< 2 Madzimambo 4 >

1 Zvino mukadzi womumwe murume weboka ravaprofita akadanidzira kuna Erisha akati, “Muranda wenyu, murume wangu afa, uye munoziva kuti aitya Jehovha. Asi zvino uyo waakanga atorera chikwereti ari kuuya kuzotora vanakomana vangu vaviri kuti vave nhapwa dzake.”
Kwasekukhala kuElisha umfazi othile wabafazi bamadodana abaprofethi esithi: Inceku yakho umkami sewafa; lawe uyazi ukuthi inceku yakho yayiyesaba iNkosi; sekufikile umkweledisi ukuzithathela abantwana bami ababili babe yizigqili.
2 Erisha akamupindura akati, “Ndingakubatsira seiko? Nditaurire, chii chaunacho mumba mako?” Iye akati, “Murandakadzi wenyu haana kana chinhu kunze kwamafuta mashoma shoma.”
UElisha wasesithi kuye: Ngingakwenzelani? Ngitshela, ulani endlini? Wasesithi: Incekukazi yakho kayilalutho endlini, ngaphandle kwesiphiso samafutha.
3 Erisha akati kwaari, “Enda unokumbira vavakidzani vako vose vakupe midziyo isina chinhu. Usakumbira mishoma.
Wasesithi: Hamba uyezebolekela izitsha ezivela phandle, kubomakhelwane bakho bonke, izitsha ezingelalutho, zingabi nlutshwana.
4 Ipapo ugopinda mumba uzvipfigire mukova iwe navana vako. Udire mafuta mumidziyo yose, ugoisa parutivi mudziyo unenge wazara.”
Nxa usungenile uzivalele wena lamadodana akho umnyango, uthele kulezizitsha zonke; lokugcweleyo ukubeke eceleni.
5 Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova iye navana vake vari mukati. Vakauya nemidziyo kwaari, iye akaramba achingodira.
Wasesuka-ke kuye wazivalela yena lamadodana akhe umnyango; bazisondeza kuye, wathulula.
6 Midziyo yose yakati yazara, akati kumwanakomana wake, “Ndivigire mumwe mudziyo.” Asi iye akapindura akati, “Hapachina mumwe mudziyo wasara.” Ipapo mafuta akabva aguma.
Kwasekusithi izitsha sezigcwele wathi endodaneni yakhe: Ngilethela njalo isitsha. Yasisithi kuye: Kakuselasitsha. Amafutha asesima.
7 Akaenda kundoudza munhu waMwari uye iye akati, “Chienda unotengesa mafuta ugoripa zvikwereti zvako, iwe navanakomana vako mugorarama neanenge asara.”
Wasesiza wamazisa umuntu kaNkulunkulu; wasesithi: Hamba uyethengisa amafutha, uhlawule isikwelede sakho; wena-ke lamadodana akho liphile ngaseleyo.
8 Rimwe zuva Erisha akaenda kuShunemi. Ikoko kwaiva nomukadzi akanga ari mupfumi, uye akamugombedzera kuti agare ambodya. Saka nguva dzose paaipfuura nepo, aimirapo odya.
Kwasekusithi ngolunye usuku uElisha wedlulela eShunemi lapho okwakulowesifazana oyisikhulu owamcindezela ukuthi adle isinkwa. Kwakusithi-ke lanini esedlula, aphambukele khona ukuthi adle isinkwa.
9 Mukadzi akati kumurume wake, “Ndinoziva kuti murume uyu anopfuura napano, mutsvene waMwari.
Wasesithi kumkakhe: Khangela-ke, ngiyazi ukuthi lo ungumuntu ongcwele kaNkulunkulu, owedlula kithi njalonjalo.
10 Ngativakei kamuri padenga tigomuisira mubhedha netafura, nechigaro uye nerambi imomo. Ipapo achakwanisa kugaramo paanenge angotishanyira.”
Ake senze ikamelo elincinyane eliphezulu emdulini, simfakele lapho umbheda letafula lesihlalo lesiqobane sesibane; kuzakuthi-ke lapho efika kithi aphambukele khona.
11 Rimwe zuva Erisha akati asvika, akakwira kukamuri rake ndokurara imomo.
Kwasekusithi ngolunye usuku wafika khona, waphambukela ekamelweni eliphezulu, walala khona.
