< 2 Madzimambo 25 >

1 Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza.
और उसकी सल्तनत के नौवें बरस के दसवें महीने के दसवें दिन, यूँ हुआ कि शाह — ए — बाबुल नबूकदनज़र ने अपनी सारी फ़ौज के साथ येरूशलेम पर चढ़ाई की, और उसके सामने ख़ैमाज़न हुआ, और उन्होंने उसके सामने चारों तरफ़ घेराबन्दी की।
2 Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia.
और सिदक़ियाह बादशाह की सल्तनत के ग्यारहवें बरस तक शहर का मुहासिरा रहा।
3 Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu.
चौथे महीने के नौवें दिन से शहर में काल ऐसा सख़्त हो गया, कि मुल्क के लोगों के लिए कुछ खाने को न रहा।
4 Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha,
तब शहर पनाह में सुराख़ हो गया, और दोनों दीवारों के बीच जो फाटक शाही बाग़ के बराबर था, उससे सब जंगी मर्द रात ही रात भाग गए, उस वक़्त कसदी शहर को घेरे हुए थे और बादशाह ने वीराने का रास्ता लिया।
5 asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye vakapararira.
लेकिन कसदियों की फ़ौज ने बादशाह का पीछा किया और उसे यरीहू के मैदान में जा लिया, और उसका सारा लश्कर उसके पास से तितर बितर हो गया था।
6 Akabatwa akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa.
इसलिए वह बादशाह को पकड़ कर रिबला में शाह — ए — बाबुल के पास ले गए, और उन्होंने उस पर फ़तवा दिया।
7 Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi.
और उन्होंने सिदक़ियाह के बेटों को उसकी आँखों के सामने ज़बह किया और सिदक़ियाह की आँखें निकाल डालीं और उसे ज़ँजीरों से जकड़कर बाबुल को ले गए।
8 Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.
और शाह — ए — बाबुल नबूकदनज़र के 'अहद के उन्नीसवें साल के पाँचवें महीने के सातवें दिन, शाह — ए — बाबुल का एक ख़ादिम नबूज़रादान जो जिलौदारों का सरदार था येरूशलेम में आया।
9 Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha.
और उसने ख़ुदावन्द का घर और बादशाह का महल येरूशलेम के सब घर, या'नी हर एक बड़ा घर आग से जला दिया।
10 Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema.
और कसदियों के सारे लश्कर ने जो जिलौदारों के सरदार के साथ थे, येरूशलेम की फ़सील को चारों तरफ़ से गिरा दिया।
11 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi.
और बाक़ी लोगों को जो शहर में रह गए थे, और उनको जिन्होंने अपनों को छोड़ कर शाह — ए — बाबुल की पनाह ली थी, और 'अवाम में से जितने बाक़ी रह गए थे, उन सबको नबूज़रादान जिलौदारों का सरदार क़ैद करके ले गया।
12 Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda.
पर जिलौदारों के सरदार ने मुल्क के कंगालों को रहने दिया, ताकि खेती और बाग़ों की बाग़बानी करें।
13 Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, zvigadziko neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi.
और पीतल के उन सुतूनों को जो ख़ुदावन्द के घर में थे, और कुर्सियों को और पीतल के बड़े हौज़ को, जो ख़ुदावन्द के घर में था, कसदियों ने तोड़ कर टुकड़े — टुकड़े किया और उनका पीतल बाबुल को ले गए।
14 Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi.
और तमाम देगें और बेल्चे और गुलगीर और चम्चे, और पीतल के तमाम बर्तन जो वहाँ काम आते थे ले गए।
15 Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuhwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha.
और अंगीठियाँ और कटोरे, ग़रज़ जो कुछ सोने का था उसके सोने को, और जो कुछ चाँदी का था उसकी चाँदी को, जिलौदारों का सरदार ले गया।
16 Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nezvigadziko zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, yakanga yakawanda zvokuti yaisagona kuyerwa.
और दोनों सुतून और वह बड़ा हौज़ और वह कुर्सियाँ, जिनको सुलेमान ने ख़ुदावन्द के घर के लिए बनाया था, इन सब चीज़ों के पीतल का वज़न बेहिसाब था।
17 Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namasere. Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatu uye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo.
