo achauya kwandiri agomira achidana kuzita raJehovha Mwari wake, agoninira ruoko rwake panzvimbo yacho agondiporesa maperembudzi.
But Naaman was angry, and went away, and said, "Look, I thought, 'He will surely come out to me, and stand, and call on the name of YHWH his God, and wave his hand over the place, and heal the leper.'
12 Ko, Abhana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzisi nani kupinda mvura yose yeIsraeri here? Handaigona kushamba madziri ndikanatswa here?” Naizvozvo akabvapo akaenda akatsamwa kwazvo.
Aren't Abanah and Pharpar, the rivers of Damascus, better than all the waters of Israel? Couldn't I go wash in them, and be clean?" So he turned and went away in a rage.
13 Varanda vaNaamani vakaenda kwaari vakati, “Nhai baba, dai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chikuru, hamaizochiita here? Zvino zvaati kwamuri, ‘Shambai mugonatswa!’”
His servants came near, and spoke to him, and said, "My father, if the prophet had asked you to do some great thing, wouldn't you have done it? How much rather then, when he says to you, 'Wash, and be clean?'"
14 Saka akaburuka akandozvinyudza muna Jorodhani kanomwe, sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, nyama yake ikadzoredzerwa pakare ikava yakachena, seyomwana mucheche.
Then he went down and dipped himself seven times in the Jordan, according to the saying of the man of God; and his flesh was restored like the flesh of a little child, and he was clean.
15 Ipapo Naamani akadzokera neboka rake rose kumunhu waMwari. Akamira pamberi pake akati, “Zvino ndava kuziva kuti hakuna Mwari panyika yose kunze kwomunyika yeIsraeri. Ndapota, gamuchirai chipo chabva kumuranda wenyu.”
He returned to the man of God, he and all his company, and came, and stood before him; and he said, "See now, I know that there is no God in all the earth, but in Israel. Now therefore, please take a gift from your servant."
16 Asi muprofita akati, “Zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, iye wandinoshumira, handisi kuzogamuchira chinhu.” Kunyange zvazvo Naamani akamugombedzera, iye akaramba.
But he said, "As YHWH lives, before whom I stand, I will receive none." He urged him to take it; but he refused.
17 Naamani akati, “Ndapota, kana musingadi, muranda wenyu ngaapiwe hake ivhu ringatakurwa namanyurusi maviri, nokuti muranda wenyu haachambofazve akaita chipiriso chinopiswa nechibayiro kuna vamwe vamwari vapi zvavo asi kuna Jehovha.
Naaman said, "If not, then, please let two mules' burden of earth be given to your servant; for your servant will from now on offer neither burnt offering nor sacrifice to other gods, but to YHWH.
18 Asi Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu chimwe chete ichi: Vatenzi vangu pavanopinda mutemberi yaRimoni kundonamatamo pasi, uye vakasendamira paruoko rwangu, neni ndikakotama ndirimowo, pandinokotama mutemberi yaRimoni, Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu ichi.”
In this thing may YHWH pardon your servant: when my master goes into the house of Rimmon to worship there, and he leans on my hand, and I bow myself in the house of Rimmon. When I bow myself in the house of Rimmon, may YHWH pardon your servant in this thing."
19 Erisha akati, “Enda hako norugare.” Mushure mokunge Naamani afamba kwechinhambo,
He said to him, "Go in peace." So he departed from him a little way.
20 Gehazi muranda waErisha munhu waMwari, akati mumwoyo make, “Tenzi wangu arerutsira zvakanyanya Naamani, muAramu uyu, pakusagamuchira kubva kwaari zvaanga auya nazvo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, ndichamhanya ndimutevere ndigotora chimwe chinhu kwaari.”
But Gehazi the servant of Elisha the man of God, said, "Look, my master has spared this Naaman the Aramean, in not receiving at his hands that which he brought. As YHWH lives, I will run after him, and take something from him."
21 Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani akati amuona achimumhanyira, akaburuka mungoro kuti andosangana naye. Akati kwaari, “Kwakanaka here?”
So Gehazi followed after Naaman. When Naaman saw one running after him, he came down from the chariot to meet him, and said, "Is all well?"
22 Gehazi akapindura akati, “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Pane majaya maviri abva kuboka ravaprofita achangosvika kwandiri achibva kunyika yamakomo yaEfuremu. Ndapota, muvape henyu tarenda resirivha nemhando mbiri dzenguo.’”
He said, "All is well. My master has sent me, saying, 'Look, even now two young men of the sons of the prophets have come to me from the hill country of Ephraim. Please give them a talent of silver and two changes of clothing.'"
23 Naamani akati, “Torai henyu matarenda maviri.” Akagombedzera Gehazi kuti azvigamuchire, ndokubva asungira matarenda maviri esirivha mumasaga maviri, nemhando mbiri dzenguo. Akazvipa kuvaranda vake vaviri, vakazvitakura vari mberi kwaGehazi.
Naaman said, "Be pleased to take two talents." He urged him, and bound two talents of silver in two bags, with two changes of clothing, and laid them on two of his servants; and they carried them before him.
24 Gehazi akati asvika pachikomo, akatora zvinhu kubva kuvaranda akazviisa mumba make. Akadzosa varume vaya ivo ndokuenda havo.
When he came to the hill, he took them from their hand, and stored them in the house. Then he let the men go, and they departed.
25 Ipapo akapinda akandomira pamberi paErisha tenzi wake. Erisha akamubvunza akati, “Wanga uripiko Gehazi?” Gehazi akapindura akati, “Muranda wenyu haana kwaamboenda.”
But he went in, and stood before his master. Elisha said to him, "Where did you come from, Gehazi?" He said, "Your servant went nowhere."
26 Asi Erisha akati kwaari, “Mweya wangu wanga usinewe here paburuka murume mungoro yake kuti azosangana newe? Ko, ino inguva yokutora mari kana kugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neyemizambiringa, namakwai, nemombe, kana varandarume navarandakadzi here?
He said to him, "Did not my heart go with you, when the man turned from his chariot to meet you? Is it a time to receive money, and to receive garments, and olive groves and vineyards, and sheep and cattle, and male servants and female servants?
27 Naizvozvo maperembudzi aNaamani achanamatira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi.” Ipapo Gehazi akabva pamberi paErisha ava namaperembudzi, achena sechando.
Therefore the leprosy of Naaman will cling to you and to your descendants forever." He went out from his presence a leper, as white as snow.

< 2 Madzimambo 5 >