< 2 Madzimambo 2 >
1 Jehovha paakanga ava kuda kutora Eria nechinyamupupuri kuti amuendese kudenga, Eria naErisha vakanga vari munzira vachibva kuGirigari.
Kwasekusithi iNkosi isizamenyusela uElija emazulwini ngesivunguzane, uElija wahamba loElisha bevela eGiligali.
2 Eria akati kuna Erisha, “Gara pano, nokuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakadzika kuBheteri.
UElija wasesithi kuElisha: Akuhlale lapha, ngoba iNkosi ingithumile eBhetheli. Kodwa uElisha wathi: Kuphila kukaJehova lokuphila komphefumulo wakho, kangiyikukutshiya. Basebesehlela eBhetheli.
3 Boka ravaprofita vapaBheteri rakauya kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Erisha akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”
Lamadodana abaprofethi ayeseBhetheli aphuma eza kuElisha, athi kuye: Uyazi yini ukuthi iNkosi izayisusa inkosi yakho lamuhla ekhanda lakho? Wasesithi: Yebo, mina ngiyazi; thulani.
4 Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano, Erisha; nokuti Jehovha andituma kuJeriko.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakaenda kuJeriko.
UElija wasesithi kuye: Elisha, akuhlale lapha, ngoba iNkosi ingithumile eJeriko. Kodwa wathi: Kuphila kukaJehova lokuphila komphefumulo wakho, kangiyikukutshiya. Basebefika eJeriko.
5 Boka ravaprofita vapaJeriko rakakwira kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva here kuti Jehovha ari kuzokutorera tenzi wako nhasi?” Akavapindura akati, “Hongu, ndinozviziva, regai henyu kuzvitaura.”
Amadodana abaprofethi aseJeriko asesondela kuElisha, athi kuye: Uyazi yini ukuthi lamuhla iNkosi izasusa inkosi yakho ekhanda lakho? Wasesithi: Yebo, mina ngiyazi; thulani.
6 Ipapo Eria akatizve kwaari, “Gara pano; nokuti Jehovha andituma kuJorodhani.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handikusiyei.” Saka vakafamba vose vari vaviri.
UElija wasesithi kuye: Akuhlale lapha, ngoba iNkosi ingithumile eJordani. Kodwa wathi: Kuphila kukaJehova lokuphila komphefumulo wakho, kangiyikukutshiya. Basebehamba bobabili.
7 Boka ravaprofita, ravarume makumi mashanu, rakaenda rikandomira nechokure, vakatarisana napanzvimbo pakanga pamire Eria naErisha paJorodhani.
Amadoda angamatshumi amahlanu awamadodana abaprofethi asesiyakuma khatshana maqondana labo; bona bobabili basebesima eJordani.
8 Eria akatora jasi rake akaripeta akarova mvura naro, mvura ikaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, ivo vaviri vakayambuka napakaoma.
UElija wasethatha isembatho sakhe, wasigoqa, watshaya amanzi, asedabuka ngapha langapha; bobabili basebechapha emhlabathini owomileyo.
9 Vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, “Nditaurire, unoda kuti ndikuitirei ndisati ndatorwa kubva kwauri?” Erisha akapindura akati “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.”
Kwasekusithi sebechaphile uElija wathi kuElisha: Cela engizakwenzela khona ngingakasuswa kuwe. UElisha wathi: Ake kuthi isabelo esiphindwe kabili somoya wakho sibe phezu kwami.
10 Eria akati, “Wakumbira chinhu chakaoma, asi kana ukandiona ndichitorwa kubva kwauri, uchaupiwa, asi kana zvisina kudaro, haungaupiwi.”
Wasesithi: Ucele ulutho olulukhuni; uba ungibona lapha ngisuswa kuwe, kuzakuba njalo kuwe; kodwa uba kungenjalo, kakuyikuba njalo.
11 Zvino pavakanga vachifamba, vachitaurirana, pakarepo ngoro yomoto namabhiza omoto zvakaonekwa zvikaparadzanisa vaviri ava, Eria akaenda kudenga muchinyamupupuri.
Kwasekusithi besahamba, behamba bekhuluma, khangela-ke, kwaba lenqola yomlilo lamabhiza omlilo, kwabehlukanisa bobabili. UElija wasesenyukela emazulwini ngesivunguzane.
12 Uye Erisha akazviona akadanidzira nenzwi guru akati, “Baba vangu! Baba vangu! Ngoro navarume vamabhiza veIsraeri!” Zvino Erisha haana kuzomuonazve. Ipapo akabata nguo dzake akadzibvarura napakati.
UElisha wasekubona wamemeza wathi: Baba wami! Baba wami! Inqola yakoIsrayeli labamabhiza ayo! Njalo kazabe esambona. Wasebamba izigqoko zakhe, wazidabula zaba yiziqa ezimbili.