12 Akati kumuranda wake Gehazi, “Dana mukadzi muShunami.” Naizvozvo akamudana, uye akamira pamberi pake.
Wasesithi kuGehazi inceku yakhe: Biza lo umShunamikazi. Esembizile, wema phambi kwakhe.
13 Erisha akati kwaari, “Muudze kuti, ‘Makatitamburira imi pane zvose izvi, zvino mungaitirwewo chii? Tingakumiririrai kuna mambo here kana kumukuru wehondo?’” Iye akapindura akati, “Ndine musha pakati pavanhu vokwangu.”
Wasesithi kuyo: Tshono kuye-ke uthi: Khangela, usinakekele ngakho konke lokhukunaka; kuyini ongakwenzelwa? Kukhona ongakukhulunyelwa enkosini kumbe enduneni yebutho yini? Wasesithi: Ngihlala phakathi kwabantu bakithi.
14 Erisha akabvunza akati, “Angaitirwe chiiko?” Gehazi akati, “Zvirokwazvo, haana mwanakomana uye murume wake akwegura.”
Wasesithi: Kuyini-ke angakwenzelwa? UGehazi wasesithi: Qiniso, kalamntwana, lomkakhe usemdala.
15 Ipapo Erisha akati, “Mudane.” Naizvozvo akamudana, mukadzi akamira pamukova.
Wasesithi: Mbize. Esembizile, wema emnyango.
16 Erisha akati, “Nenguva inenge ino gore rinouya, uchafungatira mwanakomana mumaoko ako.” Iye akati, “Kwete, ishe wangu. Haiwa munhu waMwari, musarevera nhema murandakadzi wenyu!”
Wasesithi: Ngalesisikhathi esimisiweyo njengokwesikhathi sempilo uzagona umntwana. Kodwa wathi: Hatshi, nkosi yami, muntu kaNkulunkulu, ungayiqambeli amanga incekukazi yakho.
17 Asi mukadzi akava nemimba, uye gore raitevera nenguva yakare iyoyo akapona mwanakomana, sezvaakanga audzwa naErisha.
Owesifazana wasekhulelwa, wabeletha umntwana ngalesosikhathi esimisiweyo njengokwesikhathi sempilo uElisha ayesitshilo kuye.
18 Mwana akati akura, nerimwe zuva akaenda kuna baba vake, kwavaiva navakohwi.
Esekhulile umntwana, kwathi ngosuku oluthile waphuma waya kuyise kubavuni.
19 Akati kuna baba vake, “Musoro wangu! Musoro wangu!” Baba vake vakataurira muranda vakati, “Mutakurei muende naye kuna mai vake.”
Wasesithi kuyise: Ikhanda lami! Ikhanda lami! Wasesithi encekwini: Mthwale umuse kunina.
20 Mushure mokunge muranda amusimudza, akaenda naye kuna mai vake, mukomana akagara pamakumbo amai vake kusvikira masikati, ndokubva afa.
Isimthwele yamusa kunina, wahlala emadolweni akhe kwaze kwaba semini, wasesifa.
21 Vakakwira pamusoro naye vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, ndokupfiga mukova ndokubuda.
Wasesenyuka, wamlalisa embhedeni womuntu kaNkulunkulu, wamvalela, waphuma.
22 Mukadzi akadana murume wake akati, “Ndapota, ndidanire mumwe wavaranda nembongoro kuti ndiende kumunhu waMwari nokukurumidza ndigodzoka.”
Wasememeza umkakhe wathi: Ake uthume kimi enye yezinceku lomunye wabobabhemi, ukuze ngigijime ngiye emuntwini kaNkulunkulu, ngibuye futhi.
23 Iye akamubvunza akati, “Uri kuendereiko kwaari nhasi? Hakusi Kugara kwoMwedzi kana Sabata.” Akapindura akati, “Hazvina mhosva.”
Wasesithi. Uyelani kuye lamuhla? Kakusikuthwasa kwenyanga njalo kakusisabatha. Owesifazana wasesithi: Kulungile.
24 Akaisa chigaro pamusoro pembongoro akati kumuranda wake, “Tungamira; usafamba zvishoma uchiitira ini kunze kwokunge ndakuudza.”
