< 2 Madzimambo 22 >

1 Josia akanga ava namakore masere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe. Zita ramai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya; aibva kuBhozikati.
V osmi letech byl Joziáš, když počal kralovati, a kraloval jedno a třidceti let v Jeruzalémě. Jméno matky jeho bylo Jedida, dcera Adaiášova z Baskat.
2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha uye akafamba munzira dzose dzababa vake Dhavhidhi, akasatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
Ten činil to, což pravého jest před očima Hospodinovýma, chodě po vší cestě Davida otce svého, a neuchyluje se na pravo ani na levo.
3 Mugore regumi namasere rokutonga kwake, Mambo Josia akatuma munyori, Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kutemberi yaJehovha. Akati kwaari,
Stalo se pak osmnáctého léta krále Joziáše, že poslal král Safana syna Azaliášova, syna Mesullamova, písaře, do domu Hospodinova, řka:
4 “Enda kuna Hirikia muprista mukuru umuudze kuti averenge mari yakauyiswa mutemberi yaJehovha, iya yakaunganidzwa navarindi vomukova ichibva kuvanhu.
Jdi k Helkiášovi knězi nejvyššímu, ať sečtou peníze, kteréž jsou vneseny do domu Hospodinova, kteréž sebrali strážní prahu od lidu.
5 Uite kuti vaipe kuvarume vakagadzwa kuti vatarire basa rapatemberi. Uye varume ava vanofanira kuripa vabati vanogadzira temberi yaJehovha,
A ať je dadí v ruce řemeslníků představených nad dílem domu Hospodinova, aby je obraceli na dělníky, kteříž dělají dílo v domě Hospodinově, k opravení zbořenin domu,
6 vavezi, navavaki navavezi vamatombo. Uyezve uite kuti vatenge matanda namatombo akavezwa kuti vagadzirise temberi.
Totiž na tesaře a stavitele a zedníky, též aby jednali dříví a tesané kamení k opravování domu.
7 Asi havafaniri kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti ivo vakatendeka pakubata kwavo.”
A však ať počtu nečiní z peněz, kteréž se dávají v ruce jejich; nebo věrně dělati budou.
8 Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani, uyo akariverenga.
I řekl Helkiáš kněz nejvyšší Safanovi písaři: Knihu zákona nalezl jsem v domě Hospodinově. I dal Helkiáš knihu tu Safanovi, kterýž četl v ní.
9 Ipapo Shafani munyori akaenda kuna mambo akandomuzivisa kuti: “Vabati venyu varipa mari iya yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaipa kuvashandi navatariri vapatemberi.”
Přišel pak Safan písař k králi, a oznamuje králi tu věc, řekl: Sebrali služebníci tvoji peníze, kteréž se nalezly v domě Páně, a dali je v ruce řemeslníků představených nad dílem domu Hospodinova.
10 Ipapo Shafani munyori akazivisa mambo achiti, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akariverenga pamberi pamambo.
Oznámil také Safan písař králi, řka: Knihu mi dal Helkiáš kněz. I četl ji Safan před králem.
11 Mambo akati anzwa mashoko eBhuku roMurayiro, akabvarura nguo dzake.
A když slyšel král slova knihy zákona, roztrhl roucho své.
12 Akarayira Hirikia muprista, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo achiti,
A rozkázal král Helkiášovi knězi, a Achikamovi synu Safanovu, a Achborovi synu Michaia, a Safanovi písaři, a Asaiášovi služebníku královskému, řka:
13 “Endai munondibvunzirawo Jehovha, ini navanhu ava, uye navanhu vose veJudha, pamusoro pezvakanyorwa mubhuku rakawanikwa iri. Nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru nokuda kwamadzibaba edu asina kuteerera mashoko ebhuku iri; havana kuita zvose zvakafanira zvakanyorwa pamusoro pedu.”
Jděte, poraďte se s Hospodinem o mne i o lid, a o všeho Judu z strany slov knihy této, kteráž jest nalezena; nebo veliký jest hněv Hospodinův, kterýž rozpálen jest proti nám, proto že otcové naši neposlouchali slov knihy této, aby činili všecko tak, jakž jest nám zapsáno.
14 Hirikia muprista, naAhikami, naAkibhori, naShafani naAsaya vakaenda kundotaura naHuridha muprofitakadzi, akanga ari mukadzi waSharumi mwanakomana waTikivha, mwanakomana waHarihasi, muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri.
Tedy šli Helkiáš kněz a Achikam, a Achbor, a Safan a Asaia k Chuldě prorokyni, manželce Salluma, syna Tekue, syna Charchas, strážného nad rouchem; nebo bydlila v Jeruzalémě na druhé straně. A mluvili s ní.
15 Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udzai murume akutumai kwandiri kuti,
Kteráž řekla jim: Toto praví Hospodin Bůh Izraelský: Povězte muži, kterýž vás poslal ke mně:
16 ‘Zvanzi naJehovha: Ndichauyisa dambudziko pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, zvichienderana nezvose zvakanyorwa mubhuku rakaverengwa namambo weJudha.
Takto praví Hospodin: Aj, já uvedu zlé věci na místo toto a na obyvatele jeho, všecka slova knihy té, kterouž četl král Judský,
17 Nokuti vakandirasa, vakapisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, vakanditsamwisa nokuda kwezvifananidzo zvose zvavakaita namaoko avo, kutsamwa kwangu kuchapfuta pamusoro penzvimbo ino uye hakungadzimwi.’
Proto že mne opustili a kadili bohům cizím, aby mne popouzeli všelikým dílem rukou svých. Z té příčiny rozpálila se prchlivost má na místo toto, aniž bude uhašena.
18 Udzai mambo weJudha, akutumai kuzobvunza Jehovha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko amakanzwa:
Králi pak Judskému, kterýž vás poslal, abyste se tázali Hospodina, takto povíte: Toto praví Hospodin Bůh Izraelský o slovích těch, kteráž jsi slyšel:
19 Nokuti mwoyo wako wakanga uri munyoro uye ukazvininipisa pamberi paJehovha pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, kuti vachatukwa uye kuti vachaitwa dongo, uye nokuti wakabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Poněvadž obměkčeno jest srdce tvé, a ponížils se před tváří Hospodinovou, když jsi slyšel, které věci jsem mluvil proti místu tomuto, a proti obyvatelům jeho, že má přijíti v zpuštění a v zlořečení, a roztrhl jsi roucho své, a plakals přede mnou, i já také uslyšel jsem tě, praví Hospodin.
20 Naizvozvo ndichakurongedza kumadzibaba ako, uye uchavigwa murugare. Meso ako haachazooni matambudziko ose andichauyisa panzvimbo ino.’” Naizvozvo vakaendesa mhinduro yake kuna mambo.
Protož, aj, já připojím tě k otcům tvým, a pochován budeš v hrobích svých v pokoji, aby neviděly oči tvé ničeho z toho zlého, kteréž přivedu na místo toto. I oznámili králi tu řeč.

< 2 Madzimambo 22 >