एक सुतून अठारह हाथ ऊँचा था, और उसके ऊपर पीतल का एक ताज था और वह ताज तीन हाथ बलन्द था; उस ताज पर चारों तरफ़ जालियाँ और अनार की कलियाँ, सब पीतल की बनी हुई थीं; और दूसरे सुतून के लवाज़िम भी जाली समेत इन्हीं की तरह थे।
18 Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa.
जिलौदारों के सरदार ने सिरायाह सरदार काहिन को और काहिन — ए — सानी सफ़नियाह को और तीनों दरबानों को पकड़ लिया;
19 Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mukuru wavarwi navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika kuti vave varwi navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta.
और उसने शहर में से एक सरदार को पकड़ लिया जो जंगी मर्दों पर मुक़र्रर था, और जो लोग बादशाह के सामने हाज़िर रहते थे उनमें से पाँच आदमियों को जो शहर में मिले, और लश्कर के बड़े मुहर्रिर को जो अहल — ए — मुल्क की मौजूदात लेता था, और मुल्क के लोगों में से साठ आदमियों को जो शहर में मिले।
20 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura.
इनको जिलौदारों का सरदार नबूज़रादान पकड़ कर शाह — ए — बाबुल के सामने रिबला में ले गया।
21 Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe. Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo.
और शाह — ए — बाबुल ने हमात के 'इलाक़े के रिबला में इनको मारा और क़त्ल किया। इसलिए यहूदाह भी अपने मुल्क से ग़ुलाम होकर चला गया।
22 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha.
जो लोग यहूदाह की सर ज़मीन में रह गए, जिनको नबूकदनज़र शाह — ए — बाबुल ने छोड़ दिया, उन पर उसने जिदलियाह — बिन अख़ीक़ाम — बिन साफ़न को हाकिम मुक़र्रर किया।
23 Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo.
जब लश्करों के सब सरदारों और उनकी सिपाह ने, या'नी इस्माईल — बिन — नतनियाह और यूहनान बिन क़रीह और सिरायाह बिन ताख़ूमत नातूफ़ाती और याजनियाह बिन मा'काती ने सुना कि शाह — ए — बाबुल ने जिदलियाह को हाकिम बनाया है, तो वह अपने लोगों समेत मिस्फ़ाह में जिदलियाह के पास आए।
24 Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.”
जिदलियाह ने उनसे और उनकी सिपाह से क़सम खाकर कहा, “कसदियों के मुलाज़िमों से मत डरो; मुल्क में बसे रहो और शाह — ए — बाबुल की ख़िदमत करो और तुम्हारी भलाई होगी।”
25 Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa.
मगर सातवें महीने ऐसा हुआ कि इस्माईल — बिन — नतनियाह — बिन — इलीसमा' जो बादशाह की नस्ल से था, अपने साथ दस मर्द लेकर आया और जिदलियाह को ऐसा मारा कि वह मर गया; और उन यहूदियों और कसदियों को भी जो उसके साथ मिस्फ़ाह में थे क़त्ल किया।
26 Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi.
तब सब लोग, क्या छोटे क्या बड़े और लोगों के सरदार उठ कर मिस्र को चले गए क्यूँकि वह कसदियों से डरते थे।
27 Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri.
और यहूयाकीन शाह — ए — यहूदाह की ग़ुलामी के सैंतीसवें साल के बारहवें महीने के सत्ताइसवें दिन ऐसा हुआ, कि शाह — ए — बाबुल ईवील मरदूक़ ने अपनी सल्तनत के पहले ही साल यहूयाकीन शाह — ए — यहूदाह को क़ैदख़ाने से निकाल कर सरफ़राज़ किया;
28 Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi.
और उसके साथ मेहरबानी से बातें कीं, और उसकी कुर्सी उन सब बादशाहों की कुर्सियों से जो उसके साथ बाबुल में थे बलन्द की।
29 Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake.
इसलिए वह अपने क़ैदख़ाने के कपड़े बदलकर उम्र भर बराबर उसके सामने खाना खाता रहा;
30 Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake.
और उसको उम्र भर बादशाह की तरफ़ से वज़ीफ़े के तौर पर हर रोज़ ख़र्चा मिलता रहा।

< 2 Madzimambo 25 >