Esembophelele isihlalo ubabhemi, wathi encekwini yakhe: Tshaya uhambe, ungangibambeleli ekuhambeni, ngaphandle ngikutshele.
25 Naizvozvo akaenda akasvika kumunhu waMwari paGomo reKarimeri. Akati achimuona achiri kure, munhu waMwari akati kumuranda wake Gehazi, “Tarisa! Hoyo mukadzi muShunami!
Wahamba-ke, weza emuntwini kaNkulunkulu entabeni iKharmeli. Kwasekusithi umuntu kaNkulunkulu embona esiza, wathi kuGehazi inceku yakhe: Khangela, nanguyana umShunamikazi.
26 Mhanya undosangana naye ugomubvunza kuti, ‘Munofara mose here? Ko, murume wako anofara here? Ko, mwana wako anofara here?’” Mukadzi akati, “Zvose zvakanaka.”
Khathesi akugijime umhlangabeze, uthi kuye: Kulungile yini kuwe? Kulungile yini ngomkakho? Kulungile yini ngomntwana? Wasesithi: Kulungile.
27 Paakasvika kumunhu waMwari paGomo, akabata makumbo ake. Gehazi akauya achiti amusundire kure, asi munhu waMwari akati, “Murege akadaro! Nokuti ane shungu dzinomutambudza, asi Jehovha akandivanzira chinhu ichi uye haana kundiudza kuti imhaka yei.”
Esefikile entabeni kumuntu kaNkulunkulu wabamba inyawo zakhe. Kodwa uGehazi wasondela ukumsunduza asuke. Kodwa umuntu kaNkulunkulu wathi: Myekele, ngoba umphefumulo wakhe umunyu kuye, leNkosi ingifihlele lokhu, kayingitshelanga.
28 Mukadzi akati, “Ndakakukumbirai mwanakomana here, tenzi wangu? Ko, handina kukutaurirai kuti musandinyengedzera here?”
Wasesithi: Ngangicelile indodana enkosini yami yini? Kangitshongo yini ukuthi: Ungangikhohlisi?
29 Erisha akati kuna Gehazi, “Zvisunge chiuno ubate tsvimbo yangu muruoko rwako umhanye. Kana ukasangana naani zvake, usamukwazisa, uye ani naani anokukwazisa, iwe usapindura. Uradzike tsvimbo yangu pauso hwomukomana.”
UElisha wasesithi kuGehazi: Bopha ukhalo lwakho, uthathe udondolo lwami esandleni sakho, uhambe. Uba uhlangana lomuntu ungambingeleli, njalo uba umuntu ekubingelela ungamphenduli; ubeke udondolo lwami ebusweni bomntwana.
30 Asi mai vomwana vakati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handisi kuzokusiyai.” Naizvozvo akasimuka akamutevera.
Unina womntwana wasesithi: Kuphila kukaJehova lokuphila komphefumulo wakho, kangiyikukutshiya. Wasesukuma wamlandela.
31 Gehazi akatungamira mberi akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi hapana chakanzwika kana chakapfakanyika. Naizvozvo Gehazi akadzokera kuti andosangana naErisha akamuudza kuti, “Mukomana haana kumuka.”
UGehazi wedlulela phambi kwabo, walubeka udondolo ebusweni bomntwana, kodwa kakubanga khona ilizwi njalo kwakungelakunaka. Wasebuyela ukumhlangabeza, wamtshela esithi: Umntwana kavukanga.
32 Erisha paakasvika pamba, akawana mukomana ari pamubhedha akafa.
UElisha esengenile endlini, khangela, umntwana wayefile, elaliswe embhedeni wakhe.
33 Akapinda mukati, akapfiga mukova iye nomwana vari vaviri, akanyengetera kuna Jehovha.
Wasengena, wavala umnyango emva kwabo bobabili, wakhuleka eNkosini.
34 Ipapo akakwira pamubhedha akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo womwana, nameso ake pameso omwana, uye maoko pamaoko ake. Paakatsivamira pamusoro pake, muviri womukomana wakatanga kudziya.
Wenyuka walala phezu komntwana, wabeka umlomo wakhe phezu komlomo wakhe lamehlo akhe phezu kwamehlo akhe lezandla zakhe phezu kwezandla zakhe, wacambalala phezu kwakhe; inyama yomntwana yasikhudumala.