13 Akanonga jasi rakanga rawira pasi, richibva kuna Eria akadzokera kundomira pamahombekombe eJorodhani.
Wasedobha isembatho sikaElija esawa kuye, wabuyela, wema ekhunjini lweJordani.
14 Ipapo akatora jasi raEria rakanga rawa kubva paari akarova mvura naro akati, “Zvino Jehovha Mwari waEria aripiko?” Paakarova mvura, yakaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, iye ndokubva ayambuka achienda mhiri.
Wasethatha isembatho sikaElija esawa kuye, watshaya amanzi esithi: Ingaphi iNkosi, uNkulunkulu kaElija? Yena-ke esewatshayile amanzi, ehlukana ngapha langapha; uElisha wasechapha.
15 Boka ravaprofita vapaJeriko, avo vakanga vakatarisa, vakati, “Mweya waEria wagara pamusoro paErisha.” Uye vakaenda kundosangana naye vakakotamira pasi pamberi pake.
Kwathi amadodana abaprofethi ayeseJeriko maqondana laye embona athi: Umoya kaElija uhlezi phezu kukaElisha. Asesiza ukumhlangabeza, akhothamela emhlabathini phambi kwakhe.
16 Vakati, “Tarirai, isu varanda venyu tine varume makumi mashanu vakasimba. Ngavaende vandotsvaka tenzi wenyu. Zvimwe Mweya waJehovha wamusimudza ukandomugarisa pamusoro perimwe gomo kana mune mumwe mupata.” Erisha akavapindura akati, “Kwete, musavatuma.”
Asesithi kuye: Khangela khathesi, kulamadoda aqinileyo angamatshumi amahlanu kanye lenceku zakho; akuwayekele ahambe adinge inkosi yakho; mhlawumbe uMoya weNkosi uyenyusile wayiphosela kwenye yezintaba, loba kwesinye sezihotsha. Wasesithi: Lingathumi.
17 Asi vakaramba vachimugombedzera kusvikira anyara kwazvo kuti avarambidze. Saka akati, “Vatumei henyu.” Saka vakatuma varume makumi mashanu vakandomutsvaka kwamazuva matatu asi havana kumuwana.
Sebemphikelele waze waba lenhloni, wathi: Thumani. Basebethuma amadoda angamatshumi amahlanu; adinga insuku ezintathu, kodwa awamtholanga.
18 Pavakadzokera kuna Erisha, kwaaigara muJeriko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti musaenda?”
Asebuyela kuye ehlezi eJeriko, wathi kuwo: Kangitshongo yini kini ukuthi: Lingahambi?
19 Varume vomuguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, tenzi wedu, guta iri riri pakanaka, asi sezvamunoona henyu, mvura yacho yakaipa uye nyika yacho haina zvibereko.”
Amadoda omuzi asesithi kuElisha: Ake ukhangele, indawo yalumuzi inhle njengoba inkosi yami ibona; kodwa amanzi mabi, lomhlabathi kawuvundanga.
20 Iye akati, “Ndivigirei ndiro itsva uye muise munyu mairi.” Naizvozvo vakamuvigira ndiro yacho.
Wasesithi: Ngilethelani umganu omutsha, lifake itshwayi kuwo. Basebewuletha kuye.
21 Ipapo akaenda kuchitubu akakanda munyu imomo achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichazokonzeri rufuzve kana kushayisa nyika zvibereko.’”
Wasephuma waya emthonjeni wamanzi, waphosela itshwayi kuwo, wathi: Itsho njalo iNkosi: Ngiwelaphile amanzi la; kakusayikuba khona ukufa lokungatheli okuvela lapho.
22 Saka mvura yakaramba yakanaka kusvikira nhasi sezvakanga zvarehwa neshoko rakataurwa naErisha.
Amanzi aseselatshwa kuze kube lamuhla, njengelizwi likaElisha alikhulumayo.
23 Achibva ipapo, Erisha akaenda kuBheteri. Paakanga achifamba mumugwagwa, vamwe vechidiki vakabuda muguta vakamusveeredza, vakati kwaari, “Kwira kumusoro, iwe nyamhanza! Kwira kumusoro, iwe nyamhanza!”
Wasesenyuka esuka lapho waya eBhetheli; kwathi esenyuka endleleni kwaphuma abantwanyana emzini, bamklolodela bathi kuye: Yenyuka, mpabanga ndini! Yenyuka, mpabanga ndini!
24 Akacheuka, akavatarisa, akadana chituko pamusoro pavo muzita raJehovha. Ipapo maperekadzi akabuda musango akaparadza vechidiki makumi mana navaviri.
Wasenyemukula, wababona wabaqalekisa ngebizo leNkosi. Kwaphuma amabhere amabili amasikazi ehlathini, adabula abafana abangamatshumi amane lambili kubo.
25 Uye akaenda muGomo reKarimeri, uye achibva ikoko akadzokera kuSamaria.
Wasesuka lapho, waya entabeni iKharmeli, esuka lapho wabuyela eSamariya.