35 Erisha akafuratira, achifamba-famba mukati mekamuri akadzokerazve pamubhedha akatsivamazve pamusoro pake. Mukomana akahotsira kanomwe kose ndokusvinura meso ake.
Wasebuyela, wahambahamba endlini waya kanye ngapha lakanye le, wasesenyuka wacambalala phezu kwakhe; umntwana wasethimula kwaze kwaba kasikhombisa, umntwana wasevula amehlo akhe.
36 Erisha akadana Gehazi akati kwaari, “Dana mukadzi muShunami.” Iye akaita saizvozvo. Akati apinda, Erisha akati kwaari, “Tora mwanakomana wako.”
Wasebiza uGehazi wathi: Mbize lo umShunamikazi. Wasembiza. Esefikile kuye, wathi kuye: Thatha umntanakho.
37 Ipapo akapinda, akazviwisira patsoka dzake akakotamira pasi, akasimuka akatora mwanakomana wake akabuda.
Wasengena, wawela ezinyaweni zakhe, wakhothamela emhlabathini, waphakamisa umntanakhe, waphuma.
38 Erisha akadzokera kuGirigari uye maiva nenzara mudunhu imomo. Boka ravanakomana vavaprofita parakanga rigere pamberi pake, akati kumuranda wake, “Gadzai hari huru mubikire boka ravaprofita ava zvokudya.”
UElisha wasebuyela eGiligali, njalo kwakukhona indlala elizweni, amadodana abaprofethi ayehlezi-ke phambi kwakhe, wathi encekwini yakhe: Beka imbiza enkulu eziko, uphekele abaprofethi ukudla okuphekiweyo.
39 Mumwe wavo akaenda kuminda kundotanha muriwo akawana magaka omusango. Akaunganidza mamwe acho akaazadza mujasi rake. Paakadzokera, akaatema-tema ndokuaisa muhari yomuriwo, kunyange zvazvo pakanga pasina aiziva kuti zvaiva zvii.
Omunye wasephuma waya egangeni ukukha imibhida, wathola intandela yeganga, wakha amajodwana ayo eganga, isembatho sakhe sagcwala, weza wawaqobelela embizeni yokudla okuphekiweyo, ngoba ayengawazi.
40 Zvokudya zvakapakurirwa vanhu, asi pavakatanga kudya vakadanidzira vakati, “Nhai munhu waMwari, mune rufu muhari!” Uye vakatadza kuzvidya.
Basebethululela abantu ukuze badle; kwasekusithi besadla okokudla okuphekiweyo bona bamemeza bathi: Ukufa embizeni, muntu kaNkulunkulu! Njalo babengelakukudla.
41 Erisha akati, “Uyai noupfu.” Akahuisa muhari akati, “Ipai vanhu vadye.” Ipapo hapana kuzova nechinokuvadza muhari.
Wasesithi: Lethani-ke impuphu. Waseyithela embizeni wathi: Thululela abantu, ukuze badle. Kwakungaselalutho oluyingozi embizeni.
42 Mumwe murume akauya achibva kuBhaari Sharisha achivigira munhu waMwari marofu makumi maviri echingwa chebhari chakanga chabikwa nezviyo zvakatanga kuibva, pamwe chete nehura dzezviyo zvitsva. Erisha akati, “Ipai vanhu vadye.”
Kwasekufika umuntu evela eBhali-Shalisha, walethela umuntu kaNkulunkulu ukudla kwezithelo zokuqala, izinkwa zebhali ezingamatshumi amabili, lezikhwebu zamabele amatsha emgodleni wakhe. Wasesithi: Banike abantu ukuze badle.
43 Muranda wake akati, “Ndingagovera izvi kuvanhu zana sei?” Asi Erisha akapindura akati, “Ipai vanhu vadye. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya vakasiya zvimwe.’”
Kodwa inceku yakhe yathi: Ini, ngibeke lokhu phambi kwabantu abalikhulu? Wasesithi: Banike abantu ukuze badle, ngoba itsho njalo iNkosi: Bazakudla, batshiye.
44 Ipapo akavaisira pamberi pavo zvokudya, vakadya vakasiya zvimwe, sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha.
Yasikubeka phambi kwabo, badla, batshiya, njengokwelizwi leNkosi.

< 2 Madzimambo 4 >